< ᎪᎵᏂᏗᏱ ᎠᏁᎯ ᏔᎵᏁ ᎨᎪᏪᎳᏁᎸᎯ 2 >

1 ᎠᏎᏃ ᎯᎠ ᏄᏍᏛᎩ ᎠᏋᏒ ᎨᏒ ᏓᏊᎪᏔᏅᎩ, ᎾᏍᎩ ᏔᎵᏁ ᏫᏨᎷᏤᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ ᎤᏲ ᎬᏆᏓᏅᏘ.
Saka ndakati mumwoyo mangu handingaitizve rumwe rwendo kwamuri runokutambudzai.
2 ᎢᏳᏰᏃ ᎤᏲ ᏱᏨᏯᏓᏅᏓᏗᏍᏔᏅ, ᎦᎪ ᎣᏍᏛ ᏯᏆᏓᏅᏓᏗᏍᏓ, ᎾᏍᎩᏉ Ꮎ ᎤᏩᏒ ᎤᏲ ᏥᏯᏓᏅᏓᏗᏍᏔᏅᎯ?
Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achasara kuti andifadze kunze kwenyu imi vandinochemedza?
3 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏥᏄᏍᏛ ᏥᏫᏨᏲᏪᎳᏁᎸᎩ, ᏞᏍᏗᏉ ᎾᎿᎭᏫᏥᎷᏨᎭ, ᎤᏲ ᏱᎬᏆᏓᏅᏓᏗᏍᏔᏁᏍᏗ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎤᎵᎮᎵᏍᏗ ᎬᏆᏓᏅᏓᏗᏍᏙᏗ ᏥᎩ, ᎠᏇᎵᏒᎩ; ᏂᏥᎥᏉ ᎢᏨᏲᎢᏳᎭ ᎾᏍᎩ ᏄᏍᏛ ᎠᏆᎵᎮᎵᏍᏗᏍᎬ ᎾᏍᏉ ᎾᏍᎩ ᏂᎯ ᏂᏥᎥ ᎢᏣᎵᎮᎵᏍᏗᏍᎬᎢ.
Ndakanyora nenzira iyi kuitira kuti kana ndasvika ndirege kutsamwiswa navaya vaifanira kundifadza. Ndakanga ndine tariro mamuri mose, kuti muchagoverana neni mumufaro wangu.
4 ᎤᏣᏘᏰᏃ ᎠᎩᎵᏯ ᎨᏒ, ᎠᎴ ᎡᎯᏍᏗ ᎠᏆᏓᏅᏔᏩᏕᎬ ᏫᏨᏲᏪᎳᏁᎸᎩ ᎤᏣᏘ ᏗᎦᏥᎦᏌᏬᎢᎯ ᎨᏒᎢ; ᎥᏝ ᎠᏗᎾ ᎤᏲ ᎤᎾᏓᏅᏓᏗᏍᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᏯᏇᎵᏎᎢ, ᎢᏥᎦᏙᎥᎯᏍᏗᏱᏉᏍᎩᏂ ᎾᏍᎩ ᎤᏣᏔᏅᎯ ᎢᏨᎨᏳᎢᏳ ᎨᏒᎢ.
Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri.
5 ᎢᏳᏍᎩᏂᏃᏅ ᎩᎶ ᎡᎯᏍᏗ ᏧᏓᏅᏓᏗᏍᏔᏅᎯ ᎨᏎᏍᏗ, ᎥᏝ ᎠᏴᏉ ᎡᎯᏍᏗ ᏯᏆᏓᏅᏓᏗᏍᏔᏅ; ᏂᎯᏍᎩᏂ ᏂᏥᎥ ᏰᎵ ᎡᎯᏍᏗ ᎢᏣᏓᏅᏓᏗᏍᏔᏅ; ᎾᏍᎩ ᏥᎶᏒᏍᏓᏁᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ ᏥᎳᏫᏎᎲᎢ.
Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda.
6 ᎠᎵᏉ ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ [ ᎠᏍᎦᏯ ] ᏅᏍᏛᏛᎢ ᎾᏍᎩ ᎤᏂᏣᏘ ᏥᎬᏩᏍᏛᏗᏍᏔᏅ.
Kurangwa kwaakaitwa navanhu vazhinji kwakamuringana.
7 ᎾᏍᎩᏃ ᎪᎯ ᎨᏒ ᏰᏥᏙᎵᏨᏉ, ᎠᎴ ᏰᏥᎦᎵᏍᏓᏛ, ᏱᏅᏎᎦᎩ ᎾᏍᎩ ᎤᏣᏘ ᎤᏲ ᎤᏰᎸᏒ ᏳᏃᏴᏘᏍᏓ.
Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya.
8 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎢᏨᏔᏲᏎᎭ ᎡᏥᏍᏓᏱᏕᏗᏱ ᎡᏥᎨᏳᎢᏳ ᎨᏒᎢ.
Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari.
9 ᎾᏍᎩᏰᏃ ᎯᎠ Ꮀ ᎤᎬᏩᎸᎩ ᏥᏫᏨᏲᏪᎳᏁᎸᎩ, ᎾᏍᎩ ᎢᏨᎪᎵᏰᏍᎬᎩ, ᎾᏍᎩ ᏂᎦᎥ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᏂᏨᏪᏎᎲ ᏂᏣᏛᏁᎲ ᎠᎴ ᏂᏣᏛᏁᎲᎾ ᎨᏒᎢ.
Chikonzero chakaita kuti ndikunyorerei chaiva chokuti ndione kana makanga muchigona kumira nokuteerera muzvinhu zvose.
10 ᎩᎶ ᏰᏥᎥᎡᎸ ᎪᎱᏍᏗ ᎤᏍᎦᏅᏨ, ᎠᏴ ᎾᏍᏉ ᏥᎥᎡᎭ; ᎢᏳᏰᏃ ᎠᏴ ᎪᎱᏍᏗ ᎠᏍᎦᏅᏨᎢ ᏱᏥᎥᏍᎦ, ᎾᏍᎩ ᏥᎥᎡᎸᎯ ᏂᎯ ᎨᏒ ᏅᏓᏳᎵᏍᏙᏔᏅᎩ ᏥᎥᎡᎸᎩ ᎦᎶᏁᏛ ᎠᎦᏔᎲᎢ;
Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu,
11 ᎾᏍᎩ ᎠᏍᎩᎾ ᎢᎩᎶᏄᎮᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ; ᎥᏝᏰᏃ ᏱᎩᎪᏁᎸ ᎾᏍᎩ ᎠᏓᏅᏖᎵᏙᎲᎢ.
kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.
12 ᎠᎴᏬ ᏠᎠᏏ ᏗᎩᎷᏨ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᏤᎵ ᎠᏆᎵᏥᏙᏂᎸ, ᎠᎴ ᎦᎶᎯᏍᏗᏱ ᎠᎩᏍᏚᎩᎡᎸ ᎤᎬᏫᏳᎯ,
Zvino pandakaenda kuTroasi kundoparidza vhangeri raKristu uye ndikaona kuti Ishe akanga andizarurira musuo,
13 ᎥᏝ ᏙᎯ ᎬᏆᏓᏅᏓᏗᏍᏗ ᏱᎨᏎ ᏗᏆᏓᏅᏛᎢ, ᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬᎩ ᏓᏓᏏ ᎥᎩᏅᏟ ᏂᏥᏩᏛᎲᎾ ᎨᏒᎢ; ᎥᎦᏥᏴᏕᏨᎩᏃ ᎾᎿᎭᎠᏆᏂᎩᏒᎩ ᎹᏏᏙᏂ ᏩᎩᎷᏨᎩ.
ndakanga ndisina rugare mumwoyo mangu, nokuti handina kuwanako Tito hama yangu. Saka ndakaonekana navo ndikaenda kuMasedhonia.
14 ᎾᏍᎩᏃ ᎠᎵᎮᎵᏤᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎾᏍᎩ ᏂᎪᎯᎸ ᎢᎦᎵᎮᎵᏍᏗᏱ ᏥᏂᎬᏁᎭ ᎢᎦᏓᎵᏁᎯᏛ ᎤᎬᏩᎵ ᎦᎶᏁᏛ ᎡᏓᎵᏍᎦᏍᏙᏛᎢ, ᎠᎴ ᎬᏂᎨᏒ ᏥᏂᎬᏁᎭ ᎦᏩᏒᎬ ᎤᏩᏒ ᎠᏥᎦᏙᎥᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᎠᏴ ᎢᎬᏗᏍᎬ ᏂᎦᎥ ᏕᎨᏌᏗᏒᎢ.
Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose kunhuhwirira kworuzivo rwake.
15 ᎠᏴᏰᏃ ᎤᎦᎾᏍᏛ ᎦᏩᏒᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏩᏒᎢᏍᏗ ᏃᏣᎵᏍᏗᎭ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᏤᎵᎦ, ᎾᏍᎩ ᎨᏥᏍᏕᎸᏗ ᏥᎩ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏧᏂᏲᎱᎯᏍᏗ ᏥᎩ.
Nokuti isu tiri kunhuhwirira kwaKristu kuna Mwari pakati peavo vari kuponeswa nevari kuparara.
16 ᎾᏍᎩ ᏑᎾᏓᎴᎩ ᎨᏒ ᎠᏓᎯᎯ ᎦᏩᏒᎩ ᎾᏍᎩ ᎤᏂᎯᎯ ᏂᏙᏣᎵᏍᏓᏁᎭ; ᎠᏂᏐᎢᏃ ᎠᏓᏛᏂᏗᏍᎩ ᎦᏩᏒᎩ ᎾᏍᎩ ᎤᏅᏂᏗᏍᎩ ᏂᏙᏣᎵᏍᏓᏁᎭ. ᎦᎪᏃ ᏰᎵ ᎦᏰᎦᎨᏅᏗᏍᏗ ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᏗᎦᎸᏫᏍᏓᏁᏗ ᎨᏒᎢ.
Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri kunhuhwirira kwoupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai?
17 ᎥᏣᏰᏃ ᏧᏂᏣᏔᏉ ᏥᏄᎾᏍᏗ ᏱᏃᎦᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᎠᏂᏲᏍᏗᏍᎩ ᎧᏃᎮᏛ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵᎦ; ᏃᎦᏠᎾᏍᏛᎾᏍᎩᏂ ᎨᏒ ᏦᏨᏗᏍᎪᎢ, ᎤᏁᎳᏅᎯᏍᎩᏂ ᏥᏂᎬᏂᏏᏍᎪ ᎾᏍᎩᏯᎢ, ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᎦᏔᎲ ᎣᏥᏁᎢᏍᏗ ᎦᎶᏁᏛ.
Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari.

< ᎪᎵᏂᏗᏱ ᎠᏁᎯ ᏔᎵᏁ ᎨᎪᏪᎳᏁᎸᎯ 2 >