< ᏉᎳ ᎨᎴᏏᏱ ᎠᏁᎯ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 2 >

1 ᎿᎭᏉᏃ ᏂᎦᏚ ᏫᏄᏕᏘᏴᎲ ᎣᏂ, ᏔᎵᏁ ᏥᎷᏏᎵᎻ ᎠᏇᏅᏒᎩ ᎣᏍᏕᎲᎩ ᏆᏂᏆ, ᎠᎴ ᏓᏓᏏ ᎾᏍᏉ ᎥᏥᏯᏘᏅᏒᎩ.
Shure kweizvozvo kwapfuura makore gumi nemana ndakakwirazve kuJerusarema naBhanabhasi, ndikatorawo naTitosi.
2 ᎠᎴ ᎬᏂᎨᏒ ᏅᏋᏁᎸᎢ ᏅᏓᏳᎵᏍᏙᏔᏅᎩ ᎠᏇᏅᏒᎩ, ᎠᎴ ᎬᏂᎨᏒ ᏂᎦᏥᏴᏁᎸ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎾᏍᎩ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᎦᏥᏯᎵᏥᏙᏁᎲᎢ; ᎠᏂᏏᏴᏫᎭᏍᎩᏂ ᎤᏕᎵᏛ ᎬᏂᎨᏒ ᏂᎦᏥᏴᏁᎸᎩ ᏗᏂᏃᏣᎵ ᎨᏒᎢ, ᏯᏎᎦᎩ ᎠᏎᏉ ᏱᏙᏥᏍᏆᎸᏓ ᎠᎴ ᎠᏎᏉ ᏱᏓᎩᏍᏆᎸᏔᏅ ᎠᏇᎵᏒᎩ.
Zvino ndakakwira nekuzarurirwa, ndokuvarondedzera evhangeri yandinoparidza pakati pevahedheni, asi pachivande kune vakange vachikudzwa, zvimwe ndimhanyire kana ndakamhanyira pasina.
3 ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᎾᏍᏉ ᏓᏓᏏ, ᎾᏍᎩ ᎣᏍᏕᎯ, ᎠᎪᎢ ᏂᎨᏒ, ᎠᏎ ᎠᏥᎤᏍᏕᏎᏗ ᏱᎨᏎᎢ;
Asi kunyange Titosi waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;
4 ᎠᎴ ᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬᎩ ᎤᎾᏠᎾᏍᏗ ᎠᎾᎵᏅᏟ ᏄᏪᎵᏍᏛᎾ ᎨᏥᏴᏔᏂᎸᎯ, ᎾᏍᎩ ᏅᏕᎵᏛ ᎤᏂᏴᎵᎸ ᎤᏂᎨᏛᏗᏱ ᎣᎦᏓᏤᎵᎦᏯ ᎨᏒ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ ᎣᎩᎲᎢ, ᏦᎩᎾᏝᎢ ᎢᎪᎬᏁᏗᏱ;
uye nekuda kwehama dzenhema, vakange vapinzwa pachivande, vakange vapinda nekunyangira kuzoshora kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatiise muuranda;
5 ᎾᏍᎩ ᎥᏝ ᏑᏟᎶᏛ ᎤᏅ ᎢᎪᎯᏛ ᎤᎾᏁᎳᎩ ᏱᏙᏤᎵᏎᎴᎢ ᎡᎳᏗ ᏂᏙᏣᏛᏁᎲᎢ; ᎾᏍᎩ ᎣᏍᏛ ᎧᏁᎮᏛ ᎤᏙᎯᏳᎯ ᎨᏒ ᎢᎬᏩᏍᏗᎭ ᎢᎬᏩᏍᏗᎭ ᎢᏤᎳᏗᏓᏍᏗᏱ.
vatisina kutendera nekuzviisa pasi kunyange kweawa; kuti chokwadi cheevhangeri chirambe chigere nemwi.
6 Ꮎ-ᏍᎩᏂᏃ ᏰᎵ ᏗᏂᏃᏨᎵ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᏄᎾᏍᏛᎢ ᎥᏝ ᎪᎱᏍᏗ ᎠᏋᏁᎯ ᏱᎩ, ᎤᏁᎳᏅᎯᏰᏃ ᎥᏝ ᏱᎦᎸᏉᏗᎭ ᎩᎶ ᏄᏍᏛᎢ; ᎾᏍᎩᏰᏃ ᏗᏂᏃᏣᎵ ᎨᏒ ᎥᏝ ᎪᎱᏍᏗ ᏱᎬᎩᏁᏉᎡᎴᎢ;
Asi kune vainzi chinhu (kunyange vaimbova chii hazvirevi chinhu kwandiri; Mwari haagamuchiri chimiro chemunhu), nokuti avo vaikudzwa havana kundiwedzera chinhu;
7 Ꭰ-ᏍᎩᏂ ᎢᏗᏢ, ᎤᏂᎪᎲ ᎾᏍᎩ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᏂᏗᎨᏥᎤᏍᏕᏎᎸᎾ [ ᎤᎾᏛᎪᏗᏱ ] ᎠᏴ ᎥᏆᎨᏅᏛᎢ, ᎾᏍᎩᏯ ᏗᎨᏥᏅᏍᏕᏎᎸᎯ [ ᎤᎾᏛᎪᏗᏱ ] ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᏈᏓ ᏣᎦᎨᏅᏕᎢ;
asi zvakadaro, vakati vaona kuti evhangeri yevasina kudzingiswa yakakumikidzwa kwandiri, saPetro yevasina kudzingiswa,
8 ( ᎾᏍᎩᏂ ᏈᏓ ᎤᎵᏂᎩᏛ ᎢᏳᏩᏁᎯ ᎠᏥᏅᏏᏛ ᎨᏒ ᏗᎨᏥᎤᏍᏕᏎᎸᎯ ᎤᏁᏤᎵᎦ, ᎾᏍᎩ ᎾᏍᏉ ᎠᏴ ᎠᏆᎵᏂᎩᏛ ᎾᏋᏁᎲᎩ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᏕᏥᏯᎵᏥᏙᏁᎲᎢ; )
(nekuti iye wakaita nesimba kuna Petro kuvuapositori hwekudzingiswa, wakaita nesimba nekwandiri kuvahedheni);
9 ᎠᎴ ᏥᎻ, ᎠᎴ ᏏᏆᏏ, ᎠᎴ ᏣᏂ, ᎾᏍᎩ ᏗᎵᎫᏍᏙ ᎨᏥᏰᎸᎢ, ᎤᏂᎪᎲ ᎬᏩᎦᏘᏯ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒ ᎾᏍᎩ ᎥᎩᏁᎸᎢ, ᎠᏂᎦᏘᏏᏗᏢ ᏕᎪᎩᎾᏌᏕᏔᏅᎩ ᎠᏴ ᎠᎴ ᏆᏂᏆ ᎬᏂᎨᏒ ᎢᎬᏁᎯ ᏙᎦᏚᏓᏛᎢ; ᎠᏴ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᏗᏁᎲ ᏬᎩᏂᎶᎯᏍᏗᏱ ᎤᎬᏩᎵ, ᎤᏅᏒᏃ ᏗᎨᏥᎤᏍᏕᏎᎸᎯ ᏗᏁᎲᎢ;
zvino vaziva nyasha dzandakapiwa, vanaJakobho naKefasi naJohwani, vaikudzwa kuva mbiru, vakapa ini naBhanabhasi ruoko rwerudyi rwekudyidzana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivowo kune vakadzingiswa;
10 ᏑᏓᎴᎩᏍᎩᏂᏃᏅ [ ᎤᎾᏚᎵᏍᎬᎩ, ] ᎾᏍᎩ ᏦᏍᏓᏅᏓᏗᏍᏗᏱ ᎤᏲ ᎢᏳᎾᏛᎿᎭᏕᎩ; ᎾᏍᎩᏯ ᎾᏍᏉ ᎠᏆᎵᎦᎵᏴᏒᎩ ᎾᏍᎩ ᎢᏯᏆᏛᏁᏗᏱ.
chete kuti tirangarire varombo, ichocho chandakashingairirawo kuita.
11 ᎠᏎᏃ ᏈᏓ ᎥᏗᎣᎩ ᏭᎷᏨ ᎬᏂᎨᏒ ᏕᏥᎦᏘᎸᏒᎩ, ᎦᏰᎫᎢᏍᏙᏗᏰᏃ ᎨᏒᎩ.
Zvino Petro wakati asvika Andiyokiya, ndakamupikisa pachiso, nokuti wakange ane mhosva.
12 ᎠᏏᏉᏰᏃ ᎩᎶ ᎢᏳᎾᏍᏗ ᏥᎻᏱ ᏅᏗᏂᎶᏍᎬᎾ ᎨᏒᎢ, ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᎢᏧᎳᎭ ᎠᎾᎵᏍᏓᏴᎲᏍᎬᎩ; ᎠᏎᏃ ᎾᏍᎩ ᎤᏂᎷᏨ, ᎤᏓᏅᏒᎩ ᏚᏓᏓᎴᏓᏁᎸᎩ, ᏕᎦᎾᏰᏍᎬᎩ ᎾᏍᎩ ᏗᎨᏥᏅᏍᏕᏎᎸᎯ.
Nokuti vamwe vasati vasvika vaibva kuna Jakobho, waidya nevahedheni; asi kana vasvika waisuduruka, achizviraura, achitya vekudzingiswa.
13 ᎠᎴ ᎠᏂᏐᎢ ᎠᏂᏧᏏ ᎤᎾᏠᎾᏍᏔᏅᎩ ᎾᏍᏉ ᎥᎬᏩᎵᎪᏁᎸᎩ; ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏆᏂᏆ ᎾᏍᏉ ᎥᎬᏩᏘᎾᏫᏛᏔᏅᎩ ᎠᎾᏠᎾᏍᏗᏍᎬᎢ.
Nevamwewo VaJudha vakanyepedzera pamwe naye, zvekuti Bhanabhasiwo wakatorwa neunyepedzeri hwavo.
14 ᎠᏎᏃ ᎠᎩᎪᎲ ᏂᏚᏳᎪᏛᎾ ᎾᎾᏛᏁᎲᎢ, ᎾᏍᎩᏯ ᏚᏳᎪᏛ ᏓᏕᏲᎲᏍᎬ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ, ᏂᎦᏛ ᎠᏂᎦᏔᎲ ᎯᎠ ᏅᏥᏪᏎᎸᎩ ᏈᏓ, ᎢᏳᏃ ᏂᎯ, ᎯᏧᏏ ᏥᎩ, ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᏄᎾᏍᏛ ᎾᏍᎩᏯ ᏱᏄᏍᏗ ᏰᎭ, ᎠᏂᏧᏏᏃ ᏄᏍᏛ ᎠᏁᎲ ᎾᏍᎩᏯ ᏄᏍᏛᎾ ᏱᎩ ᎮᎲᎢ, ᎦᏙᏃ ᎠᏂᏧᏏ ᏄᏍᏛ ᎠᏁᎲ ᎾᏍᎩᏯ ᎤᎾᏕᏗᏱ ᏥᏂᏕᎲᏁᎭ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ?
Asi ndakati ndaona kuti havafambi zvakarurama maererano nechokwadi cheevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pevese: Kana iwe uri muJudha, unorarama nemutoo wevahedheni, uye kwete sezvinoita VaJudha, unoroverera sei vahedheni kuti vararame seVaJudha?
15 ᎠᏴ ᎢᏗᏧᏏ ᎢᎦᏕᏅᎯ ᏥᎩ, ᎠᏂᏍᎦᎾᏃ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᏄᎾᏍᏛ ᎢᎦᏕᏅᎯ ᏂᎨᏒᎾ ᏥᎩ,
Isu tiri VaJudha pachisikirwo, uye kwete vatadzi vanobva kuvahedheni,
16 ᏥᏗᎦᏔᎭᏍᎩᏂ ᎾᏍᎩ ᏴᏫ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏂᎦᏪᏍᎬ ᎾᏛᏁᎲ ᎾᏚᏓᎴᏍᏗᏍᎬᎾ ᎨᏒᎢ, ᎪᎯᏳᏗᏍᎩᏂ ᎨᏒ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ, ᎾᏍᎩ ᎠᏴ ᎡᏙᎢᏳᏅ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ, ᎾᏍᎩ ᎢᎦᏚᏓᎴᏍᏙᏗᏱ ᎪᎯᏳᏗ ᎨᏒ ᎦᎶᏁᏛ, ᎥᏝᏃ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏂᎦᏪᏍᎬ ᏂᏓᏛᏁᎲᎢ; ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗᏰᏃ ᏂᎦᏪᏍᎬ ᎾᏛᏁᎲ ᎥᏝ ᎩᎶ ᎤᏇᏓᎵ ᏴᎬᏚᏓᎴᏍᏓ.
tichiziva kuti munhu haanzi wakarurama nemabasa emurairo, asi nerutendo kuna Jesu Kristu, nesu takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nerutendo kuna Kristu, uye kwete nemabasa emurairo; nokuti nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama.
17 ᎢᏳᏍᎩᏂ, ᎢᎩᏲᎲ ᎦᎶᏁᏛ ᎢᎫᏓᎴᏍᏗᏱ, ᎬᏂᎨᏒ ᏱᏄᎵᏍᏔᏅ ᎢᎬᏒ ᎾᏍᏉ ᎢᏗᏍᎦᎾᎯᏳ ᎨᏒᎢ, ᎦᎶᏁᏛᏍᎪ ᎠᏍᎦᎾ ᎠᏍᏕᎵᏍᎩ ᏂᎦᎵᏍᏗᎭ? ᎬᏩᏟᏍᏗ.
Asi kana isu, tinotsvaka kunzi takarurama kuna Kristu, nesu tomene tiwanikwe tiri vatadzi, naizvozvo Kristu wava mushumiri wechivi here? Ngazvisadaro!
18 ᎢᏳᏰᏃ ᎾᏍᎩ ᏗᎩᏲᏍᏔᏅᎯ ᎨᏒ ᏔᎵᏁ ᏱᏙᎦᏁᏍᎨᎭ, ᎠᎩᏍᎦᏅᏨᎯ ᎨᏒ ᎬᏂᎨᏒ ᏱᏂᎬᏁᎭ.
Nokuti kana ndikavakazve izvi zvandakaputsa, ndinozviratidza kuva mudariki.
19 ᎠᏴᏰᏃ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ ᎠᎩᏲᎱᏒᎯᏉ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᎠᎲᎢ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵ ᎤᎬᏩᎵ ᎠᏆᎴᏂᏓᏍᏗᏱ.
Nokuti ini nemurairo ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kuna Mwari.
20 ᏓᏓᎿᎭᏩᏍᏛ ᎢᏧᎳᎭ ᎦᎶᏁᏛ ᏙᎩᎾᏛᏅ; ᎠᏎᏃ ᎠᏴ ᎬᏃᏛ ᎢᎩ, ᎥᏝᏍᎩᏂᏃᏅ ᎿᎭᏉ ᎠᏴ ᏱᎩ, ᎦᎶᏁᏛᏍᎩᏂ ᎬᏃᏛ ᎠᎩᏯᎠ; ᏄᏍᏛᏃ ᎿᎭᏉ ᎦᎴᏂᏙᎲ ᎠᏂ ᎤᏇᏓᎵ ᎨᎥᎢ, ᎦᎴᏂᏙᎭ ᏥᏯᎵᏍᎦᏍᏙᏛ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏥ; ᎾᏍᎩ ᎠᎩᎨᏳᎯᏳ ᏥᎨᏒᎩ, ᎠᎴ ᎤᏩᏒ ᏥᏚᏓᏲᏎ ᎠᏴ ᎠᎩᏍᏕᎵᏍᎬᎢ.
Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naKristu; asi ndinorarama; handisisiri ini, asi Kristu anorarama mandiri; asi zvandinorarama ikozvino panyama, ndinorarama nerutendo rweMwanakomana waMwari, wakandida akazvipa nekuda kwangu.
21 ᎥᏝ ᏱᏥᏲᏍᏗᏎ ᎬᏩᎦᏘᏯ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒ ᎤᏁᎳᏅᎯ; ᎢᏳᏰᏃ ᎠᏚᏓᎴᏍᏗ ᎨᏒ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏴᏗᏓᎴᎲᏍᎦ, ᎿᎭᏉ ᎦᎶᏁᏛ ᎠᏎᏉᏉ ᏳᏲᏞᏒ.
Handishaisi nyasha dzaMwari maturo; nokuti kana kunzi wakarurama kunowanikwa nemurairo, saka Kristu wakafira pasina.

< ᏉᎳ ᎨᎴᏏᏱ ᎠᏁᎯ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 2 >