< ᏉᎳ ᏕᏏᎶᏂᎦ ᎠᏁᎯ ᏔᎵᏁ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 3 >

1 ᎤᎵᏍᏆᎸᏗᏃ ᎨᏒᎢ, ᎢᏓᎵᏅᏟ, ᎢᏣᏓᏙᎵᏍᏗᏍᎨᏍᏗ ᎠᏴ ᏍᎩᏯᏅᏓᏗᏍᎨᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᎧᏃᎮᏛ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎤᏤᎵᎦ ᎤᏰᎵᎯᏍᏗᏱ, ᎠᎴ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ, ᎾᏍᎩᏯ ᏥᏄᏍᏗ ᏂᎯ ᎢᏤᎲᎢ;
Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri.
2 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏦᏣᏚᏓᎳᎡᏗᏱ ᎤᏂᏲ ᎠᎴ ᎠᏂᏍᎦᎾ ᎠᏂᏍᎦᏯ; ᎥᏝᏰᏃ ᎾᏂᎥ ᎪᎯᏳᏗ ᎨᏒ ᏳᏁᎭ.
Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva kune akaipa, nokuti havasi vose vanotenda.
3 ᎤᎬᏫᏳᎯᏍᎩᏂ ᏄᏓᎵᏓᏍᏛᎾ, ᎾᏍᎩ ᏨᏓᏣᎵᏂᎪᎯᏍᏔᏂ, ᎠᎴ ᏨᎵᏥᏲᏍᏙᏓᏁᎵ ᎤᏲ ᎢᏣᏛᏁᏗᏱ.
Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kune akaipa.
4 ᎠᎴ ᎣᏣᎵᏍᎦᏍᏙᏗ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏂᎯ ᎨᏒ ᎤᎬᏩᎵ, ᎾᏍᎩ ᏂᏣᏛᏁᎲᎢ, ᎠᎴ ᎠᏎ ᎾᏍᎩ ᎢᏣᏛᏁᏗ ᎨᏒ ᏄᏍᏛ ᎢᏨᏁᏤᎲᎢ.
Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai.
5 ᎠᎴ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏧᏎᎮᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᏗᏥᎾᏫ ᎡᏥᎨᏳᎢ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᎤᏁᎳᏅᎯ, ᎠᎴ ᏗᏨᏂᏗᏳ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᎦᎶᏁᏛ ᎾᏍᎩᏯᎢ.
Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu.
6 ᎿᎭᏉᏃ ᎢᏨᏁᏤᎭ, ᎢᏓᎵᏅᏟ, ᎣᏨᏗᎭ ᏚᏙᎥ ᎢᎦᏤᎵ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ, ᎾᏍᎩ ᏗᏣᏓᏓᎴᏓᏁᏗᏱ ᎾᏂᎥ ᎠᎾᎵᏅᏟ ᎤᏣᏘᏂ ᎢᏯᎾᏛᏁᎵᏙᎯ, ᎠᎴ ᏂᏓᏂᎧᎿᎭᏩᏕᎬᎾ ᏗᏕᏲᏗ ᎨᏒ ᎠᏴ ᏗᎪᎦᏓᏂᎸᏤᎸᎯ,
Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri.
7 ᎢᏳᏒᏰᏃ ᎢᏥᎦᏔᎭ ᎢᏣᏛᏁᏗᏱ ᏍᎩᏍᏓᏩᏛᏍᏗᏱ; ᎥᏝᏰᏃ ᎤᏣᏘᏂ ᏱᏃᏣᏛᏁᎵᏙᎮ ᎢᏨᏰᎳᏗᏙᎲᎢ;
Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi,
8 ᎥᏝ ᎠᎴ ᎩᎶ ᎠᏎᏉ ᏲᏣᎵᏍᏓᏴᎾᏁᎮᎢ; ᏙᎩᎸᏫᏍᏓᏁᎲᎩᏍᎩᏂ ᎠᎴ ᏙᎩᏯᏪᏥᏙᎲᎩ ᎬᏩᎩᏨᏗ, ᏃᎦᏚᎵᏍᎬᎾ ᎨᏒ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᏴ ᎠᏏᏴᏫ ᏂᏣᏛᏅ ᎦᎨᏛ ᎢᏲᏨᏴᏁᏗᏱ;
uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri.
9 ᎥᏝ ᏃᎩᎲᎾ ᎨᏒ [ ᏅᏩᏓᎴ ᎢᏲᎦᏛᏁᏗᏱ ] ᏱᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎨᎢ, ᏗᏣᏟᎶᏍᏙᏗᏍᎩᏂ ᏃᏣᏓᏛᏁᎲ ᎠᏴ ᏍᎩᏍᏓᏩᏛᏍᏗᏱ ᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬᎩ.
Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere.
10 ᎾᎯᏳᏰᏃ ᏥᏨᏰᎳᏗᏙᎲᎩ, ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᏄᏍᏛᎩ ᎢᏨᏁᏤᎸᎩ, ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏃ ᎩᎶ ᏄᏚᎵᏍᎬᎾ ᏱᎩ, ᏧᎸᏫᏍᏓᏁᏗᏱ ᎾᏍᏉ ᎤᎵᏍᏓᏴᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏒᎢ.
Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.”
11 ᎣᏣᏛᎩᎭᏰᏃ ᎾᏍᎩ ᎩᎶ ᎨᏣᏓᏑᏴ ᎤᏣᏘᏂ ᎾᎾᏛᏁᎵᏙᎲᎢ, ᎪᎱᏍᏗ ᎾᎾᏛᏁᎲᎾ, ᎠᏎᏃ ᎠᎾᏛᏁᎵᏙᎯ ᎢᎩ.
Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe.
12 ᎾᏍᎩᏃ ᎢᏳᎾᏍᏗ ᎨᏒᎢ, ᏙᏥᏁᏤᎭ ᎠᎴ ᏙᏥᏍᏗᏰᏗᎭ ᏙᏥᏁᎢᏍᏓᏁᎭ ᎢᎦᏤᎵ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ, ᎾᏍᎩ ᏙᎯᏉ ᏧᏂᎸᏫᏍᏓᏁᏗᏱ, ᎠᎴ ᎤᏅᏒ ᎤᎾᏤᎵ ᎠᎵᏍᏓᏴᏗ ᎤᎾᎵᏍᏓᏴᏙᏗᏱ.
Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira.
13 ᏂᎯᏍᎩᏂ, ᎢᏓᎵᏅᏟ, ᏞᏍᏗ ᏱᏗᏥᏯᏪᎨᏍᏗ ᎣᏍᏛ ᏕᏥᎸᏫᏍᏓᏁᎲᎢ.
Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka.
14 ᎢᏳᏃ ᎩᎶ ᏂᎪᎯᏳᎲᏍᎬᎾ ᎢᎨᏎᏍᏗ ᎣᏥᏬᏂᏍᎬ ᎠᏂ ᎣᏦᏪᎵᏍᎬᎢ, ᎬᏂᎨᏒ ᏁᏨᏁᎸᎭ ᎾᏍᎩ, ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᎢᏧᎳᎭ ᎢᏤᏙᎸᎩ, ᎾᏍᎩ ᎬᏩᏕᎰᎯᏍᏗ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ.
Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare.
15 ᎠᏗᎾ ᏞᏍᏗ ᎡᏥᏍᎦᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏰᏣᏓᏅᏖᏍᎨᏍᏗ, ᎡᏥᎬᏍᎪᎸᎥᏍᎨᏍᏗᏍᎩᏂ ᎢᏣᏓᏅᏟ ᎾᏍᎩᏯᎢ.
Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama.
16 ᎤᎬᏫᏳᎯᏃ ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᎤᏪᎯ ᎤᏩᏒ ᎠᏎ ᎢᏥᏁᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᏂᎪᎯᎸᎢ. ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏂᏥᎥ ᏕᏥᎧᎿᎭᏗᏙᎮᏍᏗ.
Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose.
17 ᎠᏴ ᏉᎳ ᎠᏆᏓᏲᎵᏍᏗ ᎨᏒ ᎠᏋᏒ ᎠᏉᏰᏂ ᎠᏋᏔᏅᎯ ᎠᏉᏪᎳᏅᎯ, ᎾᏍᎩ ᏗᎪᎵᏍᏙᏗ ᏥᎩ ᏂᎦᏛ ᎪᏪᎵ; ᎾᏍᎩᏯ ᏂᎬᏁᎰ ᎪᏪᎵᏍᎪᎢ.
Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu, chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzangu dzose.
18 ᎬᏩᎦᏘᏯ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒ ᎢᎦᏤᎵ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᏕᏥᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎮᏍᏗ ᏂᏥᎥᎢ. ᎡᎺᏅ.
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.

< ᏉᎳ ᏕᏏᎶᏂᎦ ᎠᏁᎯ ᏔᎵᏁ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 3 >