< ᎪᎵᏂᏗᏱ ᎠᏁᎯ ᏔᎵᏁ ᎨᎪᏪᎳᏁᎸᎯ 5 >

1 ᎣᏥᎦᏔᎭᏰᏃ ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏃ ᎡᎶᎯ ᎡᎯ ᎣᏥᏁᎸ ᎣᎩᎵᏦᏛ ᏳᏲᏨ, ᎣᎩᎭ ᎠᏓᏁᎸ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏅᏓᏳᏓᎴᏅᎯ, ᎠᏓᏁᎸ ᏧᏬᏱ ᏗᎬᏔᏅᎯ ᏂᎨᏒᎾ ᎠᏁᏍᎨᎲᎯ, ᎠᏲᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᎦᎸᎶᎢ ᏗᏓᏁᎸ. (aiōnios g166)
Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga. (aiōnios g166)
2 ᎠᏂᏰᏃ ᎣᏥᏯᎥ ᎣᎩᎵᏰᏗᎭ, ᎤᏣᏘ ᎣᎦᏚᎵᎭ ᎣᎦᏄᏬᏍᏙᏗᏱ ᎣᏥᏁᎸ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎦᎸᎶ ᏅᏓᏳᏓᎴᏅᎯ;
Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga,
3 ᎢᏳᏃ ᎰᏩ ᏱᏙᎦᏄᏩᎥ, ᎥᏝ ᏦᎩᏰᎸᎭ ᏱᎦᎨᏎᏍᏗ.
nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama.
4 ᎠᏴᏰᏃ ᎯᎠ ᎠᏂ ᎦᎵᏦᏛ ᏦᏥᏯᎠ ᎣᎩᎵᏰᏗᎭ, ᏂᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᎦᎨᏛ ᏃᎦᏛᎿᎭᏕᎬᎢ; ᎥᏝ ᏦᎩᏄᏪᏍᏗᏱ ᎣᎦᏚᎵᏍᎬ ᏱᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ; ᏦᎩᏄᏬᏍᏗᏱᏍᎩᏂ; ᎾᏍᎩ ᎠᏲᎱᏍᎩ ᎨᏒ ᎠᏥᎩᏍᏗᏱ ᎬᏂᏛ ᎤᎩᏐᎲᏍᏗᏱ.
Nokuti kana tiri mutende ino, tinogomera uye tichiremerwa, nokuti hatishuvi kugara tisina kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, kuti icho chinofa chimedzwe noupenyu.
5 ᎾᏍᎩᏃ Ꮎ ᎢᎪᏢᏅᎯ ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᎤᎬᏩᎵ ᎨᏒ ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ, ᎾᏍᎩ ᎾᏍᏉ ᏦᎩᏁᎸ ᎠᏓᏅᏙ ᎠᎦᏗᏗᏍᏙᏗ ᎨᏒᎢ.
Zvino Mwari ndiye akatigadzirira chinhu ichi, uye akatipawo Mweya sorubatso, achisimbisa zvinouya.
6 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏂᎪᎯᎸ ᎤᎦᎵᏍᏗ ᎣᎦᏓᏅᏔᏩᏕᎪᎢ, ᎠᎴ ᎣᏥᎦᏔᎭ ᎾᏍᎩ ᏂᎪᎯᎸ ᎣᏥᏁᎸ ᎠᏂ ᏦᏥᏰᎸᎢ, ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎡᎲ ᎣᎩᎪᏁᎸᎢ;
Naizvozvo tinotsunga mwoyo nguva dzose uye tinoziva kuti kana tichigara mumuviri, tiri kure naIshe.
7 ᎪᎯᏳᏗᏰᏃ ᎨᏒ ᎣᏨᏗᎭ ᎣᏤᏙᎲᎢ, ᎥᏝᏃ ᎠᎪᏩᏛᏗ ᎨᏒᎢ.
Tinorarama nokutenda, kwete nokuona.
8 ᎠᎴ ᎤᎦᎵᏍᏗ ᎣᎦᏓᏅᏔᏩᏕᎪᎢ, ᎠᎴ ᎤᏟ ᎦᏲᎩᏰᎸᏗ ᎠᏰᎸ ᎣᎩᎪᏁᎶᎢᏍᏗᏱ, ᎠᎴ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎡᎲ ᏬᎦᏁᎳᏗᏍᏗᏱ.
Ndinoti tinotsunga mwoyo, kuti, zviri nani kubva mumuviri ndive kumusha naShe.
9 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎣᏣᎵᏂᎬᏁᎭ, ᎾᏍᏉ ᎾᎿᎭᏱᏬᏥᏁᎳ, ᎠᎴ ᏲᎩᎪᏁᎳ, ᏦᎦᏓᏂᎸᎢᏍᏗᏱ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ.
Saka chinangwa chedu ndechokuti timufadze, kunyange tiri mumuviri kana kunyange tisingagarimo.
10 ᎠᏴᏰᏃ ᏂᏗᎥ ᎢᎬᏱᏗᏢ ᏫᎩᎾᏄᎪᎢᏍᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎦᎶᏁᏛ ᏧᏭᎪᏙᏗᏱ ᎦᏍᎩᎸᎢ; ᎾᏍᎩ ᏂᏗᎥ ᎢᏗᏏᏴᏫᎭ ᎡᎩᏁᏗᏱ ᏄᏍᏛ ᏕᎩᎸᏫᏍᏓᏁᎸ ᏗᏗᏰᎸ ᎬᏗ, ᎾᏍᎩᏯ ᏂᎦᏛᏁᎵᏙᎸᎢ, ᎣᏏᏳ ᏱᎾᎩ, ᎠᎴ ᎤᏲ ᏱᎾᎩ.
Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.
11 ᎾᏍᎩᏃ ᏦᏥᎦᏔᎭ ᎦᎾᏰᎢᏍᏗ ᎨᏒ ᎤᎬᏫᏳᎯ, ᏙᏥᏍᏗᏰᏗ ᏴᏫ; ᎠᎴ ᎬᏂᎨᏒ ᏃᏣᎵᏍᏗᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᎦᏔᎲᎢ; ᎠᎴ ᎤᏚᎩ ᎠᏋᎭ ᎬᏂᎨᏒ ᎢᏯᏆᎵᏍᏙᏗᏱ ᎾᏍᏉ ᏂᎯ ᏕᏣᏓᏅᏛᎢ.
Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu.
12 ᎥᏝᏰᏃ ᏂᎯ ᏍᎩᎸᏉᏗᏳ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᏲᏥᏂᎳᏗᎭ; ᎢᏨᏁᎭᏍᎩᏂ ᏍᎩᎸᏉᏙᏗᏱ, ᎾᏍᎩ ᎪᎱᏍᏗ ᏳᏂᎭ ᏧᎾᏬᎯᎵᏴᏍᏓᏁᏗ, ᎢᏨᏰᎵᏎᎭ, ᎾᏍᎩ ᎦᏚᏉ ᎡᎯ ᎠᎾᏢᏉᏙᏗᏍᎩ ᏥᎩ, ᏙᏧᎾᏓᏅᏛᏃ ᎠᎾᏢᏉᏙᏗᏍᎩ ᏂᎨᏒᎾ.
Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo.
13 ᎢᏳᏰᏃ ᏱᏙᎩᎸᏃᏗᎭ, ᎤᏁᎳᏅᎯᏉ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ; ᎢᏳ ᎠᎴ ᏙᎯ ᏱᏙᎦᏓᏅᏔ, ᏂᎯᏉ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ.
Kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu.
14 ᎦᎶᏁᏛᏰᏃ ᎤᏓᎨᏳᏗ ᎨᏒ ᏙᎦᏘᏁᎦ; ᎯᎠᏰᏃ ᏄᏍᏗ ᏙᏧᎪᏗᎭ, ᎾᏍᎩ, ᎢᏳᏃ ᎠᏏᏴᏫ ᎾᏂᎥ ᏱᏚᏲᎱᎯᏎᎸ, ᎿᎭᏉ ᎾᏍᎩ ᎾᏂᎥ ᏚᏂᏲᎱᏒᎩ;
Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa.
15 ᎾᏍᎩᏃ ᎾᏂᎥ ᏚᏲᎱᎯᏎᎴᎢ, ᎾᏍᎩ Ꮎ ᏗᏅᏃᏛ ᏥᎩ ᎪᎯ ᎨᏒ ᎢᏳᏓᎴᏅᏛ ᎤᏅᏒᏉ ᎤᎾᏤᎵ ᎤᎬᏩᎵ ᎤᎾᎴᏂᏓᏍᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ, ᎾᏍᎩᏍᎩᏂ Ꮎ ᎤᏤᎵ ᎤᎬᏩᎵ ᏧᏲᎱᎯᏎᎸᎯ ᎠᎴ ᏧᎴᎯᏌᏅᎯ ᏥᎩ.
Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa.
16 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏏᏗ ᎪᎯ ᎨᏒ ᎢᏳᏓᎴᏅᏛ ᎥᏝ ᎩᎶ ᏲᏥᎦᏔᎭ ᎾᏍᎩᏯ ᎤᏇᏓᎵ ᎠᎦᏔᎲᎢ. ᎠᎴ ᎾᏍᏉ ᎢᏳ ᎦᎶᏁᏛ ᎣᏥᎦᏙᎥᏒᎯ ᏱᎩ ᎤᏇᏓᎵ ᎠᎦᏔᎲ ᎾᏍᎩᏯᎢ, ᎠᏎᏃ ᎪᎯ ᎨᏒ ᎢᏳᏓᎴᏅᏛ ᎥᏝ ᎿᎭᏉ ᏲᏥᎦᏔᎭ.
Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuziva saizvozvo.
17 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏏᏗ, ᎢᏳᏃ ᎩᎶ ᎦᎶᏁᏛᏱ ᎠᏯᎡᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᎢᏤ ᎾᎬᏁᎸ; ᏧᏓᎴᏅᏛ ᎤᏪᏘ ᎨᏒ ᎤᎶᏐᏅ; ᎬᏂᏳᏉ, ᏂᎦᏗᏳ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᎢᏤ ᏄᎵᏍᏔᏅ.
Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!
18 ᎠᎴ ᏂᎦᏗᏳ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ, ᎾᏍᎩ ᏙᎯ ᏥᏄᏩᏁᎸ ᎡᏗᏍᎦᎩ ᎨᏒ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᎠᎬᏗᏍᎬᎢ, ᎠᎴ ᎠᏴ ᎣᎦᏒᎦᎶᏔᏅ ᏙᎯ ᎢᎬᏁᎯ ᏗᎦᎸᏫᏍᏓᏁᏗ;
Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa:
19 ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏙᎯ ᏂᎬᏁᎲᎩ ᎡᎶᎯ ᎬᏩᏍᎦᎩ ᎨᏒ ᎦᎶᏁᏛ ᎬᏗᏍᎬᎩ, ᎤᏂᏍᎦᏅᏨ ᎤᏂᏍᎦᏅᏨᎯ ᏂᏓᏰᎸᎾᏁᎲᎾ; ᎠᎴ ᎠᏴ ᎣᎦᏒᎶᏔᏅ ᎧᏃᎮᏛ ᏙᎯ ᎢᎬᏁᎯ.
ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.
20 ᎾᏍᎩᏃ ᎠᏴ ᎣᎩᏅᏏᏛ ᎦᎶᏁᏛ ᎣᏣᏓᏁᏟᏴᏍᏔᏁᎸᎯ; ᎾᏍᎩᏯᏉ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏥᏥᏍᏗᏰᏗᏍᎪ ᎠᏴ ᏦᎬᏗᏍᎪᎢ, ᎦᎶᏁᏛ ᎣᏣᏓᏁᏟᏴᏍᏓᏁᎭ, ᎢᏨᏔᏲᏎᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏙᎯ ᎢᏨᏁᏗᏱ.
Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.
21 ᎾᏍᎩᏰᏃ ᎠᏍᎦᏂ ᎾᎦᏔᎲᎾ ᏥᎨᏎᎢ, ᎾᏍᎩ ᎠᏍᎦᎾ ᎤᏰᎸᏅ ᎠᏴ ᎨᏒ ᏅᏧᎵᏍᏙᏔᏅ, ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏩᏂᏐᏗᏱ ᎠᏴ ᏂᏗᏍᎦᏅᎾ ᎢᎩᏰᎸᏗᏱ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏕᎦᎧᏂᏍᎬᎢ.
Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.

< ᎪᎵᏂᏗᏱ ᎠᏁᎯ ᏔᎵᏁ ᎨᎪᏪᎳᏁᎸᎯ 5 >