< ᏉᎳ ᎠᏂᏈᎷ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 5 >

1 ᎾᏂᎥᏰᏃ ᏄᎬᏫᏳᏒ ᎠᏥᎸ-ᎠᏁᎶᎯ ᎨᏒ ᏴᏫ ᎠᏁᎲ ᎨᎪᏣᎴᏛ, ᏴᏫ ᎣᏍᏛ ᎢᏳᎾᎵᏍᏓᏁᏗ ᎨᏥᏁᏤᎰᎢ, ᎾᏍᎩ [ ᏧᏂᎸᏫᏍᏓᏁᏗᏱ ] ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵᎪᎯ ᎤᎬᏩᎵ, ᎾᏍᎩ ᏗᎬᏩᎾᎵᏍᎪᎸᏙᏗ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᎠᏓᏁᏗ ᎨᏒ ᎠᎴ ᎠᏥᎸᎨᎳᏍᏙᏗ ᎾᏍᎩ ᎠᏍᎦᏂ ᎤᎬᏩᎵ;
Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe, wakatorwa kubva kuvanhu, anogadzirwa vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abaire zvese zvipo nezvibairo nekuda kwezvivi;
2 ᎾᏍᎩ ᏰᎵ ᏗᎬᏪᏙᎵᏍᏗ ᎾᏂᎦᏔᎾᎥᎾ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎤᎾᎴᎾᎸᎯ; ᎤᏩᏒᏰᏃ ᎾᏍᏉ ᏚᎵᏚᏫᏍᏛᎩ ᎠᏩᏂᎦᎳ ᎨᏒᎢ.
iye anogona kuva nemoyo munyoro pane vasingazivi nevakatsauka, sezvo naiye akakomberedzwa neutera.
3 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᏴᏫ ᎤᎾᎵᏍᏕᎸᏙᏗ ᎠᎵᏍᎪᎸᏗᏍᎬ ᎾᏍᏉ ᎤᏩᏒ ᎤᎵᏍᏕᎸᏙᏗ ᎠᏎ ᎤᎵᏍᎪᎸᏙᏗ ᎨᏐᎢ, ᎠᏍᎦᏂ ᎤᎬᏩᎵ ᎨᏒᎢ.
Uye nekuda kwaizvozvi anofanira kubaira zvivi, sezvaanobaira zvevanhu, zvakadaro nekwaari.
4 ᎥᏝ ᎠᎴ ᎩᎶ ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᎦᎸᏉᏗ [ ᏗᎦᎸᏫᏍᏓᏁᏗ ] ᎤᏩᏒᏉ ᎤᏓᏅᏖᏛ ᏯᎩᏍᎪᎢ, ᎬᏂ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏯᏅᏛ ᏱᎩ ᎾᏍᎩᏯ ᎡᎵᏂ ᎠᏥᏯᏅᎲᎢ.
Zvino hakuna munhu angazvitorera rukudzo uru, asi uyo wakadanwa naMwari, saAroniwo.
5 ᎾᏍᎩᏯ ᎾᏍᏉ ᎦᎶᏁᏛ ᎥᏝ ᎤᏩᏒ ᎯᎠ ᎦᎸᏉᏗ ᏗᎦᎸᏫᏍᏓᏁᏗ ᏳᎩᏎ ᏄᎬᏫᏳᏒ ᎠᏥᎸᎨᎶᎯ ᎾᎬᏁᎸᎢ; ᎯᎠᏍᎩᏂ ᎢᏳᏪᏎᎸᎯ, ᎠᏇᏥ ᏂᎯ, ᎪᎯ ᎢᎦ ᏍᏆᏕᎲᏏ, [ ᎾᏍᎩ ᎤᏯᏅᎮᎢ.]
Saizvozvo Kristuwo haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka.
6 ᎾᏍᏉ ᎢᎸᎯᏢ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ, ᎠᏥᎸ-ᎮᎶᎯ ᏂᎯ ᏂᎪᎯᎸᎢ ᎺᎵᎩᏏᏕᎩ ᏄᏍᏛ ᎾᏍᎩᏯᎢ. (aiōn g165)
Sepamwewo anoti: Ndiwe mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki. (aiōn g165)
7 ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎾᎯᏳ ᎤᏇᏓᎵ ᎨᏒ ᎤᎴᏂᏙᎸ, ᎤᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎸ ᎠᎴ ᎤᏔᏲᏎᎸ, ᎠᏍᏓᏴ ᏓᏠᏱᎲ, ᎠᎴ ᏓᎦᏌᏬᎢᎲ ᎬᏩᏠᏯᏍᏗ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎤᏔᏲᏎᎸ ᎾᏍᎩ ᏰᎵᏉ ᎬᏩᏍᏕᎸᏗ ᎬᏭᏓᎴᏍᏗ ᎨᏒ ᎠᏲᎱᎯᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎠᎦᏛᎦᏁᎴ ᎦᎾᏰᏍᎬ ᎤᎬᏩᎵ;
Iye pamazuva enyama yake, abaira minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa nekuda kwekutya Mwari,
8 ᎤᏪᏥᏍᎩᏂᏃᏅ ᎨᏎᎢ ᎠᏎᏃ ᎤᏬᎯᏳᎯᏍᏓ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᎤᏕᎶᏆᎡ ᎤᎩᎵᏲᏨ ᎤᎦᏙᎥᎯᏍᏔᏁᎢ;
kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera kubva pazvinhu zvaakatambudzika,
9 ᎠᎴ ᏄᎪᎸᎾ ᎾᎬᏁᎸ, ᎾᏍᎩ ᎠᏩᏘᏍᎩ ᏄᎵᏍᏔᏁ ᏫᎾᏍᏛᎾ ᎤᎾᎵᏍᏕᎸᏙᏗ ᎨᏒ ᎾᏂᎥ ᎬᏬᎯᏳᎲᏍᎩ; (aiōnios g166)
akatiwo aitwa wakaperedzerwa, akava muvambi weruponeso rwusingaperi kune vese vanomuteerera; (aiōnios g166)
10 ᎠᎴ ᏄᎬᏫᏳᏒ ᎠᏥᎸ-ᎨᎶᎯ ᎺᎵᎩᏏᏕᎩ ᎾᏍᎩᏯ ᎤᏬᏎᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ.
anzi naMwari mupristi mukuru kubva kurudzi rwaMerikizedheki.
11 ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎣᏥᏃᎮᏍᎬ ᎤᏣᏘ ᎪᎱᏍᏗ ᎦᏲᎦᏛᏗ, ᎠᎴ ᎤᏦᏍᏗᏳ ᏗᎪᏏᏐᏗᏱ, ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬ ᏗᏥᏍᎦᏃᎵᏳ ᎨᏒ ᎢᏣᏛᎪᏗᏱ.
Watine zvizhinji zvatingataura pamusoro pake zvinoremawo kududzira, zvamakagomara pakunzwa.
12 ᎾᎯᏳᏰᏃ ᏰᎵᏉ ᏗᎨᏣᏕᏲᏗ ᎡᏤᎵᏎᎸᎢ, ᎤᏚᎸᏗᏉ ᏂᏣᎵᏍᏓᏁᎭ ᎩᎶ ᏔᎵᏁ ᎢᏤᏲᏗᏱ ᏄᏍᏛ ᎢᎬᏱᏱ ᏗᏕᎶᏆᏍᏗ ᎨᏒ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵ ᎧᏃᎮᏛ; ᎠᎴ ᎤᏅᏗ ᎤᎾᏚᎵᏍᎩ ᎾᏍᎩᏯ ᏂᏣᎵᏍᏔᏅ, ᎥᏝᏃ ᎤᏴᏍᏗ ᎠᎵᏍᏓᏴᏗ.
Nokuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi nekuda kwenguva, makashaiwazve kuti kuve neanokudzidzisai kuti zvimiso zvekutanga zvemashoko aMwari zvii, uye mava vanoda mukaka, uye kwete kudya kukukutu.
13 ᎾᏂᎥᏰᏃ ᎩᎶ ᎤᏅᏗ ᎠᎾᎵᏍᏓᏴᏗᏍᎩ ᎥᏝ ᎤᏂᎦᏙᎥᏒᎯ ᏱᎨᏐ ᎧᏃᎮᏛ ᎠᏚᏓᎴᏍᏙᏗ ᎨᏒᎢ; ᏗᏂᏲᎵᏉᏰᏃ.
Nokuti ani nani anodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama; nokuti mucheche.
14 ᎤᏴᏍᏗᏍᎩᏂ ᎠᎵᏍᏓᏴᏗ ᏧᎾᏛᎾᏯ ᎤᏁᎵᏍᏓᏴᏙᏗ ᎨᏐᎢ, ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎤᏂᎩᏌᎲ ᎢᏳᏍᏗ ᎬᏩᎾᏙᎴᎰᎯᏍᏗ ᎨᏐ ᎣᏍᏛ ᎨᏒ ᏄᏍᏛᎢ, ᎠᎴ ᏄᏍᏛ ᎤᏲ ᎨᏒᎢ.
Asi kudya kukukutu ndekwevakura zvakazara, ivo nekurovedzwa vakadzidzisa pfungwa kuparadzanisa zvese zvakanaka nezvakaipa.

< ᏉᎳ ᎠᏂᏈᎷ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 5 >