< ᎨᏥᏅᏏᏛ ᏄᎾᏛᏁᎵᏙᎸᎢ 6 >

1 ᎾᎯᏳᏃ ᎠᏃᎯᏳᎲᏍᎩ ᎤᏂᏣᏔᏅ, ᎠᏂᎪᎢ ᎤᏂᏬᏂᎯᏍᏗ ᎠᏂᏬᏂᏍᎩ ᎪᎱᏍᏗ ᏓᏃᏎᎮ ᎠᏂᏈᎷ, ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎨ ᏂᎨᎦᎦᏌᏯᏍᏛᎾ ᎨᏒ ᏧᎾᏤᎵ ᎠᏂᎨᏴ ᏧᏃᏑᎶᏨᎯ ᏂᏚᎩᏨᏂᏒ ᎠᏂᏯᏙᎯᎲᎢ.
Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti akanangana neVaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaiva dzisingatariswi pakushandirwa kwemusi umwe neumwe.
2 ᎿᎭᏉᏃ ᏔᎳᏚ ᎢᏯᏂᏛ ᎤᏂᏣᏘ ᎠᏃᎯᏳᎲᏍᎩ ᏫᏚᏂᏯᏅᎲ ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏎᎢ; ᎥᏝ ᏚᏳᎪᏛ ᏱᎦᎩ ᎢᏳᏃ ᏱᏙᎩᏲᏍᎦ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵ ᎧᏃᎮᏛ ᏕᎦᏍᎩᎸᏃ ᏱᏙᎩᎸᏫᏍᏓᏁᎭ.
Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande matafura.
3 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ, ᎢᏓᏓᏅᏟ, ᎢᏨᏒ ᎢᏣᏓᏡᎬ ᏗᏣᏑᏯᎩ ᎦᎵᏉᎩ ᎢᏯᏂᏛ ᎠᏂᏍᎦᏯ ᎣᏍᏛ ᎨᏥᏃᎮᏍᎩ ᎤᏂᎧᎵᏨᎯ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎠᏓᏅᏙ ᎠᎴ ᎠᏂᎦᏔᎾᎢ, ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏧᏂᎸᏫᏍᏓᏁᏗᏱ ᏗᎦᏲᏥᏁᏤᏗ.
Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurirwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri.
4 ᎠᏴᏍᎩᏂ ᏂᎦᎯᎸ ᎠᏓᏙᎵᏍᏙᏗ ᎨᏒ ᎠᎴ ᎧᏃᎮᏛ ᏙᏓᏲᎩᎸᏫᏍᏓᏁᏗ.
Asi isu tichatsungirira pamunyengetero neushumiri hweshoko.
5 ᎾᏍᎩᏃ ᏄᏂᏪᏒᎢ ᎣᏏᏳ ᎤᏂᏰᎸᏁ ᏂᎦᏛ ᎤᏂᏣᏘ ᎨᏒᎢ; ᎠᎴ ᎤᎾᏑᏰᏎ ᏍᏗᏫ, ᎠᏍᎦᏯ ᎤᎧᎵᏨᎯ ᎤᏬᎯᏳᏒ ᎠᎴ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎠᏓᏅᏙ, ᎠᎴ ᏈᎵᎩ ᎠᎴ ᏉᎪᎳ ᎠᎴ ᎾᎨᎾ ᎠᎴ ᏔᎹᏂ ᎠᎴ ᏆᎻᎾ ᎠᎴ ᏂᎩ ᎥᏘᎣᎩ ᎡᎯ ᎠᏂᏧᏏ ᏧᎵᎪᏁᎸᎯ;
Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chese; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikoraosi weAndiyokiya wakatendeukira kuVaJudha,
6 ᎾᏍᎩᏃ ᎨᏥᏅᏏᏛ ᎠᏂᏅ ᎢᎬᏱᏗᏢ ᏚᏂᎧᏁᎢ; [ ᎨᏥᏅᏏᏛᏃ ] ᎤᎾᏓᏙᎵᏍᏔᏅ ᏚᎾᏏᏔᏕᎢ.
vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo.
7 ᎧᏃᎮᏛᏃ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵ ᎧᏁᏉᎨᎢ, ᎾᏂᎥᏃ ᎠᏃᎯᏳᎲᏍᎩ ᎤᏣᏘ ᎠᏂᏁᏉᎨ ᏥᎷᏏᎵᎻ, ᎤᏂᏣᏘᏃ ᎠᏥᎸᎠᏁᎶᎯ ᎤᏃᎯᏳᏁ ᎪᎯᏳᏗ ᎨᏒᎢ.
Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi chakateerera rutendo.
8 ᏍᏗᏫᏃ ᎤᎧᎵᏨᎯ ᎤᏬᎯᏳᏒ ᎠᎴ ᎤᎵᏂᎬᎬ ᎤᏣᏖ ᎤᏍᏆᏂᎪᏗ ᎠᎴ ᎤᏰᎸᏛ ᏚᎸᏫᏍᏓᏁᎮ ᏴᏫ ᎠᏁᎲᎢ.
Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu.
9 ᎿᎭᏉᏃ ᏚᎾᎴᏁ ᎩᎶ ᎢᏳᎾᏍᏗ ᏗᎦᎳᏫᎢᏍᏗᏱ ᎠᏁᎳ ᎠᏂᎵᏆᏗᏂ ᏧᏂᎳᏫᎢᏍᏗᏱ ᏥᏚᏙᎥ, ᎠᎴ ᏌᎵᏂ ᎠᏂᎯ, ᎠᎴ ᎡᎵᏱᎩ ᎠᏁᎯ, ᎠᎴ ᏏᎵᏏᏱ ᎠᏁᎯ, ᎠᎴ ᎡᏗᏱ ᎠᏁᎯ, ᎤᎾᎵᏃᎮᏔᏁ ᏍᏗᏫ.
Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi reVakasununguka, neVaKureni, neVaAreksandiria, nereavo vaibva Kirikia neAsia, vachikakavadzana naSitefano.
10 ᎥᏝᏃ ᏰᎵ ᎬᏩᏂᎭᎷᎩᏍᏗ ᏱᎨᏎ ᎠᏏᎾᏌᏅ ᎠᎴ ᎠᏓᏅᏙ ᏕᎬᏗᏍᎬ ᎦᏬᏂᏍᎬᎢ.
Asi vakange vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo.
11 ᎿᎭᏉᏃ ᏚᏂᏅᏎ ᎠᏂᏍᎦᏯ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᎢᏯᏂᏪᏍᎩ; ᎣᏣᏛᎦᏁᎸ ᎾᏍᎩ ᎧᏁᎬᎢ ᎠᏐᏢᎢᏍᏗᏍᎬ ᎼᏏ ᎠᎴ ᎤᏁᎳᏅᎯ.
Ipapo vakamutsa varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari.
12 ᏚᏂᏖᎸᏁᏃ ᎤᏂᏣᏘ ᏴᏫ ᎠᎴ ᏗᏂᎳᏫᎩ ᎠᎴ ᏗᏃᏪᎵᏍᎩ, ᎤᏂᏃᎴᏃ ᎠᎴ ᎤᏂᏂᏴᎮ ᎠᎴ ᏕᎦᎳᏫᎥ ᎤᎾᏘᏃᎴᎢ.
Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota,
13 ᎦᏰᎪᎩᏃ ᎠᏂᏃᎮᏍᎩ ᏚᏂᎧᏁᎢ, ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᎢᏯᏂᏪᏍᎩ; ᎯᎠ ᎠᏍᎦᏯ Ꮭ ᏯᏑᎵᎪᎦ ᎧᏁᎬ ᎠᏐᏢᎢᏍᏗᏍᎬ ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎨᏒ ᎠᎴ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ.
ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura achipokana nenzvimbo iyi tsvene nemurairo,
14 ᎣᎦᏛᎦᏅᏰᏃ ᎯᎠ ᏂᎧᏪᏍᎬᎩ; ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏥᏌ ᎾᏎᎵᏗ ᏤᎲᎩ ᏛᏲᏍᏔᏂ ᎠᏂ, ᎠᎴ ᏓᎦᏁᏟᏴᏏ ᎢᏯᏛᏁᎵᏓᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᎼᏏ ᎢᎩᏁᎸᎯ.
nokuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta achaparadza nzvimbo iyi, uye achashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza.
15 ᏂᎦᏛᏃ ᏕᎦᎳᏫᎥ ᎠᏂᏂ ᎤᏯᏅᏒᎯ ᏓᏂᎧᏅ ᎤᏂᎪᎮ ᎤᎧᏛ ᏗᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎯ ᎤᎧᏛ ᎾᏍᎩᏯ ᎨᏎᎢ.
Zvino vese vakange vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa.

< ᎨᏥᏅᏏᏛ ᏄᎾᏛᏁᎵᏙᎸᎢ 6 >