< ᏣᏂ ᎢᎬᏱᏱ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 1 >

1 ᎾᏍᎩ ᏗᏓᎴᏂᏍᎬ ᏤᎮᎢ, ᎠᏴ ᎣᎦᏛᎦᏅᎯ, ᏦᏥᎦᏙᎵ ᏦᎬᏔᏅᎯ ᎣᎩᎪᎲᎯ, ᎾᏍᎩ ᏦᎦᎧᎿᎭᏅᎯ, ᎠᎴ ᏦᎪᏰᏂ ᏦᎬᏔᏅᎯ ᎣᎦᏒᏂᎵᏙᎸᎯ, ᎧᏃᎮᏛ ᎬᏂᏛ —
Icho chakange chiripo kubva pakutanga, icho chatakanzwa, icho chatakaona nemeso edu, icho chatakatarira, uye maoko edu akachibata, cheShoko reupenyu,
2 ᎬᏂᏛᏰᏃ ᎬᏂᎨᏒ ᏄᎵᏍᏔᏅᎩ, ᎠᎴ ᎣᎩᎪᎲᎩ, ᎠᎴ ᎣᏥᏃᎮᎭ, ᎠᎴ ᎢᏨᎾᏄᏫᏎᎭ ᎾᏍᎩ ᎠᎵᏍᏆᏗᏍᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᎬᏂᏛ, ᎾᏍᎩ ᎠᎦᏴᎵᎨᎢ ᎡᎲ ᏤᎮᎢ, ᎠᎴ ᎬᏂᎨᏒ ᎢᏲᎬᏁᎸᎯ ᏥᎩ — (aiōnios g166)
(uye upenyu hwakaratidzwa, tikahuonawo, uye tinopupura nekukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakange huna Baba, hukaratidzwawo kwatiri); (aiōnios g166)
3 ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎣᎩᎪᎲᎯ ᎠᎴ ᎣᎦᏛᎦᏅᎯ ᎨᏒ ᎢᏨᎾᏄᏫᏎᎭ, ᎾᏍᏉ ᏂᎯ ᎢᏣᏖᎳᏗᏍᏗᏱ ᎣᎦᏚᏓᏕᏫᏒᎢ; ᎠᎴ ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎣᎦᏚᏓᏕᏫᏒ ᎠᎦᏴᎵᎨᎢ ᎠᎴ ᎤᏪᏥ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ.
icho chatakaona nekunzwa, tinokuparidzirai, kuti nemwi mudyidzane nesu; uyewo kudyidzana kwedu kuripo naBaba, uye neMwanakomana wavo Jesu Kristu;
4 ᎯᎠ ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎢᏨᏲᏪᎳᏁᎭ ᎢᏣᎵᎮᎵᎬ ᎤᎧᎵᎢᏍᏗᏱ.
uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
5 ᎯᎠᏃ ᎾᏍᎩ ᎧᏃᎮᏛ ᎣᏣᏛᎦᏁᎸᎯ ᏥᎩ ᎠᎴ ᏥᏨᎾᏄᏫᏎᎭ ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎢᎦᎦᏘ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎤᏍᏗ ᎤᏅᎤᎵᏏᎩ ᏄᏪᎲᎾ ᎨᏒᎢ.
Zvino iri ishoko ratakanzwa kwaari uye ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose.
6 ᎢᏳᏃ ᎾᏍᎩ ᏙᎦᏚᏓᏔ ᏱᏓᏗᎭ, ᎤᎵᏏᎬᏃ ᏱᏕᏙᎭ, ᏱᏓᏥᎪᎥᏍᎦᏉ ᎠᎴ ᎥᏝ ᏱᎨᏗᏍᏓᏩᏕᎦ ᎤᏙᎯᏳᎯ ᎨᏒᎢ.
Kana tichiti tine kudyidzana naye, asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi;
7 ᎢᎦᎦᏛᏍᎩᏂ ᏱᏕᏙᎭ, ᎾᏍᎩᏯ ᎾᏍᎩ ᎢᎦᎦᏛᎢ ᏤᎭ, ᏕᎦᏚᏓᏕᏫᏒ ᎢᎬᏒ ᎨᏒᎢ; ᎠᎴ ᎤᏪᏥ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᎩᎬ ᎢᎩᏅᎦᎵᎭ ᏂᎦᎥ ᎢᎩᏍᎦᏅᏨᎢ.
asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe, neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chese.
8 ᎢᏳᏃ ᎥᏝ ᎠᏍᎦᏂ ᏲᎨᎭ ᏱᏓᏗᎭ, ᎢᎬᏒ ᏱᏓᏓᎵᏓᏍᏗᎭ, ᎠᎴ ᎥᏝ ᏱᎨᎨᎭ ᎤᏙᎯᏳᎯ ᎨᏒᎢ.
Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri.
9 ᎢᏳᏃ ᏱᏗᏃᎲᏍᎦ ᎢᎩᏍᎦᏅᏨᎢ, ᏄᏓᎵᏓᏍᏛᎾ ᎠᎴ ᎤᏓᏅᏘᏳ, ᎾᏍᎩ ᎢᎩᏁᏗᏱ ᎢᎩᏍᎦᏅᏨᎢ, ᎠᎴ ᎢᎩᏅᎦᎸᏗᏱ ᏂᎦᎥ ᎤᏲ ᏗᎦᎸᏫᏍᏓᏗ ᎨᏒᎢ.
Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikanganwire zvivi, nekutinatsa pakusarurama kwese.
10 ᎢᏳᏃ ᎥᏝ ᏲᎩᏍᎦᏅᏨ ᏱᏓᏗᎭ, ᎡᏗᏰᎪᎥᏍᎦᏉ, ᎠᎴ ᎧᏃᎮᏛ ᎤᏤᎵᎦ ᎥᏝ ᏱᎨᎨᎭ.
Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri.

< ᏣᏂ ᎢᎬᏱᏱ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 1 >