< ᎨᏥᏅᏏᏛ ᏄᎾᏛᏁᎵᏙᎸᎢ 16 >

1 ᏓᏈᏃ ᎠᎴ ᎵᏍᏗ ᏭᎷᏨᎩ, ᎬᏂᏳᏉᏃ ᎾᎿᎭᎡᎲᎩ ᎩᎶ ᎢᎨᏍᏗ ᎪᎯᏳᎲᏍᎩ, ᏗᎹᏗ ᏧᏙᎢᏛ, ᎠᏧᏏ, ᎠᎨᏴ ᎪᎯᏳᎲᏍᎩ ᎤᏥ ᎨᏒᎩ, ᎤᏙᏓᏍᎩᏂ ᎠᎪᎢ ᎨᏒᎩ.
Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki;
2 ᎾᏍᎩ ᎣᏏᏳ ᎬᏩᏃᎮᏍᎩ ᎨᏒᎩ ᎠᎾᏓᏅᏟ ᎵᏍᏗ ᎠᎴ ᎢᎪᏂᏯ ᎠᏁᎯ.
waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio.
3 ᎾᏍᎩ ᏉᎳ ᎤᏚᎸᎲᎩ ᎤᏘᏅᏍᏗᏱ; ᎤᎱᏍᏕᏎᎸᎩᏃ ᏅᏓᏳᎵᏍᏙᏔᏅᎩ ᎠᏂᏧᏏ ᎾᎿᎭᏓᏁᏩᏗᏒᎢ, ᏂᎦᏛᏰᏃ ᎠᏂᎦᏔᎲᎩ ᎤᏙᏓ ᎠᎪᎢ ᎨᏒᎢ.
Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kweVaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vese vakange vachiziva baba vake, kuti muGiriki.
4 ᏕᎦᏚᏩᏗᏒᏃ ᎠᏂᎶᏍᎬᎢ, ᏓᏂᏲᎯᏎᎲᎩ ᎤᏂᏍᏆᏂᎪᏙᏗ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᏧᏄᎪᏔᏅᎯ ᎨᏥᏅᏏᏛ ᎠᎴ ᏗᎨᎦᏁᎶᏗ ᏥᎷᏏᎵᎻ ᎠᏁᎯ.
Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete.
5 ᏧᎾᏁᎶᏗᏃ ᏚᎾᏓᏡᏩᏗᏒ ᏚᎾᎵᏂᎪᏒᎩ ᎪᎯᏳᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᏂᏚᎩᏨᏂᏒ ᎠᏂᎪᏙᏍᎬᎩ.
Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva.
6 ᎤᏂᎶᏐᏅᏃ ᏈᏥᏱ ᎠᎴ ᎨᎴᏏᏱ, ᎠᎴ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎠᏓᏅᏙ ᎤᏂᏅᏍᏓᏕᎸ ᎤᎾᎵᏥᏙᏗᏱ ᎧᏃᎮᏛ ᎡᏏᏱ,
Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia,
7 ᎻᏏᏱ ᏭᏂᎷᏨ, ᎤᎾᏓᏅᏖᎸᎩ ᏈᏗᏂᏱ ᏭᏂᎶᎯᏍᏗᏱ, ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᎤᎾᏁᎳᎩ ᏱᏚᏪᎵᏎᎴ ᎠᏓᏅᏙ.
vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitiniasi; asi Mweya haana kuvatendera;
8 ᎻᏏᏱᏃ ᎤᏂᎶᏒ, ᏠᎠᏏ ᏭᏂᎷᏨᎩ.
zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi.
9 ᏉᎳᏃ ᎤᏁᎳᏫᏎᎸᎩ ᏒᏃᏱ; ᎩᎶ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᏍᎦᏯ ᎹᏏᏙᏂ ᎡᎯ ᎦᏙᎨᎢ, ᎤᏔᏲᏎᎮᎢ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎮᎢ; ᎹᏏᏙᏂ ᏫᎷᎩ, ᎠᎴ ᏫᏍᎩᏍᏕᎸ.
Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia wakange amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire.
10 ᎤᏁᎳᏫᏎᎸᏃ ᎩᎳᏉ ᎢᏴᏛ ᎣᎦᏁᎶᏔᏅᎩ ᎹᏏᏙᏂ ᏬᎩᎶᎯᏍᏗᏱ, ᎣᏣᏙᎴᎰᏍᎬᎩ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎣᎩᏯᏂᏍᎬᎢ ᎾᏍᎩ ᏦᏣᎵᏥᏙᏁᏗᏱ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ.
Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari.
11 ᎾᏍᎩᏃ ᏠᎠᏏ ᏥᏳᎯ ᎣᎦᏣᏅ ᏧᏳᎪᏗ ᏬᎩᏅᏍᏔᏅᎩ, ᏎᎹᏞᏏ ᏬᎩᏃᎸᎩ; ᎤᎩᏨᏛᏃ ᏂᎠᏆᎵᏏ ᏬᎩᏃᎸᎩ.
Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori,
12 ᎾᎿᎭᏃ ᏫᎣᎦᏣᏅ, ᏈᎵᎩᏱ ᏬᎩᏃᎸᎩ, ᎾᏍᎩ ᏄᎬᏫᏳᏒ ᎦᏚᎲ ᎾᎿᎭᎢᏗᏢ ᎹᏏᏙᏂ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎤᎾᏓᏅᏛ ᎤᏂᏚᎲ ᏥᎩ. ᎾᎿᎭᏃ ᎦᏚᎲ ᎢᎸᏍᎩ ᏧᏒᎯᏛ ᎣᎨᏙᎸᎩ.
ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri.
13 ᎤᎾᏙᏓᏆᏍᎬᏃ ᎦᏚᎲ ᎣᎩᏄᎪᏨᎩ, ᎡᏉᏄᎶᏗ ᏬᎩᎶᏒᎩ ᎠᏓᏙᎵᏍᏙᏗᏱ ᎨᏒᎢ; ᎣᎦᏅᏅᏃ ᏙᏥᏬᏁᏔᏅ ᎠᏂᎨᏴ ᎾᎿᎭᎤᎾᏓᏟᏌᏅᎯ.
Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vakange vaunganapo.
14 ᎩᎶᏃ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᎨᏴ ᎵᏗ ᏧᏙᎢᏛ, ᎩᎦᎨ ᏗᏄᏬ ᎦᏃᏗᏍᎩ, ᏓᏱᏓᎵ ᎦᏚᎲ ᎡᎯ, ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᏓᏙᎵᏍᏔᏁᎯ, ᎤᏛᏓᏍᏔᏅᎩ. ᎾᏍᎩ ᎤᎾᏫᏱ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎤᏍᏚᎢᏒᎩ, ᎤᏛᏓᏍᏙᏗᏱ ᏉᎳ ᎧᏁᎬᎢ.
Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro.
15 ᎠᎦᏬᎥᏃ ᎤᏩᏒ ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏚᏓᏘᎾᎥᎢ, ᎣᎩᏔᏲᏎᎸᎩ, ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ; ᎢᏳᏃ ᎤᏙᎯᏳᏒ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎪᎯᏳᎲᏍᎩ ᏍᎩᏰᎵᏎᎮᏍᏗ, ᏥᏁᎸ ᎢᏥᏴᎭ ᎠᎴ ᎾᎿᎭᎢᏥᏁᏍᏗ. ᎣᎩᏍᏗᏰᏗᏍᎬᏃ ᎣᎩᏎᎪᎩᏒᎩ.
Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera.
16 ᎯᎠᏃ ᏄᎵᏍᏔᏅᎩ, ᎠᏓᏙᎵᏍᏙᏗᏱ ᎣᎨᏅ, ᎩᎶ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᏛ, ᎠᏓᏅᏙ ᎠᏙᏂᏍᎩ ᎤᏯᎢ, ᏙᎦᏠᏒᎩ, ᎾᏍᎩ ᎤᏣᏛ ᏧᎬᏩᎶᏗ ᏓᏩᏛᎡᎲᎩ ᎬᏩᎾᏝᎢ ᎠᏙᏂᏍᎬ ᎬᏗᏍᎩ.
Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka.
17 ᎾᏍᎩ ᎣᎩᏍᏓᏩᏗᏒ ᏉᎳ ᎠᎴ ᎠᏴ, ᎤᏪᎷᏅᎩ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ; ᎯᎠ ᎠᏂᏍᎦᏯ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏩᏍᏛ ᎦᎸᎳᏗᏳ ᎡᎯ ᏧᏅᏏᏓᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᎬᏂᎨᏒ ᏥᏂᎨᎬᏁᎭ ᏅᏃᎯ ᎠᎵᏍᏕᎸᏙᏗ ᎨᏒᎢ.
Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.
18 ᎠᎴ ᎤᏣᏛ ᏄᏒᎸᎩ ᎾᏍᎩ ᎾᏛᏁᎲᎩ; ᎠᏎᏃ ᏉᎳ ᎤᏕᏯᏔᏁᎸ ᎤᎦᏔᎲᏒᎩ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ ᎾᏍᎩ ᎠᏓᏅᏙ; ᎬᏁᏥ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᏕᎤᏙᎥ ᎬᏗᎭ, ᎾᏍᎩ ᎪᎱᎪᏤᏗᏱ. ᎾᎯᏳᏉᏃ ᎤᏄᎪᏨᎩ.
Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo.
19 ᎬᏩᎾᏝᎢᏃ ᎤᎾᏙᎴᎰᏒ ᎤᏚᎩ ᎤᏅᏒ ᏧᎬᏩᎶᏗ ᎤᏂᏩᏛᏗᏱ ᎤᏲᏨᎢ, ᏗᏂᏂᏴᎲᎩ ᏉᎳ ᎠᎴ ᏌᏱᎳ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎦᏃᏙᏗᏱ ᏫᏚᎾᏘᏃᎮᎸᎩ ᏗᎨᎦᏁᎶᏗ.
Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru,
20 ᎠᎴ ᏗᏄᎪᏗᏍᎩ ᏫᏚᎾᏘᏃᎮᎸᎩ, ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏒᎩ; ᎯᎠ ᎠᏂᏍᎦᏯ ᎠᎠᏧᏏ ᎤᏣᏔᏅᎯ ᎠᎾᏕᏯᏙᏗᎭ ᎢᎩᏚᎲᎢ,
vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari VaJudha,
21 ᎠᎴ ᎬᏂᎨᏒ ᎾᏅᏁᎭ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᏰᎵ ᏗᎨᎩᏂᏴᏗ ᎠᎴ ᏗᎨᎩᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᏂᎨᏒᎾ, ᎢᏗᎶᎻ ᎨᏒ ᎢᏳᏍᏗ.
uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu VaRoma.
22 ᎤᏂᏣᏘᏃ ᎨᏒ ᏕᎬᏩᏂᎦᏘᎸᏒᎩ; ᏗᏄᎪᏗᏍᎩᏃ ᏚᏂᏄᏪᏒ ᎤᏂᏁᏨᎩ ᏗᎨᏥᎵᎥᏂᏍᏗᏱ.
Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo.
23 ᎤᏣᏘᏃ ᏂᏚᏅᏂᎸ, ᏗᏓᏍᏚᏗᏱ ᏚᏂᏴᏔᏅᎩ, ᎤᏂᏁᏤᎸᎩ ᎾᏍᎩ ᎠᏥᎦᏘᏗᏍᏗ ᎣᏍᏛ ᏧᎦᏘᏗᏍᏗᏱ.
Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo;
24 ᎾᏍᎩᏃ ᎾᏥᏪᏎᎸ ᎠᏥᏁᏤᎸ, ᏫᏚᏴᏔᏅᎩ ᏗᏓᏍᏚᏗᏱ ᎪᏢᏒ ᎦᎵᏦᏕ ᎭᏫᏂ, ᎠᎴ ᎠᏍᏓᏯ ᏚᏅᏎᏙᏅ ᎠᏙᎯ.
iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda.
25 ᏒᏃᏱᏃ ᎠᏰᎵ ᏉᎳ ᎠᎴ ᏌᏱᎳ ᎤᎾᏓᏙᎵᏍᏔᏁᎢ, ᎠᎴ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏚᏂᏃᎩᏍᏔᏁᎢ; ᏗᎨᏥᏍᏚᎯᏃ ᎾᏍᎩ ᎤᎾᏛᎦᏁᎢ.
Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa;
26 ᎤᏰᎶᎢᏍᏔᏁᏃ ᎦᏙᎯ ᎤᎵᏖᎸᏁᎢ; ᎠᎴ ᏗᏓᏍᏚᏘᏱ ᏚᎵᏍᏓᏱᏗᏍᏛ ᏚᎵᏖᎸᏁᎢ, ᎩᎳᏉᏃ ᎢᏴᏛ ᏂᎦᏛ ᏓᏍᏚᎲ ᏚᎵᏍᏚᎢᏎᎢ, ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᏚᎾᏓᎸᏍᏛ ᏚᏢᏒᎮᎢ.
zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yese ikazarurwa, nezvisungo zvevese zvikasunungurwa.
27 ᏗᏓᏍᏚᏗᏱᏃ ᎠᎦᏘᏯ, ᎤᏰᏨ ᎠᎴ ᎤᏙᎴᎰᏒ ᎦᎶᎯᏍᏗᏱ ᏗᏓᏍᏚᏗᏱ ᏧᎵᏍᏚᎢᏛ ᎨᏒᎢ, ᎤᎸᎮ ᎠᏰᎳᏍᏗ ᎦᏅᎯᏛ, ᎠᎴ ᎤᏩᏒ ᏗᏓᎵᏎᎢ, ᏗᎨᏥᏍᏚᎯ ᎤᎾᎵᏒ ᎡᎵᏍᎨᎢ.
Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.
28 ᎠᏎᏃ ᏉᎳ ᎠᏍᏓᏯ ᎤᎵᏍᏔᏁᎢ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ; ᏞᏍᏗ ᏨᏒ ᎪᎱᏍᏗ ᎤᏲ ᎢᏣᏓᏛᏁᎸᎩ, ᎠᏂᏰᏃ ᏂᎦᏛ ᎣᏥᏯᎠ.
Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tese.
29 ᎠᏨᏍᏙᏗᏃ ᎤᏔᏲᎸ ᎤᎵᏍᏗ ᏭᏴᎴᎢ, ᎠᎴ ᏭᎷᏤ ᎤᏪᎾᏫᏍᎨᎢ, ᎤᏓᏅᏂᎴ ᎢᎬᏱᏢ ᏉᎳ ᎠᎴ ᏌᏱᎳ ᏚᏃᎸᎢ.
Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi,
30 ᏚᏄᎪᏫᏒᏃ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ; ᎢᏍᏗᏍᎦᏯ, ᎦᏙ ᏓᎦᏛᏁᎵ ᎥᎩᏍᏕᎸᏗᏱ?
zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
31 ᎯᎠᏃ ᏄᏂᏪᏎᎢ; ᎯᏲᎢᏳᎲᎦ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ, ᏓᏰᏣᏍᏕᎸᎯᏃ, ᏂᎯ ᎠᎴ ᏕᏣᏓᏘᎾᎥᎢ.
Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako.
32 ᎤᎬᏫᏳᎯᏃ ᎤᏤᎵ ᎧᏃᎮᏛ ᎤᏂᏃᎮᎮᎴ ᎾᏍᎩ, ᎠᎴ ᏂᎦᏛ ᎾᏍᎩ ᎦᏁᎸᎢ ᎠᏂᏯᎢ.
Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vese vaiva mumba make.
33 ᎾᎯᏳᏉᏃ ᏒᏃᏱ ᏚᏯᏅᎮᎢ, ᎠᎴ ᏚᏬᏑᎴᎴ ᏕᎨᏥᎵᎥᏂᎸᎢ; ᎠᎴ ᎩᎳᏉ ᎢᏴᏛ ᎠᎦᏬᎡ ᎤᏩᏒ ᎠᎴ ᏂᎦᏛ ᏧᏤᎵᎦ.
Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vese.
34 ᎦᏁᎸᏃ ᏚᏴᏔᏂᎸ ᏚᏪᎳᏍᏔᏁᎢ, ᎠᎴ ᎪᎯᏳᎲᏍᎬ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᎵᎮᎵᏤᎢ, ᎠᎴ ᎾᏍᏉ ᏂᎦᏛ ᎦᏁᎸᎢ.
Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yese achitenda kuna Mwari.
35 ᏑᎾᎴᏃ ᏄᎵᏍᏔᏅ ᏗᏄᎪᏗᏍᎩ ᏚᏂᏅᏎ ᏗᎾᏓᏂᏱᏍᎩ, ᎯᎠ ᏫᏄᏂᏪᏍᏗᏱ; ᏘᎧᎲᎦ Ꮎ ᎠᏂᏍᎦᏯ.
Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo.
36 ᏗᏓᏍᏚᏗᏱᏃ ᎠᎦᏘᏯ ᎾᏍᎩ ᏅᏧᏂᏪᏒ ᎤᏃᏁᎴ ᏉᎳ; ᏗᏄᎪᏗᏍᎩ ᏛᎾᏓᏅᎵ ᏗᏍᏛᏯᎪᏗᏱ; Ꭷ, ᏍᏗᏄᎪᎢ ᎠᎴ ᏅᏩᏙᎯᏩᏛ ᎢᏍᏕᎾ.
Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare.
37 ᎠᏎᏃ ᏉᎳ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎴᎢ, ᎬᏂᎨᏒ ᏕᎪᎩᏂᎵᎥᏂᎸ ᏧᏚᎪᏔᏅᎯ ᏂᎨᏒᎾ ᎣᎩᏂᏍᎦᏅᏨᎢ, ᎣᏍᏗᎶᎻ, ᎠᎴ ᏗᏓᏍᏚᏗᏱ ᏕᎪᎩᏂᏴᏔᏅ, ᏥᎪᏃ ᎿᎭᏉ ᎤᏕᎵᏛ ᎢᎪᎩᏂᏄᎪᏫᏍᎦ? ᎤᏙᎯᏳᎯ ᎥᏝ, ᎤᏅᏒᏍᎩᏂ ᏩᏂᎷᎩ ᏫᎪᎩᏂᏄᎪᏩ.
Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu VaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise.
38 ᏗᎾᏓᏂᏱᏍᎩᏃ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏒ ᏚᏂᏃᏁᎴ ᏗᏄᎪᏗᏍᎩ. ᎤᏂᏍᎦᎴᏃ ᎤᎾᏛᎦᏅ ᎠᏂᎶᎻ ᎨᏒᎢ.
Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti VaRoma,
39 ᎤᏂᎷᏤᏃ ᎠᎴ ᏚᏂᏍᏗᏰᏔᏁᎢ; ᏚᏂᏄᎪᏫᏒᏃ ᏚᏂᏔᏲᏎᎴ ᎾᎿᎭᎦᏚᎲ ᎤᎾᏓᏅᏍᏗᏱ.
ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta.
40 ᎤᏂᏄᎪᏨᏃ ᏗᏓᏍᏚᏗᏱ ᎵᏗ ᎦᏁᎸ ᏭᏂᏴᎸᎩ; ᏚᏂᎪᎲᏃ ᎠᎾᏓᏅᏟ, ᏚᏂᎦᎵᏍᏓᏛᎩ, ᎠᎴ ᎤᎾᏂᎩᏒᎩ.
Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda.

< ᎨᏥᏅᏏᏛ ᏄᎾᏛᏁᎵᏙᎸᎢ 16 >