< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎷᎦ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 11 >

1 ᎯᎠᏃ ᏄᎵᏍᏔᏁᎢ, ᎾᏍᎩ ᎠᏓᏙᎵᏍᏗᏍᎬ ᎢᎸᎯᏢ, ᎤᏑᎵᎪᏨ, ᎠᏏᏴᏫ ᎤᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ, ᏣᎬᏫᏳᎯ, ᏍᎩᏰᏲᎲᎦ ᎣᎦᏓᏙᎵᏍᏙᏗᏱ, ᎾᏍᎩ ᏣᏂ ᏥᏄᏛᏁᎴ ᏥᏚᏪᏲᏁ ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ.
Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake.
2 ᎯᎠᏃ ᏂᏚᏪᏎᎴᎢ, ᎢᏣᏓᏙᎵᏍᏗᏍᎨᏍᏗ ᎯᎠ ᏂᏥᏪᏍᎨᏍᏗ, ᎣᎩᏙᏓ ᎦᎸᎳᏗ ᎮᎯ, ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎨᏎᏍᏗ ᏕᏣᏙᎥᎢ; ᏨᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒ ᏫᎦᎾᏄᎪᎢ; ᎭᏓᏅᏖᏍᎬ ᏫᏂᎦᎵᏍᏓ ᎡᎶᎯ ᎾᏍᎩᏯ ᎦᎸᎳᏗ ᏥᏂᎦᎵᏍᏗᎭ.
Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyikawo sezvachinoitwa kudenga.
3 ᎣᎦᎵᏍᏓᏴᏗ ᏍᎩᏁᎮᏍᏗ ᏂᏚᎩᏨᏂᏒᎢ.
Mutipei zuva rimwe nerimwe kudya kwedu kwemazuva ese.
4 ᎠᎴ ᏗᎨᏍᎩᎥᏏᏉ ᎣᎩᏍᎦᏅᏨᎢ; ᎠᏴᏰᏃ ᎾᏍᏉ ᏗᎦᏲᏥᏁᎰ ᏂᎦᏛ ᏦᏥᏚᎩ; ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᎤᏓᎪᎵᏰᏗᏱ ᏫᏗᏍᎩᏯᏘᏅᏍᏔᏅᎩ; ᏍᎩᏳᏓᎴᏍᎨᏍᏗᏉᏍᎩᏂ ᎤᏲ ᎨᏒᎢ.
Uye mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti isuwo tinokanganwira ani nani ane ngava kwatiri. Uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa.
5 ᎯᎠᏃ ᏂᏚᏪᏎᎴᎢ, ᎦᎪ ᎯᎠ ᏥᏂᏣᏛᏅ ᎤᎵᎢ ᏰᎭ, ᎠᎴ ᎡᏃᏱ ᎠᏰᎵ ᏱᏭᎷᏤᎸ, ᎠᎴ ᎯᎠ ᏱᏄᏪᏎᎸ, ᎩᎾᎵᎢ, ᏦᎢ ᎦᏚ ᏗᏍᏆᏙᎳᏍᏓ;
Akati kwavari: Ndeupi wenyu ane shamwari, uye anoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,
6 ᎣᎩᎾᎵᎢᏰᏃ ᎠᎢᏒ ᎠᎩᎷᏥ, ᎥᏝ ᎠᎴ ᎪᎱᏍᏗ ᏯᎩᎭ ᏥᏰᎳᏍᏙᏗ;
nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera;
7 ᎾᏍᎩᏃ ᏗᏯᎥ ᏴᏓᎧᏁᎩ ᎯᎠ ᏱᏅᏓᎦᏫ, ᏞᏍᏗ ᏍᏆᏕᏯᏙᏔᏅᎩ; ᎦᎶᎯᏍᏗᏱ ᎦᏳᎳ ᎠᏍᏚᎭ, ᏗᏂᏲᎵᏃ ᏗᏇᏥ ᎣᏥᏂᏝᎠ, ᎥᏝ ᏰᎵ ᏴᎦᎦᏗᏛ ᏱᏙᎦᎬᎥᏏ.
uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vadiki vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa.
8 ᎢᏨᏲᏎᎭ ᎬᏩᏗᏛᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᎠᎴ ᏗᎬᏩᏁᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᏱᎩ, ᎤᎾᎵᎢᏉ ᎨᏒ ᎢᏳᏍᏗ, ᎾᏑᎵᎪᎬᎾᏍᎩᏂ ᎨᏒ ᎢᏳᏍᏗ ᏯᏗᏛ ᎠᎴ ᏱᏕᎠᎲᏏ ᏂᎦᎥ ᏚᏚᎵᏍᎬᎢ.
Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake achamuka akamupa zvese zvaanoshaiwa.
9 ᎠᎴ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ, ᎢᏥᏔᏲᎭ, ᎠᏎ ᏓᏰᏥᏁᎵ; ᎢᏥᏲᎦ, ᎠᏎ ᏓᏥᏩᏛᎯ; ᎢᏨᏂᎦ, ᎠᏎ ᏓᏰᏥᏍᏚᎢᎡᎵ;
Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
10 ᎾᏂᎥᏉᏰᏃ ᎩᎶ ᏣᏂᏔᏲᎯᎰ ᎨᏥᏁᎰᎢ; ᎩᎶᏃ ᏧᏲᎰ ᎠᏩᏘᏍᎪᎢ; ᎩᎶᏃ ᏥᏫᎬᏂᎰ ᎠᏥᏍᏚᎢᎡᎰᎢ.
Nokuti wese anokumbira anogamuchira; neanotsvaka anowana; neanogogodza anozarurirwa.
11 ᎢᏳ ᎠᎴ ᎩᎶ ᎯᎠ ᏥᏂᏣᏛᏅ ᎢᏥᎦᏴᎵᎨ ᎨᏒ ᎤᏪᏥ ᎦᏚ ᏳᏔᏲᏎᎭ, ᏥᏌ ᏅᏯᏉ ᏯᎲᏏ? ᎢᏳ ᎠᎴ ᎠᏣᏗ ᏳᏔᏲᏎᎭ, ᏥᎪ ᎠᏣᏗ ᎤᏅᏁᏗ ᎨᏒ ᎢᎾᏛᏉ ᏱᎦᏅᎥᏏ?
Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, angazomupa ibwe? Kanawo hove, angazomupa nyoka panzvimbo yehove here?
12 ᎢᏳ ᎠᎴ ᎤᏪᏥ ᏳᏔᏲᏎᎸ, ᏥᎪ ᎦᏙᎬ-ᎠᏓᏨᏯᏍᏗᏍᎩ ᏱᎦᏅᎥᏏ.
Kanawo kuti akakumbira zai, angazomupa chinyavada here?
13 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎢᏳᏃ ᏂᎯ ᎢᏥᏲᎢ, ᏱᏥᏏᎾᎯ ᎣᏍᏛ ᎨᏒ ᏗᏥᏁᏗᏱ ᏗᏤᏥ, ᎤᏟᎯᏳ ᏄᏛᏅᎢᏍᏗ ᎢᏥᏙᏓ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᏧᏁᏗᏱ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎠᏓᏅᏙ ᎬᏩᏔᏲᏎᎯ!
Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.
14 ᎠᏍᎩᎾᏃ ᎦᏄᎪᏫᏍᎨᎢ, ᎠᎴ ᎤᏩᎨᏫ ᎨᏎᎢ. ᎯᎠ Ꮓ ᏄᎵᏍᏔᏁᎢ, ᎾᏍᎩ ᎠᏍᎩᎾ ᎤᏄᎪᏨ ᎤᏩᎨᏫ ᎤᏬᏂᏎᎢ; ᏴᏫᏃ ᎤᏂᏍᏆᏂᎪᏎᎢ.
Zvino wakange achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika.
15 ᎢᎦᏛᏍᎩᏂ ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏎᎢ, ᎠᏂᏍᎩᎾ ᏕᎦᏄᎪᏫᏍᎦ ᎤᏍᏕᎵᎭ ᏇᎵᏥᏆ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎠᏂᏍᎩᎾ ᎤᎾᏤᎵᎦ.
Asi vamwe vavo vakati: Anobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
16 ᎠᏂᏐᎢᏃ ᎬᏩᎪᎵᏰᏍᎬ, ᎬᏩᏔᏲᏎᎴ ᏧᎾᏄᎪᏫᏎᏗᏱ ᎤᏰᎸᏛ ᎦᎸᎳᏗ ᏅᏓᏳᎶᏒᎯ.
Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.
17 ᎠᏎᏃ ᎠᎦᏔᎮ ᏄᏍᏛ ᏓᎾᏓᏅᏖᏍᎬ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎴᎢ, ᏂᎦᎥ ᎠᏰᎵ ᏕᎪᏢᏒᎢ ᏔᎵ ᏥᎾᏓᏗᏍᎪ ᎤᏩᏒ ᏣᏓᏡᏗᏍᎪᎢ, ᎠᏲᎪᏉ; ᎠᎴ ᏏᏓᏁᎸ ᏔᎵ ᏥᏄᏓᎣ ᎤᏩᏒ ᏣᏓᏡᏗᏍᎪ ᎠᏲᎪᎢ.
Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwese hunopesana huchizvipikisa hunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa.
18 ᎢᏳ ᎠᎴ ᏎᏓᏂ ᏔᎵ ᏱᏄᏓᎠ ᎤᏩᏒ ᏯᏓᏡᏗᎭ, ᎦᏙ ᏱᎦᎵᏍᏙᏓ ᏱᏂᎬᏩᏍᏗᏉ ᎤᏤᎵᎪᎯ? ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᏇᎵᏥᏆ ᎤᏍᏕᎵᎭ ᎠᏂᏍᎩᎾ ᏥᏕᎦᏄᎪᏫᏍᎦ ᏥᏍᎩᏲᏎᎭ.
Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hungazomira sei? Nokuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri.
19 ᎢᏳᏃ ᏇᎵᏥᏆ ᏯᎩᏍᏕᎵᎭ ᎠᏂᏍᎩᎾ ᏕᏥᏄᎪᏫᏍᎬᎢ, ᎦᎪ ᎤᏂᏍᏕᎵᎭ ᏗᏤᏥ ᎾᏍᎩ ᏓᏂᏄᎪᏫᏍᎬᎢ? ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᏗᎨᏧᎪᏓᏁᎯ ᎨᏎᏍᏗ.
Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
20 ᎢᏳᏍᎩᏂ ᎠᏴ ᎠᏂᏍᎩᎾ ᏕᏥᏄᎪᏫᏍᎬ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎦᏰᏌᏛ ᏱᎬᏗᎭ, ᎥᏝ ᏳᏜᏓᏏᏛᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒ ᎢᏥᎷᏤᎸᎢ.
Asi kana ndichibudisa madhimoni nemunwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
21 ᎢᏳᏃ ᎤᎵᏂᎩᏛ ᎠᏍᎦᏯ ᎤᎵᏍᎦᏍᏙᏗ ᎬᏰᎯ ᏯᎦᏘᏯ ᎦᏁᎸᎢ ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᏄᏍᏛ ᎤᎿᎭᎥᎢ.
Kana chikakarara chashonga zvombo chichirinda chivanze chacho, nhumbi dzacho dziri murugare;
22 ᎤᏟᏍᎩᏂ ᎢᏳᎵᏂᎩᏛ ᏳᏃᎵᎸ ᎠᎴ ᏳᏎᎪᎩᏒ, ᎤᎩᎡᎰ ᏂᎦᏛ ᎤᎵᏍᎦᏍᏙᏗ ᎤᎵᏍᎦᏍᏙᏔᏅᎢ, ᎠᎴ ᎠᏯᏙᎯᎰ ᏧᎬᏩᎶᏗ ᎤᏓᏬᏅᎲᎢ.
asi kana wakasimba kuchipfuura akachirwisa, akachikunda, anotora nhumbi dzacho dzese dzekurwa dzachange chichivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba zvacho.
23 ᎩᎶ ᎾᏆᎵᎪᏁᎲᎾ ᏥᎨᏐ ᎠᏆᏡᏗᏍᎪᏉ; ᎩᎶᏃ ᏃᏍᏗᏟᏏᏍᎬᎾ ᏥᎨᏐ ᎠᏗᎦᎴᏯᏍᎪᏉ.
Asina ini anopesana neni; neasingaunganidzi neni anoparadzira.
24 ᎢᏳᏃ ᎦᏓᎭ ᎠᏓᏅᏙ ᏴᏫ ᎤᏄᎪᎩ, ᎡᏙᎰ ᎤᎧᏲᏛᎯ ᎨᏒᎢ, ᎤᏲᎰ ᎠᏣᏪᏐᎸᏍᏙᏗᏱ; ᎤᏠᎩᏃ, ᎯᎠ ᏂᎦᏪᏍᎪᎢ, ᏛᎦᏨᏏ ᏗᏇᏅᏒ ᏗᎩᏄᎪᏨ ᏮᏛᏥᎶᏏ.
Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba uchigura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi uchishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda.
25 ᏫᎦᎷᎩᏃ ᎠᏩᏘᏍᎪ ᎬᏃᏌᎲᎯ ᎠᎴ ᎪᏚᎢᏍᏔᏅᎯ ᎨᏐᎢ.
Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa.
26 ᎿᎭᏉᏃ ᎡᎪᎢ, ᎠᎴ ᏫᏓᏯᏂᏍᎪ ᎦᎵᏉᎩ ᏗᏓᏅᏙ ᏅᏩᎾᏓᎴ ᎤᏟ ᎢᏳᏂᏁᎫᏥᏛ ᎡᏍᎦᏉ ᎤᏩᏒ; ᎾᏍᎩᏃ ᎠᏂᏴᎯᎰ ᎠᎴ ᎾᎿᎭᎠᎾᏁᎳᏗᏍᎪᎢ; ᎣᏂᏱᏃ ᏄᏍᏛ Ꮎ ᎠᏍᎦᏯ ᎤᏟ ᎤᏲᎢᏳ ᎨᏐᎢ ᎡᏍᎦᏉ ᎢᎬᏱᏱ.
Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, ndokupinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.
27 ᎯᎠᏃ ᏄᎵᏍᏔᏁᎢ, ᎠᏏᏉ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᏍᎨᎢ, ᎩᎶ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᎨᏴ ᎨᎳ ᎤᎾᏓᏡᎬ ᎤᏌᎳᏓᏁ ᎧᏁᎬ ᎠᎴ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ; ᎣᏏᏳ ᎢᏳᎵᏍᏓᏁᏗ ᏂᎯ ᏣᎾᏄᎪᏫᏒᎯ ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏣᏍᏛᏅᎯ.
Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa.
28 ᎠᏎᏃ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ, ᎥᎥ, ᎤᏟᎯᏳᏍᎩᏂ ᎣᏍᏛ ᎢᏳᎾᎵᏍᏓᏁᏗ ᎠᎾᏛᎩᏍᎩ ᎧᏃᎮᏛ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵᎦ ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎠᏂᏍᏆᏂᎪᏗᏍᎩ.
Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.
29 ᎿᎭᏉᏃ ᏴᏫ ᎦᏁᏄᎵ ᎤᎾᏓᏟᏌᏅ, ᎤᎴᏅᎮ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ; ᎤᏂᏲ ᎪᎯ ᏣᏁᎭ; ᎤᏂᏲᎭ ᎤᏰᎸᏛᎢ; ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᎨᏥᎾᏄᎪᏫᏎᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ ᎤᏰᎸᏛᎢ, ᏦᎾ ᎠᏙᎴᎰᏍᎩ ᎤᏤᎵ ᎤᏰᎸᏛ ᎤᏩᏒ.
Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
30 ᏦᎾᏰᏃ ᎤᏰᎸᏛ ᏥᏂᎨᎬᏁᎴ ᏂᏂᏫ ᎠᏁᎯ, ᎾᏍᎩᏯ ᎾᏍᏉ ᏴᏫ ᎤᏪᏥ ᎤᏰᎸᏛ ᏅᏓᎨᎬᏁᎵ ᎪᎯ ᏣᏁᎭ.
Nokuti Jona sezvaakava chiratidzo kuVaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri.
31 ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎠᎨᏴ ᏧᎦᎾᏮ ᏤᎮᎢ ᏙᏛᎾᎴᏂ ᎪᎯ ᏣᏁᎭ ᏗᎫᎪᏙᏗᏱ ᎨᏎᏍᏗ, ᎠᎴ ᏧᎾᏚᎪᏓᏁᏗᏱ ᏂᏙᏓᎬᏁᎵ; ᎾᏍᎩᏰᏃ ᏩᏍᏛ ᎢᏴᏛ ᎦᏙᎯ ᏧᏅᏎ ᎤᏛᎦᏂᎴ ᏐᎵᎹᏅ ᎠᎦᏔᎾᎥᎢ; ᎬᏂᏳᏉᏃ ᎠᏂ ᎡᏙᎭ ᎤᏟ ᎢᏯᏥᎸᏉᏗ ᎡᏍᎦᏉ ᏐᎵᎹᏅ.
Mambokadzi wechamhembe achasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akavapa mhosva; nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
32 ᏴᏫ ᏂᏂᏫ ᏣᏁᎮ ᏙᏛᎾᎴᏂ ᎪᎯ ᏣᏁᎭ ᏗᎫᎪᏗᏱ ᎨᏎᏍᏗ, ᎠᎴ ᏧᎾᏚᎪᏓᏁᏗᏱ ᏅᏛᏅᏁᎵ; ᏚᏂᏁᏟᏴᏎᏰᏃ ᏚᎾᏓᏅᏛ ᏦᎾ ᏚᎵᏥᏙᏁᎸ; ᎬᏂᏳᏉᏃ ᎠᏂ ᎡᏙᎭ ᎤᏟ ᎢᏯᏥᎸᏉᏗ ᎡᏍᎦᏉ ᏦᎾ.
Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona ari pano.
33 ᎥᏝ ᎠᎴ ᎩᎶ ᎠᏨᏍᏛᎦ ᎠᏨᏍᏙᏗ ᎤᏕᎵᏒ ᏱᎦᎧᎲᏍᎪᎢ, ᎥᏝ ᎠᎴ ᎠᏟᎶᏍᏗ ᏱᎫᏢᏗᏍᎪᎢ, ᎦᎪᏗᏱᏍᎩᏂ ᎦᎪᏗᏍᎪᎢ, ᎾᏍᎩ ᏅᏛᏂᏴᎯᎯ ᎤᏂᎪᏩᏛᏗᏱ ᎢᎦ ᎦᏛᎢ.
Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
34 ᎠᎦᏔ ᎠᏰᎸ ᎢᎦ ᎠᏘᏍᏓᏁᎯ; ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ, ᎢᏳᏃ ᎪᎱᏍᏗ ᏄᏍᏛᎾ ᎨᏎᏍᏗ ᎯᎦᏙᎵ, ᏂᎬ ᎯᏰᎸ ᎾᏍᏉ ᎧᎵᏬᎯ ᎨᏎᏍᏗ ᎢᎦ ᎦᏘ; ᎢᏳᏍᎩᏂ ᎯᎦᏙᎵ ᎤᏲ ᎨᏎᏍᏗ ᏂᎬ ᎯᏰᎸ ᎾᏍᏉ ᎧᎵᏬᎯ ᎨᏎᏍᏗ ᎤᎵᏏᎩ.
Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wese uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima.
35 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎮᏯᏔᎮᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᎢᎦ ᎦᏘ ᎭᏫᏂ ᏤᎲ ᏞᏍᏗ ᎤᎵᏏᎩ ᏱᎨᏎᏍᏗ.
Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima.
36 ᎢᏳᏃ ᏂᎬ ᎯᏰᎸ ᎧᎵᏬᎯ ᎨᏎᏍᏗ ᎢᎦ ᎦᏘ, ᎢᎸᎯᏢ ᏄᏓᏓᎸᎾ ᎤᎵᏏᎩ, ᏂᎬ ᎤᎧᎵᏨᎯ ᎨᏎᏍᏗ ᎢᎦ ᎦᏘ, ᎾᏍᎩᏯ ᎠᏨᏍᏙᏗ ᎣᏍᏛ ᎠᏓᏪᎵᎩᏍᎬ ᎢᎦ ᏥᏣᏘᏍᏓᏁᎰᎢ.
Naizvozvo kana muviri wako wese uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wese, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.
37 ᎠᏏᏉᏃ ᎦᏬᏂᏍᎨ ᎩᎶ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᏆᎵᏏ ᎤᏔᏲᏎᎴ ᎤᎵᏍᏓᏴᎾᏁᏗᏱ; ᎤᏴᎴᏃ, ᎠᎴ ᎤᎵᎩᏳᏍᏓᏅᏁᎢ.
Wakati achitaura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.
38 ᎠᏆᎵᏏᏃ ᎤᎪᎲ ᎤᏍᏆᏂᎪᏎ ᏂᏚᏬᏑᎴᎥᎾ ᎨᏒ ᎠᏏᏉ ᏄᎵᏍᏓᏴᏅᎾ.
Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti wakange asina kutanga ashamba asati adya chisvusvuro.
39 ᎤᎬᏫᏳᎯᏃ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ, ᏂᎯ ᎢᏥᏆᎵᏏ ᎤᎵᏍᏈᏗ ᎠᎴ ᎠᏖᎵᏙ ᎦᏚᎢᏗᏢ ᏕᏥᏅᎦᎵᏍᎪᎢ; ᎭᏫᏂᏍᎩᏂ ᎨᏒ ᎢᏥᎧᎵᏨᎯ ᎨᏐ ᎠᏎᏉ ᎠᏓᎩᎡᏗ ᎨᏒ ᎠᎴ ᎠᏍᎦᎾᎢ.
Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi VaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi.
40 ᎢᏥᏁᎫ, ᏝᏍᎪ ᎾᏍᎩ ᎦᏚᎢᏗᏢ ᎡᎯ ᎤᏬᏢᏅᎯ ᎾᏍᏉ ᎭᏫᏂᏗᏢ ᎡᎯ ᏳᏬᏢᏁᎢ?
Imwi mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo?
41 ᎤᎬᏫᏳᏎᏍᏗᏍᎩᏂ ᎢᏣᏓᏁᎮᏍᏗ ᏄᏍᏛ ᎢᏥᎲᎢ; ᎬᏂᏳᏉᏃ ᏂᎦᏗᏳ ᎢᏣᏓᏅᎦᎸᎡᎸᎯ ᎨᏎᏍᏗ.
Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvese zvichava zvakachena kwamuri.
42 ᏂᎯᏍᎩᏂ ᎢᏥᏆᎵᏏ ᎤᏲᎢᏳ ᎢᏣᎵᏍᏓᏁᏗ! ᎠᏍᎪᎯᏁᏰᏃ ᎪᏣᎴᏛ ᎢᏣᎫᏱᏍᎪ ᏒᏟ ᎠᏟ ᎷᏫ ᎠᎴ ᏂᎦᎥ ᎤᏰᎿᎭᎥᎢ, ᎢᏥᏃᎯᏯᏍᎪᏃ ᏚᏳᎪᏛ ᎢᏯᏛᏁᏗ ᎨᏒ ᎠᎴ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᎨᏳᏗ ᎨᏒᎢ; ᎾᏍᎩᏍᎩᏂ ᏱᏂᏣᏛᏁᎴᎢ, ᎠᎴ ᏐᎢ ᏂᏥᏃᎯᏴᎾᏉ ᏱᎨᏎᎢ.
Asi mune nhamo VaFarisi! Nokuti munopa chegumi cheminte neruyi nemiriwo yese, uye muchidarika mutongo nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.
43 ᎤᏲᎢᏳ ᎢᏣᎵᏍᏓᏁᏗ ᎢᏥᏆᎵᏏ! ᏕᏥᎸᏉᏙᏰᏃ ᏄᎬᏫᏳᏒ ᏕᎦᏍᎩᎸ ᏗᎦᎳᏫᎢᏍᏗᏱ, ᎠᎴ ᎡᏥᏲᎵᏍᏗᏱ ᏗᎦᏃᏙᏗᏱ.
Mune nhamo VaFarisi! Nokuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.
44 ᎣᏲᎢᏳᎢᏣᎵᏍᏓᏁᏗ ᏗᏦᏪᎵᏍᎩ, ᎠᎴ ᎢᏥᏆᎵᏏ, ᎢᏣᏠᎾᏍᏗ! ᏂᎯᏰᏃ ᏓᏓᏂᏌᎲ ᏕᏣᏤᎸ ᏄᏪᎵᏍᏛᎾ ᏥᎨᏐᎢ, ᎠᎴ ᏴᏫ ᎦᏚᎢ ᎠᏂᎶᏍᎩ ᎥᏝ ᏱᎾᏙᎴᎰᏍᎪᎢ.
Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.
45 ᎿᎭᏉᏃ ᎠᏏᏴᏫ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏗᎪᏏᏏᏍᎩ ᎤᏁᏤ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ, ᏔᏕᏲᎲᏍᎩ, ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏥᏂᏪᎭ ᎠᏴ ᎾᏍᏉ ᎨᏍᎩᏐᏢᏗᎭ.
Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvi munotuka isuwo.
46 ᎯᎠᏃ ᏄᏪᏎᎢ; ᏂᎯ ᎾᏍᏉ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏗᏦᏏᏏᏍᎩ ᎤᏲᎢᏳ ᎢᏣᎵᏍᏓᏁᏗ! ᏕᏥᏐᏈᎸᏍᎪᏰᏃ ᏴᏫ ᏗᎵᏒᏍᏗ ᎤᏕᏯᏙᏗ ᏗᎵᏒᏍᏗᏱ, ᎢᏨᏒᏍᎩᏂ ᎥᏝ ᏴᎨᏥᏃᏟᏍᏓ ᏗᎵᏒᏍᏗ ᏴᎨᏨᏓ ᏌᏉ ᎢᏥᏰᏌᏛᎢ.
Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyi neumwe weminwe yenyu.
47 ᎤᏲᎢᏳ ᎢᏣᎵᏍᏓᏁᏗ! ᏕᏦᏢᎯᏏᏍᎪᏰᏃ ᎠᎾᏙᎴᎰᏍᎩ ᏕᎨᏥᏂᏌᎲᎢ, ᎠᎴ ᏗᏥᏙᏓ ᏕᎤᏂᎸᎩ.
Mune nhamo! Nokuti munovaka marinda evaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya.
48 ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎬᏂᎨᏒ ᏂᏨᏁᎭ ᎾᏍᎩ ᎣᏏᏳ ᎢᏥᏰᎸᏒ ᏄᏍᏛ ᏚᏂᎸᏫᏍᏓᏁᎸ ᏗᏥᎦᏴᎵᎨᎢ; ᎾᏍᎩᏰᏃ ᎤᏙᎯᏳᎯ ᏚᏂᎸᎩ, ᏂᎯᏃ ᏕᏦᏢᎯᏏᎭ ᏕᎨᏥᏂᏎᎲᎢ.
Naizvozvo munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo.
49 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎾᏍᏉ ᎯᎠ ᏄᏪᏒ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᎦᏔᎾᎥᎢ, ᏓᎦᏥᏅᏏ ᏫᎬᏩᏂᎷᏤᏗᏱ ᎠᎾᏙᎴᎰᏍᎩ, ᎠᎴ ᎨᏥᏅᏏᏛ, ᎾᏍᎩᏃ ᎢᎦᏛ ᏙᏛᏂᎵ ᎠᎴ ᏙᏛᏂᎨᎯᏙᎵ,
Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, vamwe vavo vachauraya nekushusha;
50 ᎾᏍᎩ ᏂᎦᏛ ᎠᎾᏙᎴᎰᏍᎩ ᎤᏂᎩᎬ ᎠᏨᏅᎯ ᎨᏒ ᎡᎶᎯ ᏧᏙᏢᏅ ᏅᏓᎬᏩᏓᎴᏅᏛ ᎨᏥᏔᏲᏎᏗᏱ ᎪᎯ ᏣᏁᎭ;
kuti ropa revaporofita vese rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri,
51 ᎡᏈᎵ ᎤᎩᎬ ᏅᏛᎴᏅᏛ, ᏤᎩᎳᏯ ᎤᎩᎬ ᏩᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᏧᎵᏍᏆᏕᎴ ᎠᏰᎵ ᎠᏥᎸ-ᎨᎳᏍᏗᏱ ᎤᏛᏅᏃ-ᏗᎦᎳᏫᎢᏍᏗᏱ; ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎢᏨᏲᏎᎭ, ᎨᏥᏔᏲᏎᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎪᎯ ᏣᏁᎭ.
kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.
52 ᎤᏲᎢᏳ ᎢᏣᎵᏍᏓᏁᏗ ᏂᎯ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏗᏦᏏᏏᏍᎩ! ᎢᏥᏴᏫᏛᎲᏰᏃ ᎠᏍᏚᎢᏍᏗ ᎠᎦᏙᎥᎯᏍᏗ ᎨᏒᎢ; ᎥᏝᏰᏃ ᎢᏨᏒ ᏱᏥᏴᎸ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎠᏂᏴᎯᎯ ᏕᏥᏲᏍᏙᏓᏁᎸ.
Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nokuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira.
53 ᎾᏍᎩᏃ ᎯᎠ ᏂᏕᎦᏪᏎᎮᎢ, ᏗᏃᏪᎵᏍᎩ ᎠᎴ ᎠᏂᏆᎵᏏ ᎤᎵᏂᎩᏛ ᎬᏩᏅᏫᏍᏗᏍᎨᎢ, ᎠᎴ ᎬᏩᏂᎳᏕᎮ ᎤᎪᏗᏗ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᎤᏃᎮᏗᏱ;
Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori neVaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji,
54 ᎬᏩᏯᏫᏍᎨᎢ, ᎠᎴ ᎤᏂᏲᎮ ᎤᏂᏩᏛᎡᏗᏱ ᎪᎱᏍᏗ ᎦᎬᏩᎳᏫᏎᏗ ᎨᏒᎢ.
vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.

< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎷᎦ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 11 >