< ᎪᎵᏂᏗᏱ ᎠᏁᎯ ᎢᎬᏱᏱ ᎨᎪᏪᎳᏁᎸᎯ 8 >

1 ᎾᏃ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᎾᏁᎳᏅᎯ ᏗᏰᎸᎯ ᏗᎵᏍᎪᎸᏓᏁᎸᎯ ᎤᎬᏩᎵ, ᎢᏗᎦᏔᎭ ᎾᏍᎩ ᏂᏗᎥ ᎠᎦᏙᎥᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᎢᎨᎲᎢ. ᎠᎦᏙᎥᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᎠᏢᏆᏍᎪᎢ, ᎠᏓᎨᏳᏗᏍᎩᏂ ᎨᏒ ᎠᏓᏍᏕᎵᏍᎪᎢ.
Zvino maererano nezvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti tese tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunovaka.
2 ᎢᏳ ᎠᎴ ᎩᎶ ᏳᏬᎯᏳᎭ ᎪᎱᏍᏗ ᎠᎦᏔᎲᎢ, ᎥᏝ ᎪᎱᏍᏗ ᎠᎦᏙᎥᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᎠᏏ ᎤᎦᏙᎥᏒᎯ ᏱᎩ.
Uye kana ani nani achifunga kuti anoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva;
3 ᎢᏳᏍᎩᏂ ᎩᎶ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏳᎨᏳᎭ, [ ᎤᏁᎳᏅᎯ ] ᎾᏍᎩ ᎤᎦᏔᎰᎢ.
asi kana ani achida Mwari, ndiye anozikanwa naye.
4 ᎾᏃ ᎠᎩᏍᏗᏱ ᎤᎬᏩᎵ ᎪᎱᏍᏗ ᎠᏥᎸ ᎨᎳᏍᏗᏱ ᏗᎵᏍᎪᎸᏓᏁᎸᎯ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏗᏰᎸᎯ, ᎢᏗᎦᏔᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᏰᎸᎯ ᎪᎱᏍᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏒ ᎠᏂ ᎡᎶᎯ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏅᏩᏓᎴ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏁᎲᎾ ᎨᏒ, ᏌᏉ ᎤᏩᏒ.
Naizvozvo maererano nekudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachisi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe.
5 ᎤᏂᏣᏔᏍᎩᏂᏃᏅ ᎠᏁᎭ ᎤᎾᏁᎳᏅᎯ ᎨᎪᏎᎯ ᎦᎸᎶᎢ ᎠᎴ ᎡᎶᎯ, ( ᏧᏂᎶᏔᏉ ᎤᎾᏁᎳᏅᎯ, ᎠᎴ ᏧᏂᏣᏔᏉ ᎤᏂᎬᏫᏳᎯ, )
Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga, kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji),
6 ᎠᏴᏍᎩᏂ ᎢᏙᎯᏳᎲᏍᎬ ᏌᏉᎯᏳ ᎡᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ, ᎾᏍᎩ ᎠᎦᏴᎵᎨᎢ, ᎾᏍᎩ ᎾᎿᎭᏂᎦᏗᏳ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᏨᏗᏓᎴᎲᏍᎦ, ᎠᎴ ᎠᏴ ᎾᏍᎩ ᎡᏓᏤᎵᎦ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᏥᏕᎭ; ᎠᎴ ᏌᏉᎯᏳ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ, ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ ᏂᎦᏗᏳ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᏤᎭ, ᎠᎴ ᎠᏴ ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ ᏥᏕᎭ.
asi kwatiri kuna Mwari umwe, Baba, zvinhu zvese zvinouya naye, nesu tiri maari; naIshe umwe, Jesu Kristu, zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, nesu tiripo naye.
7 ᎥᏝᏍᎩᏂᏃᏅ ᎾᏂᎥ ᎾᏍᎩ ᎠᎦᏙᎥᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᏳᏁᎭ; ᎩᎶᏰᏃ ᏙᏧᎾᏓᏅᏛ ᎤᏂᎸᏉᏗᏳ ᎨᏒ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᏰᎸᎯ ᎪᎯ ᎨᏒ ᎢᏯᏍᏗ ᎠᎾᎵᏍᏓᏴᏗᏍᎪ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᏰᎸᎯ ᎠᎵᏍᎪᎸᏓᏁᎸᎯ ᏣᏂᎩᏍᎪ ᎾᏍᎩᏯᎢ; ᏚᎾᏓᏅᏛᏃ ᏗᏩᎾᎦᎳᎯᏳ ᎨᏒ ᏗᎦᏓᎭ ᏂᏙᎦᎵᏍᏗᏍᎪᎢ.
Asi ruzivo harwuko kwavari vese; nokuti vamwe vane hana yechifananidzo kusvikira ikozvino, vanodya sezvakabairwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa.
8 ᎠᎵ ᏍᏓᏴᏗᏍᎩᏂ ᎥᏝ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎣᏏᏳ ᎢᎩᏰᎸᏗᏱ ᏱᏂᎬᏁᎭ; ᎥᏝᏰᏃ ᏱᏓᎵᏍᏓᏴᎲᏍᎦ ᎤᏟ ᎣᏏᏳ ᏱᏂᎬᏁᎰᎢ, ᎥᏝ ᎠᎴ ᏂᏓᎵᏍᏓᏴᏍᎬᎾ ᏱᎩ, ᎡᏍᎦ ᏱᏂᎬᏁᎰᎢ.
Zvino kudya hakutiswededzi kuna Mwari; kwete nokuti kana tichidya, tinowanzirwa; uye kwete kuti kana tisingadyi, tinoshaiwa.
9 ᎠᏎᏃ ᎢᏤᏯᏔᎮᏍᏗ ᏞᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᎢᎨᏣᏛᏁᏗ ᎢᏥᎲ ᏗᏂᏩᎾᎦᎳ ᏧᏃᏕᏍᏗᏍᎩ ᏱᏄᎵᏍᏔᏁᏍᏗ.
Zvino chenjerai, zvimwe kodzero yenyu iyi ive chigumbuso kune avo vasina simba.
10 ᎢᏳᏰᏃ ᎩᎶ ᎢᏳᏍᏗ ᏱᏣᎪᎲ ᏂᎯ ᎠᎦᏙᎥᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᏤᎯ ᏱᏅᎦ ᏯᎵᏍᏓᏴᎲᏍᎦ ᎠᏓᏁᎸ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᏰᎸᎯ ᎤᏤᎵᎦ; ᏝᏍᎪ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎤᏓᏅᏛ, ᎠᏩᎾᎦᎳ ᎨᏒ, ᏂᎦᎾᏰᏍᎬᎾ ᏱᏅᎦᎵᏍᏓ ᎤᎵᏍᏓᏴᏙᏗᏱ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᎾᏍᎩ ᏗᎵᏍᎪᎸᏓᏁᎸᎯ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏗᏰᎸᎯ;
Nokuti kana umwe achikuona iwe ane ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yeasina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabairwa zvifananidzo here?
11 ᎾᏍᎩᏃ ᎠᎦᏙᎥᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᏣᏤᎵᎦ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ ᎠᏩᎾᎦᎳ ᏗᏍᏓᏓᏅᏟ ᏴᎬᏲᎱᎯ, ᎾᏍᎩ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᏲᎱᎯᏎᎸᎯ?
Uye neruzivo rwako hama isina simba ichaparara here, Kristu yaakafira?
12 ᎠᏎᏃ ᎾᏍᎩ ᏂᏣᏛᎦ ᏕᏥᏍᎦᏅᏥ ᎢᏣᎵᏅᏟ, ᎠᎴ ᎤᏲ ᏂᏕᏨᎦ ᏗᏩᎾᎦᎳ ᏚᎾᏓᏅᏛᎢ, ᎦᎶᏁᏛ ᎡᏥᏍᎦᏅᏤᎰᎢ.
Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu.
13 ᎾᏍᎩᏃ ᏥᏄᏍᏗ, ᎢᏳᏃ ᎠᎵᏍᏓᏴᏗ ᏦᏍᏓᏓᏅᏟ ᏱᏚᏬᏕᏍᏗᎭ, ᎥᏝ ᏴᎦᏥᎦ ᎭᏫᏯ ᎡᎶᎯ ᎢᎪᎯᏛ ᎨᏒᎢ, ᏦᏍᏓᏓᏅᏟᏰᏃ ᏱᏙᏥᏲᏕᏍᏓ. (aiōn g165)
Naizvozvo kana kudya kuchigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu. (aiōn g165)

< ᎪᎵᏂᏗᏱ ᎠᏁᎯ ᎢᎬᏱᏱ ᎨᎪᏪᎳᏁᎸᎯ 8 >