< ᏉᎳ ᎠᏂᏈᎷ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 8 >

1 ᎾᏍᎩᏃ ᎯᎠ ᏥᏗᏃᎮᎭ, ᎯᎠ ᎾᏍᎩ Ꮀ ᏄᎬᏫᏳᏒ ᏂᎦᎵᏍᏗᎭ; ᎾᏍᎩ ᏄᏍᏗ ᎢᎩᎧᎭ ᏄᎬᏫᏳᏒ ᎠᏥᎸ-ᎨᎶᎯ, ᎾᏍᎩ ᎠᎦᏘᏏᏗᏢ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎦᏍᎩᎸ ᎦᎸᎶᎢ ᎤᏪᏅ;
Zvino shoko guru pazvinhu zvatataura ndirori: Tine mupristi mukuru wakadai wakagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe cheMukuru kumatenga,
2 ᏧᎸᏫᏍᏓᏁᎯ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᏗᎨᏒᎢ ᎠᎴ ᎤᏙᎯᏳᎯ ᏗᎦᎵᏦᏛᎢ, ᎾᏍᎩ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎤᎵᏦᏔᏅᎯ ᎨᏒᎢ, ᎥᏝᏃ ᏴᏫ.
mushumiri wenzvimbo tsvene, newetabhenakeri yechokwadi Ishe yaakadzika, kwete munhu.
3 ᎾᏂᎥᏰᏃ ᏄᏂᎬᏫᏳᏒ ᎠᏥᎸ-ᎠᏁᎶᎯ ᎨᏥᏁᏤᎸᎯ ᎨᏐ ᏧᎾᎵᏍᎪᎸᏙᏗᏱ ᎠᏓᏁᏗ ᎨᏒ ᎠᎴ ᎠᏥᎸ-ᏗᎨᎳᏍᏙᏗ ᎨᏒᎢ; ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᎠᏍᎦᏯ ᎾᏍᏉ ᎠᏎ ᎪᎱᏍᏗ ᎤᏲᎯᏍᏗ ᎨᏎ ᎤᎵᏍᎪᎸᏙᏗ.
Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe wakagadzirwa kubaira zvipo nezvibairo; naizvozvo zvakafanira kuti naye ave nechimwe chaangabaira.
4 ᎢᏳᏰᏃ ᎡᎶᎯ ᏱᎦᏰᎮᎢ, ᎥᏝ ᎠᏥᎸᎨᎶᎯ ᏱᎦᎨᏎᎢ, ᎢᎠᏁᎭᏰᏃ ᎠᏥᎸ-ᎠᏁᎶᎯ ᎠᏓᏁᏗ ᎨᏒ ᎠᎾᎵᏍᎪᎸᏗᏍᎩ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏂᎬᏅ ᎾᏍᎩᏯᎢ;
Nokuti kana aiva panyika, angadai asina kutombova mupristi, vapristi zvavaripo, vanobaira zvipo zvinoenderana nemurairo;
5 ᎾᏍᎩ ᎾᎿᎭᏥᏚᏂᎸᏫᏍᏓᏁᎭ ᏗᏟᎶᏍᏔᏅᎯ ᎠᎴ ᎤᏓᏩᏗᏍᏙᏛ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎦᎵᏦᏛᎢ, ᎾᏍᎩᏯ [ ᎤᏁᎳᏅᎯ ] ᎼᏏ ᏧᏁᏤᎴ ᎾᎯᏳ ᎦᎵᏦᏙᏗ ᏨᏗᎪᏢᏂᏎᎢ; ᎭᎦᏌᏯᏍᏔᏅᎭ ᏧᏛᏁᎢ, ᏕᎰᏢᏍᎬ ᏂᎦᏛ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᎾᏍᎩᏯ ᏗᏟᎶᏍᏙᏗ ᎠᎲ ᎾᏍᎩ ᏤᏣᎾᏄᎪᏫᏎᎸ ᎣᏓᎸ ᏅᏁᎸᎭ.
vanoshumira zviratidzo nemumvuri wezvinhu zvekudenga, Mozisi sezvaakarairwa naMwari oda kugadzira tabhenakeri; nokuti wakati: Chenjera kuti uite zvese zvichienderana nemufananidzo wawakaratidzwa mugomo.
6 ᎾᏍᎩᏃ ᏥᏄᏍᏗ ᎪᎯ ᎨᏒ ᎤᏟ ᎢᎦᎸᏉᏗ ᏗᎦᎸᏫᏍᏓᏁᏗ ᎨᏒ ᎤᏩᏛᎲ, ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᎠᏰᎵ ᎠᎴᎲᏍᎩ ᎨᏒ ᎤᏟ ᎢᏲᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᏓᏠᎯᏍᏛ ᎤᎬᏩᎸᎢ, ᎾᏍᎩ ᎤᏟ ᎢᏲᏍᏛ ᏓᏚᎢᏍᏛ ᏧᎵᏍᏓᏱᏍᏗ.
Asi ikozvino wakawana ushumiri hwakanyanyisa kunaka, sezvaariwo murevereri wesungano inopfuura pakunaka, yakasimbiswa pazvivimbiso zvinopfuura pakunaka.
7 ᎢᏳᏰᏃ ᎢᎬᏱᏱ ᎧᏃᎮᏛ ᏓᏠᎯᏍᏛ ᎦᎫᎯᏍᏙᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᏱᎨᏎᎢ, ᎥᏝ ᏅᏩᏓᎴ ᎧᏃᎮᏛ ᏗᏠᎯᏍᏙᏗᏱ ᏱᎬᏩᏂᏔᏲᎴᎢ.
Nokuti dai iya yekutanga yakange isina chaingapomerwa, dai pasina nzvimbo yakatsvakirwa yechipiri.
8 ᎡᏍᎦᏰᏃ ᎤᏰᎸᏅ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎴᎢ, ᎬᏂᏳᏉ, ᏛᏍᏆᎸᎯ, ᎠᏗᎭ ᎤᎬᏫᏳᎯ, ᎾᏍᎩ ᎢᏤ ᎧᏃᎮᏛ ᏗᎦᏥᏯᏠᎢᏍᏓᏁᏗᏱ ᎢᏏᎵ ᏏᏓᏁᎸᎯ ᎨᏒ ᎠᎴ ᏧᏓ ᏏᏓᏁᎸᎯ ᎨᏒᎢ.
Nokuti achivapa mhosva, anoti: Tarira, mazuva anouya, anotaura Ishe, zvino ndichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.
9 ᎥᏝ ᎾᏍᎩᏯ ᎧᏃᎮᏛ ᏕᎦᏥᏯᏠᎢᏍᏓᏁᎸ ᏧᏂᎦᏴᎵᎨᎢ, ᎾᎯᏳ ᎦᏂᏲᏯᏁᏒ ᎦᏥᏄᎪᏫᏍᏗᏱ ᎢᏥᏈᏱ ᎦᏓ ᎠᎲᎢ; ᎥᏝᏰᏃ ᏳᏂᏍᏆᏂᎪᏔᏁ ᎧᏃᎮᏛ ᏕᎦᏥᏯᏠᎢᏍᏓᏁᎸᎢ, ᎠᎴ ᎠᏴ ᎥᏝ ᏱᎦᏥᏯᎦᏌᏯᏍᏔᏁᎢ, ᎠᏗᎭ ᎤᎬᏫᏳᎯ.
Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo, pazuva randakabata ruoko rwavo kuti ndivabudise munyika yeEgipita; nokuti havana kurambira musungano yangu, neni ndikasava nehanya navo, anoreva Ishe.
10 ᎯᎠᏰᏃ ᎾᏍᎩ ᏄᏍᏕᏍᏗ ᎧᏃᎮᏛ ᏙᏓᎦᏥᏯᏠᎢᏍᏓᏁᎵ ᎢᏏᎵ ᏏᏓᏁᎸᎯ ᎨᏒ ᎾᎯᏳ ᎦᎶᏐᏅᎭ ᎠᏗᎭ ᎤᎬᏫᏳᎯ; ᏚᎾᏓᏅᏛ ᏓᏓᏥᎳᏂ ᏗᏆᏤᎵ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ, ᎠᎴ ᏧᏂᎾᏫᏱ ᏙᏓᎪᏪᎳᏂ; ᎠᎴ ᎠᏴ ᎦᏥᏯᏁᎳᏅᎯ ᎨᏎᏍᏗ, ᎤᏅᏒᏃ ᏗᏆᏤᎵ ᏴᏫ ᎨᏎᏍᏗ;
Nokuti iyi isungano yandichasungana nayo neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, anotaura Ishe; ndichaisa mirairo yangu mumurangariro wavo, nemuhana dzavo ndichainyora; uye ndichava kwavari Mwari, ivo vachavawo kwandiri vanhu;
11 ᎥᏝ ᎠᎴ ᎩᎶ ᎠᏏᏴᏫ ᎨᏒ ᎾᎥ ᎢᏧᎾᏓᎵ, ᎠᎴ ᏗᎾᏓᏅᏟ ᎨᏒ ᏱᎨᏲᎲᏍᎨᏍᏗ, ᎯᎠ ᏱᏂᎦᏪᏍᎨᏍᏗ, ᎯᎦᏙᎥᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ; ᎾᏂᎥᏉᏰᏃ ᎬᎩᎦᏔᎯᏳ ᎨᏎᏍᏗ, ᎤᏍᏗᎧᏂ ᎡᎲ ᏅᏓᎬᏩᏓᎴᏅᏛ, ᎤᏟ ᎢᏯᏥᎸᏉᏗ ᎡᎲ ᏫᎬᏍᏗ.
uye havangatongozodzidzisi umwe neumwe umwe wake, neumwe neumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; nokuti vese vachandiziva, kubva kumudiki wavo kusvikira kumukuru wavo.
12 ᏓᎦᏥᏯᏙᎵᏥᏰᏃ ᎤᏣᏘᏂ ᏄᎾᏛᏁᎸᎢ, ᎤᏂᏍᎦᏅᏨᏃ ᎠᎴ ᎤᏲ ᏄᎾᏛᏁᎵᏙᎸ ᎥᏝ ᎿᎭᏉ ᎠᏆᏅᏓᏗᏍᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ.
Nokuti ndichava netsitsi pakusarurama kwavo, nezvivi zvavo nezvakaipa zvavo handichatongozorangariri.
13 ᎾᏍᎩᏃ ᏌᏉ ᎢᏤ ᏥᎪᏎᎭ, ᏐᎢ ᎤᏪᏘ ᏂᎬᏁᎭ. ᎪᎱᏍᏗᏰᏃ ᎤᏪᏘ ᎢᎬᏁᎸᎯ ᎠᎴ ᎤᏪᏔᏨᎯ ᏥᎨᏐ, ᎤᏲᏥᏕᏅ ᎨᏐᎢ.
Pakuti: Sungano itsva, yakasakadza yekutanga. Zvino chosakarawo chova chakare, chava pedo kurova.

< ᏉᎳ ᎠᏂᏈᎷ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 8 >