< ᏉᎳ ᎡᏈᏌ ᎠᏁᎯ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 4 >

1 ᎾᏍᎩ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᎠᏴ ᏥᏴᎩ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎠᎩᏍᏛᏗᏍᎬ ᎥᎩᏴᎩᏅᎯ, ᎢᏨᏔᏲᏎᎭ ᎢᏣᎴᏂᏓᏍᏗᏱ ᎾᏍᎩᏯ ᏄᏍᏛ ᎠᏓᏯᏅᏙᏗ ᎨᏒ ᎾᏍᎩ ᏂᎯ ᎡᏥᏯᏅᏔᏅᎯ ᏥᎩ;
Naizvozvo ndinokukumbirisai, ini musungwa muna Ishe, kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako,
2 ᎢᏨᏗᏍᎨᏍᏗ ᎤᏣᏘ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒᎢ ᎠᎴ ᎤᏓᏅᏘ ᎨᏒᎢ, ᎤᎵᏠᏯᏍᏕᏍᏗ ᎬᏂᏗᏳ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎤᏁᎳᎩ ᏗᏓᏕᎵᏎᏗ ᎨᏒ ᎠᏓᎨᏳᏗ ᎨᏒ ᎬᏗ;
pamwe nekuzvininipisa kwese neunyoro, nemoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo,
3 ᎢᏣᏟᏂᎬᏁᎮᏍᏗ ᎢᏥᏍᏆᏂᎪᏙᏗᏱ ᏌᏉ ᏂᏕᏨᏅ ᏕᏣᏓᏅᏛᎢ, ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᏕᏣᏓᏂᏴᏛᎢ.
muchishingaira kuchengeta umwe hweMweya muchisungo cherugare.
4 ᏌᏉ [ ᎡᎭ ] ᎠᏰᎸᎢ, ᎠᎴ ᏌᏉ ᎠᏓᏅᏙ, ᎾᏍᎩᏯ ᏌᏉ ᎤᏚᎩ ᎢᏨᏗᏱ ᎡᏥᏯᏅᏛ ᏥᎩ, ᎾᏍᎩ ᎡᏥᏯᏅᎲ ᏨᏗᏓᎴᎲᏍᎦ;
Kune muviri umwe uye Mweya umwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yekudanwa kwenyu;
5 ᏌᏉ ᎤᎬᏫᏳᎯ, ᏌᏉ ᎪᎯᏳᏗ ᎨᏒᎢ, ᏌᏉ ᏗᏓᏬᏍᏗ ᎨᏒᎢ;
Ishe umwe, rutendo rumwe, rubhabhatidzo rwumwe,
6 ᏌᏉ ᎾᏂᎥ ᎤᎾᏁᎳᏅᎯ ᎠᎴ ᎤᏂᏙᏓ, ᎾᏍᎩ ᎾᏂᎥ ᎤᎾᏤᎵ ᎤᎬᏫᏳᎯ, ᎠᎴ ᏂᎦᎥ ᏕᎨᏌᏗᏒ ᏥᏚᏰᎵᏏᏕᎦ, ᎠᎴ ᏂᎯ ᏂᏥᎥ ᏥᏥᏯᎠ.
Mwari umwe naBaba vevese, ari pamusoro pevese, uye kubudikidza nevese, nekwamuri mese.
7 ᎠᏎᏃ ᏂᏗᎥ ᎢᏗᏏᏴᏫᎭ ᎡᎩᏁᎸ ᎬᏩᎦᏘᏯ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒ ᎾᏍᎩᏯ ᎠᏟᎶᎥ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᏓᏁᏗ ᎨᏒᎢ.
Asi kune umwe neumwe wedu kwakapiwa nyasha zvichienderana nechiyero chechipo chaKristu.
8 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ, ᎾᎯᏳ ᏚᎴᏅᎦᎸᎳᏗ ᏭᎶᏒ, ᏚᏴᎩᏁ ᏗᎨᏥᏴᎩᏅᎯ, ᎠᎴ ᏚᏁᎴ ᏴᏫ ᎤᏓᏁᏗ ᎨᏒᎢ.
Naizvozvo anoti: Paakakwira kumusoro, wakatapa utapwa, akapa zvipo kuvanhu.
9 ᎾᏍᎩᏃ ᏧᎴᏅᎯ ᏣᏗᎭ, ᎦᏙ ᎦᏛᎦ, ᎢᏳᏃ ᎢᎬᏱᏱ ᎾᏍᏉ ᏧᏠᎠᏒ ᎡᎳᏗᏢ ᏕᎨᏌᏗᏒ ᎡᎶᎯ ᎤᎷᏨ ᏂᎦᏛᎬᎾ ᏱᎩ?
Zvino izvi kuti: Wakakwira, chii kunze kwekuti wakaburukawo pakutanga kunzvimbo dzakaderera dzenyika?
10 ᎾᏍᎩ Ꮎ ᏨᏧᏠᎠᏎᎢ ᎾᏍᎩᏉ ᎾᏍᏉ ᏥᏚᎴᏁᎢ ᎦᎸᎳᏗᏢ ᏂᎦᎥ ᎦᎸᎶᎢ ᏕᎨᏌᏗᏒ ᏥᏭᎷᏤᎢ, ᎾᏍᎩ ᏧᎧᎵᎢᏍᏗᏱ ᏂᎦᎥ ᏄᏓᎴᏒ ᎪᎱᏍᏗ.
Wakaburuka ndiyewo wakakwira kumusoro-soro kwematenga ese, kuti azadzise zvinhu zvese.
11 ᎢᎦᏛᏃ ᎨᏥᏅᏏᏛ ᏚᏪᎧᏁᎢ; ᎢᎦᏛᏃ, ᎠᎾᏙᎴᎰᏍᎩ; ᎢᎦᏛᏃ, ᎠᎾᎵᏥᏙᏂᏙᎯ; ᎢᎦᏛᏃ, ᏗᏂᎦᏘᏯ ᎠᎴ ᏗᎾᏕᏲᎲᏍᎩ;
Zvino iye wakapa vamwe kuva vaapositori, nevamwe vaporofita, nevamwe vaevhangeri, nevamwe vafudzi nevadzidzisi,
12 ᏄᏂᎪᎸᎾ ᎢᎨᎬᏁᏗᏱ ᎤᎾᏓᏅᏘ, ᎠᎵᏥᏙᏗ ᎨᏒ ᏧᏂᎸᏫᏍᏓᏁᏗᏱ, ᎦᎶᏁᏛ ᎠᏰᎸ ᎤᎾᎵᏂᎪᎯᏍᏙᏗᏱ;
kuitira kukwaniswa kwevatsvene, pabasa reushumiri, pakuvakwa kwemuviri waKristu;
13 ᎬᏂ ᏂᏗᎥ ᏫᏗᏱᎶᎸᎭ ᏌᏉ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏥ ᎡᏙᎯᏳᏒᎢ ᎠᎴ ᎡᏗᎦᏔᎲᎢ — ᏗᎦᏛᎾᏯ ᎢᏗᏍᎦᏯ ᎢᎦᎵᏍᏙᏗᏱ — ᎠᎧᎵᎢ ᎠᏟᎶᎥ ᎦᎶᏁᏛ ᏂᎦᏛ ᎢᎦᎵᏍᏙᏗᏱ;
kusvikira tese tasvika paumwe hwerutendo, nehweruzivo rweMwanakomana waMwari, pamurume wakazara, pachiyero chechimiro chekuzara kwaKristu;
14 ᎾᏍᎩ ᎪᎯ ᎢᏳᏓᎴᏅᏛ ᎿᎭᏉ ᏗᏗᏲᎵ ᏂᎨᏒᎾ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ, ᎢᎩᏃᎸᏔᏂᏓᏍᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ ᏂᎦᎥᏉ ᏗᏕᏲᏗ ᎨᏒ ᎦᏃᎸᏔᏂᏙᎲᎢ, ᎤᎾᏓᎵᏓᏍᏗᏳ ᎨᏒ ᏴᏫ, ᎠᏂᏏᎾᏌᏅ ᎠᏂᎦᏘᏴ ᎤᎾᏓᎶᏄᎮᏗᏱ;
kuti tisazova vacheche, vanodzungaidzwa nemafungu kuenda nekudzoka nekupepereswa nemhepo ipi neipi yedzidziso, nekunyengera kwevanhu, pakunyengera, kumano ekutsauka;
15 ᏚᏳᎪᏛᏍᎩᏂ ᎧᏁᎢᏍᏗ ᎨᏒ ᎢᏛᏗᏍᎬ ᎠᏓᎨᏳᏗ ᎨᏒ ᏔᎵ ᎢᏛᏗᏍᎬᎢ, ᏗᎦᏛᎯᏍᏗᏱ ᎾᏍᎩ ᏂᎦᎥ ᏄᏓᎴᏒ ᎾᏍᎩ ᏗᎦᏚᏓᏕᏫᏍᏗᏱ ᎾᏍᎩ ᎠᏍᎪᎵ ᏥᎩ, ᎾᏍᎩ ᎦᎶᏁᏛ;
asi titaure chokwadi murudo, tigokura maari pazvinhu zvese, iye musoro, Kristu;
16 ᎾᏍᎩ ᎨᏒ ᏨᏗᏓᎴᎲᏍᎦ ᏂᎬ ᎠᏰᎸ ᎣᏍᏛ ᏗᏙᎵᎩ ᏥᎩ, ᎠᎴ ᏥᏚᏚᏓᏕᏫᏍᏗ ᏂᎦᎥ ᏚᎯᏢᎾᎥ ᏥᏚᎵᏍᏕᎸᏙᏗ, ᎾᏍᎩᏯ ᎠᏟᎶᎥ ᏧᎸᏫᏍᏓᏁᏗᏱ ᏧᏓᏤᎵᏛ ᏕᎨᏌᏗᏒᎢ, ᎧᏁᏉᏍᎪ ᎠᏰᎸᎢ, ᎠᏓᎵᏂᎪᎯᏍᏗᏍᎪ ᎤᏩᏒ ᎠᏓᎨᏳᏗ ᎨᏒᎢ.
kunobva kwaari muviri wese, wakabatanidzwa pamwe zvakaringana nekuumbanidzwa, kubudikidza nemudemhe-mudemhe wefundo rimwe nerimwe, zvichienderana nemashandiro muchiero chenhengo imwe neimwe achikurisa muviri pakuvakwa kwawo murudo.
17 ᎾᏍᎩᏃ ᎯᎠ ᏂᏥᏪᎭ, ᎠᎴ ᎢᏨᏁᏤᎭ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏚᏙᎥ ᎬᏗᎭ, ᎾᏍᎩ ᏂᎯ ᎪᎯ ᎢᏳᏓᎴᏅᏛ ᎢᏤᎲ ᏞᏍᏗ ᎠᏂᏐᎢ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᎠᏁᎲ ᎾᏍᎩᏯ ᏱᏄᏍᏕᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎫᎯᏳ ᎨᏒ ᏚᎾᏓᏅᏛ ᎠᏂᏍᏓᏩᏗᏒᎢ,
Naizvozvo ndinoreva ichi, nekupupura muna Ishe, kuti imwi kubva zvino musachifamba sevamwe vahedheni vanofamba mukushaya maturo kwefungwa yavo,
18 ᎤᏃᎵᏍᏗᏱ ᏧᎾᎵᏏᎲᏎᎸᎯ, ᎤᎾᏞᏛ ᎾᎿᎭᎤᏁᎳᏅᎯ ᎣᏏᏳ ᎤᏰᎸᏗ ᎨᏒ ᎠᎴᏂᏓᏍᏗᏱ, ᎾᏍᎩ ᎾᏂᎦᏔᎾᎥᎾ ᎨᏒ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ, ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬ ᏧᏂᎾᏫ ᏗᏍᏓᏱᏳ ᎨᏒᎢ.
vakasvibiridzwa mufungwa, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekusaziva kuri mukati mavo, nekuda koukukutu hwemoyo yavo;
19 ᎾᏍᎩ ᎬᏩᎾᏙᎴᎰᎯᏍᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᎢᏳᎾᎵᏍᏔᏅᎯ ᎨᏒᎢ ᏚᎾᏓᏲᏒ ᎤᎾᎵᏐᏢᎢᏍᏙᏗᏱ, ᏄᏓᎴᏒ ᎦᏓᎭ ᎨᏒ ᏧᏂᎸᏫᏍᏓᏁᏗᏱ ᏧᎬᏩᎶᏗ ᎤᏂᎬᎥᏍᎬ ᏅᏧᎵᏍᏙᏔᏅ.
ivo vakazvipa vatindivara kuunzenza, kuti vabate utsvina hwese neruchiva.
20 ᏂᎯᏍᎩᏂ ᎥᏝ ᎾᏍᎩ ᏱᏄᏍᏗ ᏰᏣᏕᎶᏆᎡᎸ ᎦᎶᏁᏛ,
Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,
21 ᎢᏳᏃ ᎰᏩ ᎡᏣᏛᎦᏁᎸᎯ ᎨᏎᏍᏗ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎢᏤᏲᏅᎯ ᎨᏎᏍᏗ, ᎾᏍᎩᏯ ᏄᏍᏛ ᏚᏳᎪᏛ ᎤᏪᎲ ᏥᏌ;
kana zvakadaro makamunzwa nekudzidziswa maari, sezvo chokwadi chiri muna Jesu;
22 ᎾᏍᎩ ᏄᏍᏛ ᎢᎬᏱᏱ ᎢᏣᎴᏂᏙᎸ ᎤᎬᏩᎵ ᎢᏴᏛ ᎢᏨᏁᏗᏱ ᎤᏪᏘ ᏴᏫ ᎾᏍᎩ ᏥᎩ, ᎾᏍᎩᏯ ᏄᏍᏛ ᎤᏓᎵᏓᏍᏗ ᎠᏚᎸᏅᏗ ᎨᏒᎢ;
kuti murase zvinoenderana nemufambiro wekutanga, munhu wekare, anoodzwa nekuchiva kwekunyengera;
23 ᎠᎴ ᎢᏤ ᎢᏤᏨᏁᏗᏱ ᏄᏍᏛ ᏕᏣᏓᏅᏛᎢ;
uye muvandudzwe mumweya wefungwa yenyu,
24 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎢᏤ ᏴᏫ ᎢᏣᏄᏬᏍᏗᏱ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏗᏟᎶᏍᏔᏅᎯ ᎪᏢᏅᎯ ᏥᎩ ᏚᏳᎪᏛ ᎢᏯᏛᏁᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎤᏙᎯᏳᏒ ᎠᏍᎦᏅᎢᏍᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏒᎢ.
uye kuti mufuke munhu mutsva, wakasikwa maererano naMwari mukururama neutsvene hwechokwadi.
25 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎢᏴᏛ ᏂᏨᏁᎲ ᎠᏥᎪᏗ ᎨᏒᎢ, ᏂᏥᎥ ᎢᏥᏏᏴᏫᎭ ᎨᏒ ᎦᏰᎪᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᎢᏨᏗᏍᎨᏍᏗ ᏕᏣᏓᏁᏤᎲ ᎾᎥ ᎢᏣᏓᎳ; ᏕᎦᏚᏓᏕᏫᏒᏰᏃ.
Naizvozvo muchiisa nhema parutivi, mutaure chokwadi umwe neumwe kune umwe wake; nokuti tiri mitezo, umwe weumwe.
26 ᎢᏥᏔᎳᏬᏍᎨᏍᏗ, ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᏱᏥᏍᎦᏅᎨᏍᏗ; ᏞᏍᏗ ᏅᏙ ᏭᏕᎵᏨᎩ ᎨᏥᏔᎳᏬᏍᎩ;
Tsamwai musingatadzi; zuva ngarirege kuvira pamusoro pekutsamwa kwenyu;
27 ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᎡᏥᎳᏅᏓᏕᎸᎩ ᎠᏍᎩᎾ.
uye musapa dhiabhorosi nzvimbo.
28 ᎤᏃᏍᎩᏛᏃ ᎨᏒ ᏞᏍᏗ ᎿᎭᏉ ᏳᏃᏍᎩᏎᏍᏗ; ᏚᎸᏫᏍᏓᏁᎮᏍᏗᏉᏍᎩᏂ ᏕᎬᏗᏍᎨᏍᏗ ᏧᏬᏰᏂ ᎣᏍᏛ ᎨᏒ ᎾᏛᏁᎮᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᎦᎬᏩᏁᏗ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᎾᏍᎩ ᎤᏂᎬᏎᎯ ᎨᏒᎢ.
Wakaba ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti abate nesimba chinhu chakanaka nemaoko, kuti ave nechaangapa anoshaiwa.
29 ᏞᏍᏗ ᎪᎱᏍᏗ ᎤᏲ ᎦᏬᏂᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᏅᏓᏳᏄᎪᏨᎩ ᏗᏥᎰᎵ, ᎣᏍᏛᏍᎩᏂ ᎨᏒ ᎤᏩᏒ ᎾᏍᎩ ᎬᏩᏓᎵᏂᎪᎯᏍᏙᏗ ᏥᎩ, ᎾᏍᎩ ᎤᏚᎸᏗ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏩᏂᏐᏗᏱ ᎬᏩᎦᏘᎠ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒ ᎤᏂᎷᏤᏗᏱ ᎠᎾᏛᎩᏍᎩ.
Shoko ripi zvaro rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi chero kana rakanakira kuvaka sezvakafanira, kuti ripe nyasha kune vanonzwa.
30 ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᎤᏲ ᏰᏣᏓᏅᏓᏗᏍᏗᏍᎨᏍᏗ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎠᏓᏅᏙ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵᎦ, ᎾᏍᎩ ᎢᏥᏰᎸᏔᏅᎯ ᏥᎩ ᎬᏂ ᎾᎯᏳ ᎢᎦ ᎡᏧᏓᎴᏍᏗ ᎨᏒ ᎠᏍᏆᎸᎲᎭ.
Uye regai kushungurudza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaiswa mucherechedzo maari kusvikira pazuva redzukunuro.
31 ᏂᎦᎥ ᎠᏓᏂᏆᏗᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎠᏔᎳᏬᎯᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎧᎾᎸᎢᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎠᏍᏓᏯ ᎦᏬᏂᎯᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎤᎿᎭᎸᎯ ᎦᏬᏂᎯᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎢᏴᏛ ᎢᎬᏁᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎢᏤᎲᎢ, ᎤᎵᏠᏯᏍᏕᏍᏗ ᏂᎦᎥ ᎤᏐᏅ ᎨᏒᎢ;
Shungu dzese, nehasha, nekutsamwa, nekupopota, nekutuka ngazvibviswe kwamuri neuipi hwese;
32 ᎠᎴ ᏗᏣᏓᎨᏳᎯᏳ ᎨᏎᏍᏗ, ᎢᏣᏓᏙᎵᏍᏗ ᏗᏥᎾᏫᏱ, ᏕᏣᏓᏁᎮᏍᏗ ᏕᏣᏓᏍᎦᏅᏤᎲᎢ, ᎾᏍᎩᏯ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏥᎨᏥᏁᎸ ᎢᏥᏍᎦᏅᏨ ᎦᎶᏁᏛ ᏥᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ.
asi ivai nemoyo munyoro umwe kune mumwe, muchinzwira tsitsi, muchikanganwirana, Mwari sezvaakakukanganwiraiwo muna Kristu.

< ᏉᎳ ᎡᏈᏌ ᎠᏁᎯ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 4 >