< ᏉᎳ ᏧᏬᏪᎳᏅᎯ ᏔᎵᏁ ᏗᎹᏗ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 4 >

1 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎬᏁᏤᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᎦᏔᎲᎢ ᎠᎴ ᎠᎦᏔᎲ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ, ᎾᏍᎩ ᏧᏭᎪᏓᏁᏗ ᏥᎩ ᏗᏅᏃᏛ ᎠᎴ ᏧᏂᏲᎱᏒᎯ ᎾᎯᏳ ᎦᎾᏄᎪᏥᎸᎭ ᎠᎴ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎿᎭᏉ ᏂᎦᎵᏍᏔᏅᎭ,
Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake:
2 ᎭᎵᏥᏙᎲᏍᎨᏍᏗ ᎧᏃᎮᏛ, ᏣᎵᏁᏅᏕᏍᏗᏉ ᏰᎵ ᎨᏎᏍᏗ ᎠᎴ ᏰᎵ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏎᏍᏗ, ᏕᎯᎬᏍᎪᎸᎥᏍᎨᏍᏗ, ᏕᎯᏍᎦᎨᏍᏗ, ᏕᎯᏍᏗᏰᏗᏍᎨᏍᏗ ᎲᏗᏍᎨᏍᏗ ᎤᏣᏘ ᎬᏂᏛ ᎨᏒ ᎠᎴ ᏗᏕᏲᏗ ᎨᏒᎢ.
Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wese nedzidziso.
3 ᏛᏍᏆᎸᎯᏰᏃ ᎿᎭᏉ ᎾᎯᏳ ᎥᏝ ᏳᎾᏚᎵᏍᎨᏍᏗ ᎤᎾᏛᏓᏍᏙᏗᏱ ᎣᏍᏛ ᏗᏕᏲᏗ ᎨᏒᎢ; ᏚᏂᏲᏕᏍᎬᏍᎩᏂ ᏗᏂᎴᏂ ᎠᏅᏗᏍᎨᏍᏗ ᎤᏅᏒᏉ ᎤᎾᏚᎸᏅᏗ ᎨᏒ ᏓᏂᏍᏓᏩᏗᏒ ᏓᏂᏟᏏᏍᎨᏍᏗ ᏗᎾᏕᏲᎲᏍᎩ;
Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve;
4 ᏗᏂᎴᏂᏃ ᏓᏂᎦᏔᎲᏍᎨᏍᏗ ᎠᎾᏛᎩᏍᎬ ᏚᏳᎪᏛᎢ, ᎠᏎᏉᏃ ᎦᏬᏂᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᎢᏗᏢ ᏩᎾᎦᏔᎲᏍᏗᏍᎨᏍᏗ.
uye vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeukira kungano.
5 ᏂᎯᏍᎩᏂ ᎮᏯᏔᎯᏳ ᎨᏎᏍᏗ ᏂᎦᎥ ᏂᏣᏛᎿᎭᏕᎬᎢ, ᎲᏂᏗᏳ ᎨᏎᏍᏗ ᎯᎩᎵᏲᎬᎢ, ᏕᏣᎸᏫᏍᏓᏁᎮᏍᏗ ᎠᎵᏥᏙᏂᏙᎯ ᏧᎸᏫᏍᏓᏁᏗ ᎨᏒᎢ; ᏰᎵᎦᏯ ᎯᏍᏆᏗᏍᎨᏍᏗ ᏗᏣᎸᏫᏍᏓᏁᏗ ᎨᏒᎢ.
Asi iwe svinura pazvinhu zvese, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako.
6 ᎿᎭᏉᏰᏃ ᎦᏓᎵᏍᎪᎸᏗᎭ, ᎠᎴ ᎾᎯᏳ ᎠᏇᏅᏍᏗ ᎨᏒ ᎤᏍᏆᎸᎯᏗ.
Nokuti ini ndatodururwa sechipo chinodururwa, nenguva yekubva kwangu yasvika.
7 ᎠᏆᎵᎸ ᎣᏍᏛ ᎠᎵᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎩᏍᏆᏛ ᎦᏙᎩᏯᏍᎬᎢ, ᎠᎩᏍᏆᏂᎪᏔᏅ ᎪᎯᏳᏗ ᎨᏒᎢ,
Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange, ndachengeta rutendo;
8 ᎿᎭᏉᏃ ᏨᏆᏓᏁᎳᏁᎸ ᎠᎵᏍᏚᎶ ᏚᏳᎪᏛ ᎢᏳᎾᏛᏁᎸᎯ ᎨᎦᎫᏴᏓᏁᏗ, ᎾᏍᎩ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎾᏍᎦᏅᎾ ᏗᎫᎪᏗᏍᎩ ᎠᏗᏅᏁᏗ ᎾᎯᏳ ᎢᎦ, ᎥᏝ ᎠᎴ ᎠᏴᏉ ᎠᏋᏒ, ᎾᏍᏉᏍᎩᏂ ᎾᏂᎥ ᎤᎾᏄᎪᎢᏍᏗ ᎨᏒ ᎣᏏᏳ ᎣᏂᏰᎸᎯ.
kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama nezuva iroro; kwetewo kwandiri ndega, asi nekune vese vanoda kuonekwa kwake.
9 ᎭᏟᏂᎬᏁᎸᎭ ᏂᎪᎯᎸᎾᏉ ᏣᎷᎯᏍᏗᏱ ᎠᏂ ᎨᏙᎲᎢ.
Shingairira kukurumidza kuuya kwandiri.
10 ᏗᎹᏰᏃ ᎠᏋᏕᏨ, ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᎤᏟ ᎤᏰᎸᏅ ᎪᎯ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᏕᏏᎶᏂᎦ ᏭᎶᏒ; ᏞᏏᏂ ᎨᎴᏏᏱ ᏭᎶᏒ, ᏓᏓᏏ ᏕᎵᎺᏏᏱ ᏭᎶᏒ; (aiōn g165)
Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDharimatia. (aiōn g165)
11 ᎷᎦ ᎤᏩᏒ ᎣᏍᏕᏙᎭ; ᎹᎦ ᏘᏯᏗᏁᏒᎭ, ᎬᎩᏍᏕᎸᎯᏓᏍᏗᏰᏃ ᏓᎩᎸᏫᏍᏓᏁᎲᎢ.
Ruka ega aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira.
12 ᏗᏥᎦᏍᎩᏂ ᎡᏈᏌ ᏥᏅᏒ
Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso.
13 ᎦᏌᎴᎾ ᏠᏯ ᏨᏛᎩᏂᏴᎩ ᎦᏆ ᎦᏁᎸᎢ ᏖᏒ ᏘᏁᏒᎭ, ᎠᎴ ᎪᏪᎵ ᏙᏘᏁᏒᎭ ᎾᏍᎩ Ꮀ ᎤᎬᏫᏳᏎᏍᏗ ᎦᏁᎦ ᏗᎪᏪᎶᏗ.
Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe.
14 ᎡᎵᎩ ᎥᏣᏱ ᎪᏢᏅᎥᏍᎩ ᎤᎶᏘ ᏃᏒᎾ ᎾᏋᏁᎸᎩ. ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎤᎫᏴᎡᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎾᏍᎩᏯ ᏕᎤᎸᏫᏍᏓᏁᎸᎢ.
Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake;
15 ᎾᏍᏉ ᏂᎯ ᎾᏍᎩ ᎯᏰᏯᏙᏤᎮᏍᏗ, ᎤᎵᏂᎩᏗᏳᏰᏃ ᎤᏡᏔᏅ ᎣᏥᏬᏂᏍᎬᎢ.
iwewo umuchenjerere, nokuti wakapikisa zvikurusa mashoko edu.
16 ᎢᎬᏱᏱ ᎠᎩᏬᏂᏒ ᎦᎵᏍᏕᎵᏍᎬ ᎥᏝ ᎩᎶ ᎾᎥ ᏱᎦᏙᎨᎢ, ᎾᏂᎥᏉᏍᎩᏂ ᎬᏆᏕᏨᎩ; ᏞᏍᏗ ᎤᏂᏍᎦᏅᏨ ᏱᏚᏚᎪᏔᏁᏍᏗ;
Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vese vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari.
17 ᎤᎬᏫᏳᎯᏍᎩᏂᏃᏅ ᎾᎥ ᎦᏙᎬᎩ ᎠᎴ ᎠᏆᎵᏂᎪᎯᏍᏔᏅᎩ; ᎾᏍᎩ ᎠᏴ ᎨᏒ ᎠᎩᏍᏆᏗᏍᏗᏱ ᎠᏰᎸᏒᎩ ᎠᎵᏥᏙᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᎤᎾᏛᎯᏗᏱ; ᎠᎴ ᎥᎩᎴᏒᎩ ᏢᏓᏥ ᎠᎰᎵ ᏥᎳᎥᎢ.
Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vese vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
18 ᎠᎴ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎠᏎ ᏛᏇᏓᎴᏏ ᏂᎦᎥ ᎤᏲ ᏗᎦᎸᏫᏍᏓᏁᏗ ᎨᏒᎢ; ᎠᎴ ᏛᎩᏍᏆᏂᎪᏔᏂ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏗᎨᏒ ᏫᎦᎷᎩ. ᎾᏍᎩ ᎦᎸᏉᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᏂᎪᎯᎸ ᎠᎴ ᏂᎪᎯᎸᎢ, ᎡᎺᏅ. (aiōn g165)
Uye Ishe achandirwira pabasa rese rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
19 ᎩᏲᎵᎸᎭ ᏈᏍᎦ ᎠᎴ ᎡᏈᎳ, ᎠᎴ ᎣᏁᏏᏉᎳ ᏚᏓᏘᎾᎥᎢ.
Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
20 ᎢᎳᏍᏓ ᎪᎴᏂᏗ ᏓᏳᏗᎩᏴᎩ, ᏠᏆᎹᏍᎩᏂ ᎹᎵᏓ ᏓᏥᏯᎧᎯᏴᎩ ᎤᏢᎩ.
Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
21 ᎭᏟᏂᎬᏁᎸᎭ ᎠᏂ ᏣᎷᎯᏍᏗᏱ ᎠᏏᏉ ᎪᎳ ᏂᎨᏒᎾ. ᏳᏇᎳ ᏫᏣᏲᎵᎦ, ᎠᎴ ᎾᏍᏉ ᏇᏗᏂ, ᎠᎴ ᎳᎾᏏ, ᎠᎴ ᏠᏗᏯ, ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᎠᎾᎵᏅᏟ.
Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzese.
22 ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᏓᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎮᏍᏗ ᏩᏓᏅᏙ. ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒ ᏕᏣᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎮᏍᏗ. ᎡᎺᏅ.
Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.

< ᏉᎳ ᏧᏬᏪᎳᏅᎯ ᏔᎵᏁ ᏗᎹᏗ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 4 >