< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᏣᏂ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 20 >

1 ᎠᎴᏂᏍᎬᎢᏃ ᎢᎦ ᏑᎾᏙᏓᏆᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎺᎵ ᎹᎩᏕᎵ ᎡᎯ ᏑᎾᎴᎢᏳ, ᎠᏏᏉ ᎤᎵᏏᎬᎩ, ᎤᎷᏨᎩ ᎠᏤᎵᏍᏛᎢ, ᎠᎴ ᎤᎪᎲᎩ ᏅᏯ ᎠᎲᏛ ᎨᏒᎩ ᎠᏤᎵᏍᏛᎢ.
Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva.
2 ᎿᎭᏉᏃ ᏚᏍᏆᎸᏔᏅᎩ, ᏌᏩᏂ ᏈᏓ ᏭᎷᏤᎸᎩ, ᎠᎴ ᎾᏍᏉ ᏐᎢ ᎠᏓᏍᏓᏩᏗᏙᎯ, ᎾᏍᎩ ᏥᏌ ᎤᎨᏳᎯ, ᎯᎠ ᏫᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᎤᏂᏁᏒ ᎤᏂᏄᎪᏫᏒ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎠᏤᎵᏍᏛᎢ, ᎠᎴ ᎥᏝ ᏲᏥᎦᏔᎭᏭᏂᏅᏅᎢ.
Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika.
3 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏈᏓ ᎤᏄᎪᏨᎩ, ᎠᎴ ᏐᎢ ᎠᏓᏍᏓᏩᏗᏙᎯ, ᎠᎴ ᎠᏤᎵᏍᏛ ᎤᏂᎷᏨᎩ.
Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva.
4 ᎿᎭᏉᏃ ᎾᏍᎩ ᎠᏂᏔᎵ ᎢᏧᎳᎭ ᏚᏂᏍᏆᎸᏔᏅᎩ; ᏐᎢᏃ ᎠᏓᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᏚᏓᎩᏴᎩ, ᎢᎬᏱ ᎠᏤᎵᏍᏛ ᎤᎷᏨᎩ.
Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva.
5 ᎾᏍᎩᏃ ᎤᏗᏌᏓᏛ ᏚᎪᎲᎩ ᏙᎴᏛ ᏗᏄᏬ ᏕᎦᏅᎩ; ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᏳᏴᎴᎢ.
Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda.
6 ᎿᎭᏉᏃ ᏌᏩᏂ ᏈᏓ ᎣᏂᏉ ᎤᎷᏨᎩ, ᎠᎴ ᎠᏤᎵᏍᏛ ᏭᏴᎸᎩ, ᎠᎴ ᏚᎪᎲᎩ ᏙᎴᏛ ᏗᏄᏬ ᏕᎦᏅᎢ.
Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa,
7 ᎠᏯᏠᏃ ᎤᏂᏍᏚᎶᏔᏅᎯ ᎥᏝ ᏙᎴᏛ ᏗᏄᏬ ᏕᎦᏅ ᏱᎦᏁᎢ, ᎤᏁᎳᎩ ᎦᏇᏅᎯ ᎢᏴᏛ ᏫᎦᏅᎩ.
nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega.
8 ᎿᎭᏉᏃ ᎾᏍᏉ ᏐᎢ ᎠᏓᏍᏓᏩᏗᏙᎯ, ᎢᎬᏱ ᎤᎷᏨᎯ ᎠᏤᎵᏍᏛ, ᎤᏴᎸᎩ; ᎠᎴ ᎤᎪᎲᎩ ᎠᎴ ᎤᏬᎯᏳᏅᎩ.
Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda;
9 ᏝᏰᏃ ᎠᏏ ᏯᏃᎵᎨ ᎦᏛᎬ ᎪᏪᎸᎢ, ᎾᏍᎩ ᎤᏲᎱᏒ ᏧᎴᎯᏐᏗ ᎨᏒᎢ.
nokuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa.
10 ᎿᎭᏉᏃ ᎠᎾᏓᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎤᎾᏓᏅᏒᎩ, ᏔᎵᏁ ᏙᏧᏁᏅᏒ ᏭᏂᎶᏒᎩ.
Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo.
11 ᎺᎵᏍᎩᏂ ᎠᏤᎵᏍᏛ ᏙᏱᏗᏢ ᎦᎶᎯᏍᏗᏱ ᎦᏙᎬᎩ, ᏓᏠᏱᎲᎩ; ᏓᏠᏱᎲᎩ ᎤᏗᏌᏓᏛᎩ, ᎠᏤᎵᏍᏛ ᎭᏫᏂ ᏫᏚᎧᎾᏅᎩ,
Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva,
12 ᎠᎴ ᏫᏚᎪᎲᎩ ᎤᏁᎬ ᏚᎾᏣᏅᏛᎩ ᎠᏂᏔᎵ ᏗᏂᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎯ ᏚᏃᎸᎩ, ᏌᏉ ᎤᎵᏍᏘᏅᎢ, ᏐᎢᏃ ᏚᏜᏓᏌᏔᏅᎢ.
akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.
13 ᎯᎠᏃ ᏅᎬᏩᏪᏎᎸᎩ; ᎯᎨᏴ, ᎦᏙᏃ ᏙᎭᏠᏱᎭ? ᎯᎠᏃ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᎤᏂᏁᏒ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎠᏆᏤᎵᎦ, ᎠᎴ ᎤᏂᏅᏅ ᏂᏥᎦᏔᎲᎾ ᎨᏒᎢ.
Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika.
14 ᎾᏍᎩᏃ ᏄᏪᏒ ᎤᎦᏔᎲᏒᎩ; ᎠᎴ ᎤᎪᎲᎩ ᏥᏌ ᎦᏙᎬᎩ, ᎠᎴ ᎥᏝ ᏳᏬᎵᏤ ᏥᏌ ᎨᏒᎢ.
Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.
15 ᏥᏌ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎯᎨᏴ, ᎦᏙᏃ ᏙᎭᏠᏱᎭ? ᎦᎪ ᎯᏲᎭ? ᎠᏫᏒᏗᏱ ᎣᏍᏛ ᎢᏳᏩᎿᎭᏕᎩ ᎤᏪᎵᏒᎩ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎯᏍᎦᏯ, ᎢᏳᏃ ᏂᎯ ᎯᎾᏫᏛᎮᏍᏗ, ᏍᎩᏃᎲᏏ ᏫᏅᏅᎢ, ᎠᏴᏃ ᏓᏥᎾᏫᏛᎯ.
Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora.
16 ᏥᏌ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎺᎵ. ᎺᎵ ᎤᎦᏔᎲᏒ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎳᏉᏂ, ᎾᏍᎩ ᎦᏛᎬᎢ, ᏗᏍᏇᏲᎲᏍᎩ.
Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi.
17 ᏥᏌ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᏞᏍᏗ ᏍᏆᏒᏂᎸᎩ, ᏝᏰᏃ ᎠᏏ ᎡᏙᏙᏱ ᏫᏯᏆᎵᏌᎳᏓᏅ; ᎮᎾᏉᏍᎩᏂ ᎣᏣᎵᏅᏟ ᏗᏂᏅᎢ, ᎯᎠᏃ ᏫᏂᎩᏪᏏ; ᎡᏙᏙᏱ ᎠᏆᎵᏌᎳᏓᏂᏗ ᎠᎴ ᏂᎯ ᎢᏥᏙᏙᏱ; ᎠᏆᏤᎵᎦ ᎤᏁᎳᏅᎯᏱ, ᎠᎴ ᎢᏣᏤᎵᎦ ᎤᏁᎳᏅᎯᏱ.
Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu.
18 ᎺᎵ ᎹᎩᏕᎵ ᎡᎯ ᎤᎷᏨᎩ ᎠᎴ ᏚᏃᏁᎸᎩ ᎠᎾᏓᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎤᎪᎲ ᎤᎬᏫᏳᎯ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏄᏪᏒ ᎤᎵᏃᎮᏔᏅᎢ.
Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.
19 ᎿᎭᏉᏃ ᎾᎯᏳ ᎢᎦ ᎤᏒᎢ, ᎠᎴᏂᏍᎬ ᏑᎾᏙᏓᏆᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎦᎶᎯᏍᏗᏱ ᏓᏍᏚᎲᎩ ᎠᎾᏓᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᏓᏂᎳᏫᎥᎢ, ᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬ ᏓᏂᏍᎦᎢᎲ ᎠᏂᏧᏏ, ᎤᎷᏨᎩ ᏥᏌ, ᎠᏰᎵ ᎤᎴᏅᎩ, ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᎢᏣᏤᎵᎦ ᎨᏎᏍᏗ.
Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya VaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.
20 ᎾᏍᎩᏃ ᏄᏪᏒ, ᏚᎾᏄᎪᏫᏎᎸᎩ ᏧᏬᏰᏂ ᎠᎴ ᎠᏍᏆᎨᏂ. ᎿᎭᏉᏃ ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎣᏍᏛ ᎤᎾᏓᏅᏓᏛᎩ ᎤᏂᎪᎲ ᎤᎬᏫᏳᎯ.
Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
21 ᎿᎭᏉᏃ ᏔᎵᏁ ᏥᏌ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᎢᏣᏤᎵᎦ ᎨᏎᏍᏗ. ᎡᏙᏓ ᎠᎩᏅᏒᎢ ᎾᏍᎩᏯ ᎢᏨᏅᎵ.
Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai.
22 ᎾᏍᎩᏃ ᏄᏪᏒ, ᏚᏦᏔᎲᎩ, ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎠᏓᏅᏙ ᏗᏣᏓᏂᎸᎩ.
Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23 ᎩᎶ ᎤᏍᎦᏅᏨ ᏕᏥᏲᏍᎨᏍᏗ ᏗᏲᏒᎯ ᎨᏎᏍᏗ, ᎩᎶᏃ ᎤᏍᎦᏅᏨ ᏕᏥᏂᏱᏍᎨᏍᏗ ᏗᎦᏂᏴᏗ ᎨᏎᏍᏗ.
Ani nani wamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vese vamunobata zvavo zvabatwa.
24 ᎠᏎᏃ ᏓᎻ, ᏔᎳᏚ ᎢᏯᏂᏛ ᎨᎳ, ᏗᏗᎹ ᏧᏙᎢᏛ, ᎥᏝ ᏱᎨᎴ ᏥᏌ ᎤᎷᏨ.
Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya.
25 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᏂᏐᎢ ᎠᎾᏓᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎯᎠ ᏂᎬᏩᏪᏎᎸᎩ; ᎣᏥᎪᎥ ᎤᎬᏫᏳᎯ. ᎠᏎᏃ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᎥᏝ ᏴᎦᎪᎢᏳᎲᎦ ᎬᏂ ᏧᏬᏰᏂ ᏴᎩ ᏚᏰᎸᏒ ᏱᏓᎩᎪᎲ, ᎠᎴ ᏥᏰᏌᏛ ᏯᏋᏔᏅ ᏯᎩᏃᏟᏍᏔᏅ ᏴᎩ ᏚᏰᎸᏒᎢ, ᎠᎴ ᎠᏍᏆᎨᏂ ᏯᏆᏐᎾᏛ.
Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.
26 ᏧᏁᎵᏁᏃ ᎢᎦ ᏔᎵᏁ ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎠᏂᏯᎥᎩ ᎦᎵᏦᏕ, ᎠᎴ ᏓᎻ ᎨᎸᎩ. ᏥᏌ ᎤᎷᏨᎩ, ᏗᎦᎶᎯᏍᏗᏱ ᏓᏍᏚᎲᎩ, ᎠᏰᎵ ᎤᎴᏅᎩ, ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ; ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᎢᏣᏤᎵᎦ ᎨᏎᏍᏗ.
Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri.
27 ᎿᎭᏉᏃ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ ᏓᎻ; ᎡᏍᎦ ᎡᏅᎦ ᎯᏰᏌᏛᎢ, ᏘᎪᎵᏯ ᏗᏉᏰᏂ, ᎠᎴ ᎡᏍᎦ ᎡᏅᎦ ᏦᏰᏂ ᏥᏍᏆᎨᏂ ᏩᏐᎾᏓ, ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᏃᎯᏳᎲᏍᎬᎾ ᏱᎨᏎᏍᏗ, ᎰᎯᏳᎲᏍᎩᏍᎩᏂ ᎨᏎᏍᏗ.
Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda.
28 ᏓᎻ ᎤᏁᏨᎩ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᏣᎬᏫᏳᎯ ᎠᏆᏤᎵᎦ, ᎠᎴ ᏣᏁᎳᏅᎯ ᎠᏆᏤᎵᎦ!
Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!
29 ᏥᏌ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᏥᏍᎩᎪᏩᏛ ᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏓ ᎰᎯᏳᎲᏍᎦ; ᎣᏏᏳ ᎢᏳᎾᎵᏍᏓᏁᏗ ᎬᎩᎪᎲᎯ ᏂᎨᏒᎾ ᎠᏎᏃ ᏥᎬᏉᎯᏳᎲᏍᎪᎢ.
Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda.
30 ᎠᎴ ᎤᏣᏛᎩ ᎤᏟ ᎢᎦᎢ ᎤᏍᏆᏂᎪᏗ ᏚᎸᏫᏍᏓᏁᎸ ᏥᏌ ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎠᏂᎦᏔᎲᎢ, ᎠᏂ ᎪᏪᎵᎯ ᏂᎪᏪᎸᎾ;
Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
31 ᎯᎠᏍᎩᏂ ᎪᏪᎳ ᎢᏦᎯᏳᏗᏱ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏥ ᎨᏒᎢ, ᎢᏦᎯᏳᎲᏍᎬᏃ ᎬᏂᏛ ᎢᏣᏤᎵ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ, ᎾᏍᎩ ᏚᏙᎥ ᏅᏓᏳᎵᏰᎢᎸᏍᏙᏗᏱ.
Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.

< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᏣᏂ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 20 >