< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᏣᏂ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 12 >

1 ᎿᎭᏉᏃ ᏑᏓᎵ ᎢᎦ ᏚᏃᏒᎩ ᎧᏃᎯᏰᎩ ᏗᎵᏍᏓᏴᏗᏱ ᎤᏍᏆᎸᏗᏱ ᏥᏌ ᏇᏗᏂ ᏭᎷᏨᎩ, ᎾᎿᎭᎡᎲ ᎳᏏᎳ, ᎤᏲᎱᏒᎯ ᏥᎨᏒᎩ, ᎾᏍᎩ ᎤᏲᎱᏒ ᏥᏚᎴᏔᏅᎩ.
Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro wakange afa, waakamutsa kubva kuvakafa.
2 ᎾᎿᎭᎬᏩᏍᏓᏴᏅᎩ; ᎠᎴ ᎹᏗ ᏚᏕᎳᏍᏔᏅᎩ; ᎳᏏᎳᏍᎩᏂ ᎨᎸᎩ ᎠᎾᎵᏍᏓᏴᎲᏍᎬᎢ.
Naizvozvo vakamuitira chirairo ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro wakange ari umwe wevakange vagere naye pakudya.
3 ᎿᎭᏉᏃ ᎺᎵ ᎤᎩᏒᎩ ᏑᏓᎨᏛ ᎠᏠᏁᏗ ᎾᏓ ᏧᏙᎢᏛ ᎪᎱᏍᏗ ᎾᏑᏴᎾ, ᎤᏣᏘ ᏧᎬᏩᎶᏗ, ᎠᎴ ᏚᏅᎵᏰᎥᎩ ᏥᏌ ᏧᎳᏏᏕᏂ, ᎠᎴ ᎤᏍᏘᏰᎬ ᎤᏩᏔᏅᎩ ᏚᏅᎦᎸᎲᎩ ᏧᎳᏏᏕᏂ. ᎠᎴ ᎦᎵᏦᏕ ᎤᎧᎵᏨᎩ ᎦᏩᏒᎬ ᎠᏠᏁᏗ.
Zvino Maria akatora paundi yemafuta enadhi amene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta.
4 ᎿᎭᏉᏃ ᎠᏏᏴᏫ ᏥᏌ ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎨᏒ ᏧᏓᏏ ᎢᏍᎦᎳᏗ ᏧᏙᎢᏛ, ᏌᏩᏂ ᎤᏪᏥ, ᎾᏍᎩ ᎤᏡᏗᏍᎩ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗ, ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ;
Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni wakange achazomutengesa, akati:
5 ᎦᏙᏃ ᎯᎠ ᎠᏠᏁᏗ ᎥᏝ ᏳᏂᎾᏗᏅᏎ ᎠᎴ ᏦᎢᏧᏈ ᎠᎩᏏ ᏧᎾᏩᎶᏗ ᏱᏚᏂᏩᏛᎮᎢ, ᎠᎴ ᎥᏝ ᎤᏲ ᎢᏳᎾᏛᎿᎭᏕᎩ ᎾᏍᎩ ᏱᏚᏂᏁᎴᎢ?
Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenario mazana matatu, akapiwa varombo?
6 ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ, ᎥᏝ ᎤᏲ ᎢᏳᎾᏛᎿᎭᏕᎩ ᎣᏍᏛ ᎢᏳᎾᎵᏍᏓᏁᏗᏱ ᎤᏚᎵᏍᎬ ᏱᏅᏧᎵᏍᏙᏔᏁᎢ, ᎦᏃᏍᎩᏍᎩᏍᎩᏂ ᎨᏒ ᏅᏓᏳᎵᏍᏙᏔᏅᎩ, ᎠᎴ ᏕᎦᎶᏗ ᎦᏁᎲᎢ ᎠᎴ ᎾᎿᎭᎦᎳᏅᎯ ᎦᏃᏍᎩᏍᎬᎢ.
Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nokuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo.
7 ᎿᎭᏉᏃ ᏥᏌ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ; ᎤᏁᎳᎩ; ᎥᎩᏂᏐᏗᏱ ᎨᏒ ᎢᎦ ᎬᏗᏍᎩ ᎤᏍᏆᏂᎪᏔᏅ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ.
Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu.
8 ᎤᏲᏰᏃ ᎢᏳᎾᏛᎿᎭᏕᎩ ᏂᎪᎯᎸ ᎨᏤᎳᏗᏙᎭ; ᎠᏴᏍᎩᏂ ᎥᏝ ᏂᎪᎯᎸ ᏱᏨᏰᎳᏗᏙᎭ.
Nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese.
9 ᎤᏂᏣᏛᎩᏃ ᎠᏂᏧᏏ ᎤᎾᏛᎦᏅᎯ ᎨᏒᎩ ᎾᎿᎭᎡᏙᎲᎢ, ᎠᎴ ᎤᏂᎷᏨᎩ ᎥᏝ ᏥᏌ ᎤᏩᏒ ᎨᏒ ᏱᏅᏧᎵᏍᏙᏔᏁᎢ, ᎾᏍᏉᏍᎩᏂ ᎳᏏᎳ ᎤᏂᎪᏩᏛᏗᏱ ᎤᏂᏰᎸᏒᎩ, ᎾᏍᎩ ᎤᏲᎱᏒ ᏧᎴᏔᏅᎯ.
Naizvozvo chaunga chikuru cheVaJudha chakaziva kuti aripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waakange amutsa kubva kuvakafa.
10 ᎠᏎᏃ ᏄᏂᎬᏫᏳᏒ ᎠᏥᎸ-ᎠᏁᎶᎯ ᎤᏂᏃᎮᎸᎩ ᎳᏏᎳ ᎾᏍᏉ ᎤᏂᎯᏍᏗᏱ,
Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo;
11 ᎾᏍᎩᏰᏃ ᏄᏩᏂᏌᏅᎩ ᎤᏂᏣᏛᎩ ᎠᏂᏧᏏ ᎤᎾᏓᏅᏒᎩ, ᎠᎴ ᏥᏌ ᏫᎬᏬᎯᏳᏅᎩ.
nokuti nekuda kwake vazhinji veVaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu.
12 ᎤᎩᏨᏛ ᎤᏂᏣᏛᎩ ᏴᏫ ᏗᎵᏍᏓᏴᏗᏱ ᎤᏂᎷᏨᎯ, ᎤᎾᏛᎦᏅ ᏥᎷᏥᎵᎻ ᏗᎦᎷᏥᏒᎢ,
Chifume chaunga chikuru chakange chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu anouya kuJerusarema,
13 ᏚᏂᏴᎲᎩ ᏧᏪᏲᏔ ᏧᎦᏄᏓᏅᎯᏛ ᎠᎴ ᎤᏂᏄᎪᏨᎩ ᏚᎾᏠᏒᏒᎩ, ᎠᎴ ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏒ ᎤᏁᎷᏅᎩ, ᎰᏌᎾ! ᎠᏥᎸᏉᏗᏳ ᏫᏂᎦᎵᏍᏓ ᏱᎰᏩ ᏚᏙᏍᏛ ᏨᏓᏯᎢ, ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎢᏏᎵ ᎤᎾᏤᎵᎦ.
vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri.
14 ᏥᏌᏃ ᎤᏩᏛᎲ ᎠᎩᎾ ᏐᏈᎵ-ᏗᎦᎵᎠᏅᎯᏛ, ᎤᎩᎸᏅᎩ, ᎾᏍᎩᏯ ᎯᎠ ᏥᏂᎬᏅ ᏥᎪᏪᎳ;
Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
15 “ᏞᏍᏗ ᏱᏍᎦᎢᎮᏍᏗ ᏂᎯ ᏌᏯᏂ ᎤᏪᏥ, ᎬᏂᏳᏉ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏣᏤᎵᎦ ᏓᏯᎢ, ᎠᎩᎾ ᏐᏈᎵ-ᏗᎦᎵᎠᏅᎯᏛ ᎤᏪᏥ ᎤᎩᎸᏗ.”
Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako anouya, agere pamusoro pedhongwana rembongoro.
16 ᎠᎴ ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎥᏝ ᎾᏍᎩ ᏣᏃᎵᏤ ᎢᎬᏱᏱ, ᏥᏌᏍᎩᏂ ᎠᏥᎸᏉᏔᏅ ᎿᎭᏉ ᎤᎾᏅᏓᏛᎩ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏂᎬᏅ ᎪᏪᎸ ᎠᏥᏃᎮᏍᎬᎢ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏂᎬᏩᏁᎸᎢ.
Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvakange zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakange vamuitira zvinhu izvi.
17 ᎢᏧᎳᎭᏃ ᎤᏁᏙᎸᎯ ᏴᏫ ᎾᎯᏳ ᎠᏤᎵᏍᏛ ᏭᏯᏅᎲ ᎳᏏᎳ, ᎠᎴ ᎤᏲᎱᏒ ᏕᎤᎴᏔᏅ, ᎤᏂᏃᎮᎸᎩ.
Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kubva kuvakafa, chakapupura.
18 ᎾᏍᎩ ᏅᏓᏳᎵᏍᏙᏔᏅᎩ ᎾᏍᏉ ᏴᏫ ᏕᎬᏩᏠᏒᎩ, ᎤᎾᏛᎦᏅᎩᏰᏃ ᎾᏍᎩ ᎤᏍᏆᏂᎪᏗ ᏚᎸᏫᏍᏓᏁᎸᎢ.
Saka chaunga chakamuchingamidzawo, nokuti vakange vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi.
19 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᏂᏆᎵᏏ ᎯᎠ ᏂᏚᎾᏓᏪᏎᎸᎩ; ᎢᏣᏙᎴᎰᏍᎦᏍᎪ ᏂᏣᎵᏰᎢᎴᎬᎾ ᏥᎩ? ᎬᏂᏳᏉ ᎡᎶᎯ ᎤᏍᏓᏩᏕᏅ.
Naizvozvo VaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.
20 ᎩᎶᏃ ᎢᏳᎾᏍᏗ ᎠᏂᎪᎢ ᎠᏁᎸᎩ ᎤᎾᎵᏙᎵᏍᏔᏂᎸᎯ ᏗᎵᏍᏓᏴᏗᏱ.
Zvino kwaiva nevamwe VaGiriki pakati pevakange vakwira kuti vanonamata kumutambo;
21 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎬᏩᎷᏤᎸᎩ ᏈᎵᎩ, ᏇᏣᏱᏗ ᎦᏚᎲ ᎨᎵᎵ ᎡᎯ, ᎠᎴ ᎬᏩᏔᏲᏎᎸᎩ ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏒᎩ, ᎣᎦᏚᎵᎭ ᎣᏥᎪᏩᏛᏗᏱ ᏥᏌ.
ava ndokuuya kuna Firipi weBhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu.
22 ᏈᎵᎩ ᎤᎷᏨᎩ ᎠᎴ ᎡᏂᏗ ᏭᏃᏁᎸᎩ; ᎿᎭᏉᏃ ᎡᏂᏗ ᎠᎴ ᏈᎵᎩ ᏥᏌ ᏭᏂᏃᏁᎸᎩ.
Firipi akasvika akaudza Andiriya; uye Andiriya naFiripi vakaudzazve Jesu.
23 ᏥᏌᏃ ᏚᏁᏤᎸᎩ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ; ᎿᎭᏉ ᎤᏍᏆᎸᎲ ᏴᏫ ᎤᏪᏥ ᎠᏥᎸᏉᏙᏗᏱ.
Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe.
24 ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ, ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ; ᎢᏳᏃ ᏌᏉ ᎤᏣᎴᏍᏗ ᎤᎦᏔ ᎡᎳᏗ ᏄᏬᏨᎾ ᎠᎴ ᏄᎪᏒᎾ ᏱᎩ, ᎤᏩᏒᏉ ᎨᏐ ᏂᎪᎯᎸᎢ; ᎢᏳᏍᎩᏂ ᎤᎪᎯ ᎤᏣᏙ ᎧᏁᏉᎪᎢ.
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yega; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.
25 ᎩᎶ ᎤᎨᏳᏎᏍᏗ ᎬᏅᎢ ᎤᏲᎱᏎᏗ ᎨᏎᏍᏗ; ᎩᎶᏃ ᎠᏍᎦᎨᏍᏗ ᎬᏅᎢ ᎠᏂ ᎡᎶᎯ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᎤᏍᏆᏂᎪᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎬᏂᏛ ᏫᎾᏍᏛᎾ ᏗᎨᏒ ᎬᏗᏍᎩ. (aiōnios g166)
Anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo; neanovenga upenyu hwake panyika ino achahuchengetedza kusvikira kuupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
26 ᎢᏳᏃ ᎩᎶ ᏥᏅᏏᏓᏍᏗ ᏂᎦᎵᏍᏗᏍᎨᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᎠᎩᏍᏓᏩᏕᎨᏍᏗ; ᎨᎥᏃ ᎾᎿᎭᎾᏍᏉ ᏥᏅᏏᏓᏍᏗ ᎡᎮᏍᏗ. ᎢᏳᏃ ᎩᎶ ᏥᏅᏏᏓᏍᏗ ᏂᎦᎵᏍᏗᏍᎨᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᎡᏙᏓ ᎤᎸᏉᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ.
Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, achavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.
27 ᎿᎭᏉ ᎠᏆᏓᏅᏙ ᎤᏕᏯᏔᏁᎭ; ᎦᏙᏃ ᏓᎦᏛᏂ? [ ᎯᎠᏍᎪ ᏅᏓᏥᏪᏏ, ] ᎡᏙᏓ, ᏍᏊᏓᎳᎩ ᎪᎯ ᎨᏒᎢ? ᎠᏎᏃ ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏣᎩᏍᏆᎸᎡ ᎪᎯ ᎠᎩᏍᏆᎸᎡᏗᏱ ᎠᎩᎷᏥᎸ.
Ikozvino mweya wangu unotambudzika; zvino ndichatii? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi ndasvika paawa rino.
28 ᎡᏙᏓ, ᎯᎸᏉᏓ ᏕᏣᏙᎥᎢ. ᎿᎭᏉᏃ ᎦᎸᎳᏗ ᏓᏳᏁᏨᎩ, ᎯᎠ ᏅᏓᏳᏪᏒᎩ; ᎦᏳᎳ ᎠᎩᎸᏉᏔᏅ, ᎠᎴ ᏔᎵᏁ ᏛᏥᎸᏉᏔᏂ.
Baba, kudzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndarikudzawo, uye ndicharikudzazve.
29 ᏴᏫᏃ ᎾᎥ ᎠᏂᏙᎾᎢ ᎤᎾᏛᎦᏅ, ᎠᏴᏓᏆᎶᏣ, ᎤᎾᏛᏅᎩ. ᎢᎦᏛᏃ ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏒᎩ; ᏗᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎯ ᏓᏳᏬᏁᏓ.
Naizvozvo chaunga chakange chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.
30 ᏥᏌ ᎤᏁᏨ, ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ; ᎥᏝ ᎠᏴ ᎨᏒ ᏱᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏓ, ᏂᎯᏍᎩᏂ ᎨᏒ ᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏓ, ᎯᎠ ᎧᏁᎬ ᏥᎦᎾᏄᎪᏥᎦ.
Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu.
31 ᎿᎭᏉ ᎯᎠ ᎡᎶᎯ ᏙᏓᏰᎫᎪᏓᏁᎵ, ᎿᎭᏉ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎯᎠ ᎡᎶᎯ ᎤᏤᎵᎦ ᏓᏰᏥᏄᎪᏫᏏ.
Ikozvino pane mutongo wenyika ino; ikozvino mutungamiriri wenyika ino achadzingirwa panze.
32 ᎠᏎᏃ ᎢᏳᏃ ᎡᎶᎯ ᎥᎩᏌᎳᏓᏅᎭ, ᎾᏂᎥ ᏴᏫ ᏙᏓᎦᏎᏒᎯ.
Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vese kwandiri.
33 ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ, ᎾᏍᎩ ᎢᏳᎵᏍᏓᏁᏗᏱ ᎤᏲᎱᎯᏍᏗᏱ ᎦᏛᎬᎩ.
Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini.
34 ᏴᏫ ᎤᏂᏁᏨ ᎯᎠ ᏂᎬᏩᏪᏎᎸᎩ, ᎠᏴ ᎣᎦᏛᎦᏅ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗᏱ ᎾᏍᎩ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᎵᏍᏆᏗᏍᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᎡᎲᎢ; ᎦᏙᏃ ᏴᏫ ᎤᏪᏥ ᎠᏎ ᏓᏰᏥᏌᎳᏓᏂ ᎢᎭᏗᎭ? ᎦᎪ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᏴᏫ ᎤᏪᏥ? (aiōn g165)
Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu achagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu? (aiōn g165)
35 ᎿᎭᏉᏃ ᏥᏌ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᎠᏏᏞᎦ ᎢᎦ ᏚᎸᏌᏛ ᎢᏤᏙᎲᎢ; ᎢᏤᏙᎮᏍᏗ ᏂᎪᎯᎸ ᎢᎦ ᏕᏥᎸᏌᏓᏕᎲᎢ; ᎤᎵᏏᎩᎾᏏ ᏱᏧᏢᏓ; ᎩᎶᏰᏃ ᎤᎵᏏᎬ ᏤᏙᎰᎢ, ᎥᏝ ᏯᎦᏔᎰ ᏩᎦᏛᎢ.
Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye anofamba murima haazivi kwaanoenda.
36 ᎠᏏ ᎢᎦ ᏥᏕᏥᎸᏌᏓᏕᎭ, ᎢᏦᎯᏳᎲᎦ ᎢᎦ ᏚᎸᏌᏛᎢ, ᎾᏍᎩᏃ ᏂᎯ ᎢᎦ ᏚᎸᏌᏛ ᏧᏪᏥ ᎨᏎᏍᏗ. ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ ᏥᏌ, ᎠᎴ ᎤᏓᏅᏒᎩ ᏚᏗᏍᎦᎳᏁᎸᎩ.
Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari.
37 ᎤᏣᏗᏍᎩᏂᏃᏅ ᎤᏍᏆᏂᎪᏗ ᏧᎸᏫᏍᏓᏁᎸᎯ ᎨᏒᎩ ᎠᏂᎦᏔᎲᎢ, ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᏱᎬᏬᎯᏳᏁᎢ.
Kunyange akange aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari;
38 ᎾᏍᎩᏃ ᎤᏙᎯᏳᏅᎩ ᎤᏁᏨ ᎢᏌᏯ ᎠᏙᎴᎰᏍᎩ, ᎯᎠ ᏥᏄᏪᏎᎢ; “ᏣᎬᏫᏳᎯ, ᎦᎪ ᎤᏬᎯᏳᏅ ᎣᎩᏃᎮᎸᎢ? ᎠᎴ ᎦᎪ ᎠᏥᎾᏄᎪᏫᏎᎸ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎧᏃᎨᏂ?”
kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani?
39 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏏᏗ ᎥᏝ ᏰᎵ ᎬᏩᏃᎯᏳᏗ ᏱᎨᏎᎢ; ᏔᎵᏁᏰᏃ ᎢᏌᏯ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ.
Naizvozvo vakange vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakatizve:
40 “ᏚᏍᏚᏁᎸ ᏗᏂᎦᏙᎵ, ᎠᎴ ᏚᏍᏓᏱᏕᎸ ᏧᏂᎾᏫ; ᏗᎬᏩᏂᎪᏩᏛᏙᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᏗᏂᎦᏙᎵ, ᎠᎴ ᎬᏩᏃᎵᏍᏙᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᎤᏂᎾᏫ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏗᎬᏩᎾᏓᏁᏟᏴᎡᏗ ᏂᎨᏒᎾ, ᎠᎴ ᏗᎦᎦᏥᏅᏬᏗ ᏂᎨᏒᎾ.”
Wakapofumadza meso avo, akaomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa.
41 ᎾᏍᎩ ᏄᏪᏎ ᎢᏌᏯ, ᎾᎯᏳ ᏧᎪᎮ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎨᏒ ᎤᏤᎵᎦ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏧᏃᎮᎴᎢ.
Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake.
42 ᎤᏂᏣᏛᎩᏍᎩᏂᏃᏅ ᎾᏍᏉ ᎤᏂᎬᏫᏳᎯ ᎬᏬᎯᏳᏅᎩ; ᎠᏎᏃ ᎠᏂᏆᎵᏏ ᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬᎩ ᎥᏝ ᎬᏂᎨᏒ ᏱᏄᏅᏁᎴᎢ, ᏗᎦᎳᏫᎢᏍᏗᏱ ᏱᏙᎩᏄᎪᏩ ᎠᏁᎵᏍᎬᎩ.
Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kweVaFarisi vakange vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge;
43 ᎤᏟᏰᏃ ᎤᏂᏰᎸᏒᎩ ᏴᏫ ᎤᎾᏓᎸᏉᏙᏗ ᎨᏒ ᎡᏍᎦᏉ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏓᎸᏉᏙᏗ ᎨᏒᎢ.
nokuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari.
44 ᏥᏌᏃ ᎤᏪᎷᏅᎩ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ, ᎩᎶ ᎠᏉᎯᏳᎲᏍᎩ ᎥᏝ ᎠᏴ ᏯᏉᎯᏳᎲᏍᎦ, ᏅᏛᎩᏅᏏᏛᏍᎩᏂ ᎪᎯᏳᎲᏍᎪᎢ.
Zvino Jesu wakadanidzira akati: Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma.
45 ᎠᎴ ᎩᎶ ᎠᏴ ᎠᎩᎪᏩᏘᏍᎩ ᏅᏛᎩᏅᏏᏛ ᎠᎪᏩᏘᏍᎪᎢ.
Neanoona ini, anoona wakandituma.
46 ᎠᏴ ᎢᎦᎦᏘ ᎡᎶᎯ ᎠᎩᎷᏥᎸ, ᎾᏍᎩ ᎩᎶ ᎠᏉᎯᏳᎲᏍᎨᏍᏗ ᎥᏝ ᎿᎭᏉ ᎤᎵᏏᎬ ᎤᏕᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ.
Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani anotenda kwandiri arege kugara murima.
47 ᎢᏳᏃ ᎩᎶ ᎠᏛᎩᏍᎨᏍᏗ ᏥᏁᎬᎢ, ᏂᎪᎯᏳᎲᏍᎬᎾᏃ ᎢᎨᏎᏍᏗ, ᎥᏝ ᎠᏴ ᏱᏗᏥᏳᎪᏓᏁᎭ; ᎥᏝᏰᏃ ᎡᎶᎯ ᏱᏗᏥᏳᎪᏓᏁᎵᎸ, ᏥᏍᏕᎸᎯᎸᏍᎩᏂ ᎡᎶᎯ.
Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika.
48 ᎠᎩᏐᏅᎢᏍᏗᏍᎩ ᎠᎴ ᏗᏓᏂᎸᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᏥᏁᎬᎢ ᏧᏬᎪᏓᏁᎯ ᎤᏪᎭ. ᎧᏃᎮᏛ ᎠᎩᏁᏨᎯ ᎾᏍᎩ ᏧᏬᎪᏓᏁᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎤᎵᏍᏆᎸᏗ ᎢᎦ ᎨᏎᏍᏗ.
Uyo anondiramba asingagamuchiri mashoko angu, ane anomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira.
49 ᎥᏝᏰᏃ ᎠᏋᏒᏉ ᎠᏆᏓᏅᏖᏛ ᎠᎩᏁᏨᎯ ᏱᎩ, ᎠᎦᏴᎵᎨᎢᏍᎩᏂ ᏅᏛᎩᏅᏏᏛ, ᎾᏍᎩ ᎠᎩᏁᏤᎸ ᎢᏯᎩᏪᏍᏗᏱ ᎠᎩᏬᏂᎯᏍᏗᏱ.
Nokuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.
50 ᎠᎴ ᏥᎦᏔᎭ ᎾᏍᎩ ᎤᏁᏨᎯ ᏫᎾᏍᏛᎾ ᎬᏂᏛ ᎨᏒᎢ. ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏂᎦᎥ ᏥᏁᎬᎢ, ᎾᏍᎩᏯ ᎠᎦᏴᎵᎨᎢ ᎾᎩᏪᏎᎸᎢ, ᎾᏍᎩ ᏂᏥᏪᎠ. (aiōnios g166)
Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu husingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura. (aiōnios g166)

< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᏣᏂ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 12 >