< Y Checho Y Apostoles Sija 25 >

1 AYONAE jumalom si Festo gui provinsia, ya anae malofan tres na jaane cumajulo desde Sesarea asta Jerusalem.
Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokusvika kwake munyika iyo, Fesitasi akakwira kubva kuKesaria akaenda kuJerusarema,
2 Ya y magas mamale yan y magas y Judios manatungo güe contra si Pablo, ya matayuyut,
vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamira pamberi pake vakapira mhosva yaPauro kwaari.
3 Magagagao finaborese contra si Pablo, na unajanao para Jerusalem; ya mananangga gui chalan para umapuno.
Vakakumbira zvikuru kuna Fesitasi, sechinhu chinofadza kwavari, kuti Pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti vakanga vachigadzirira kumuvandira kuti vagomuuraya munzira imomo.
4 Lao manope si Festo, na si Pablo umanasagaja Sesarea, ya güiyaja ujanao enseguidas.
Fesitasi akapindura akati, “Pauro akachengetwa paKesaria, uye ini pachangu ndichaendako nokukurumidza.
5 Ya ilegña: Ayo y mansiña guiya jamyo, ujadalalagyo papa, ya ujafaaela este na taotao, yaguin guaja taelaye guiya güiya.
Vamwe vavakuru venyu ngavaende neni vagondokwirira munhu uyu ikoko, kana akaita chinhu chipi zvacho chakaipa.”
6 Ya anae sumaga güije mas di dies na jaane, mapos papa Sesarea; ya y inagpaña matachong gui tribunal, ya manago na umaconie as Pablo.
Akati apedza mazuva masere kana gumi navo, akaburuka akaenda kuKesaria, uye zuva rakatevera akaunganidza vedare akarayira kuti Pauro auyiswe pamberi pake.
7 Ya anae mato, y Judios ni y manmato guinin Jerusalem, manojgue gui oriyaña, ya megae finaaelañija contra si Pablo, ya ti siña manamagajet nu sija.
Pauro akati asvika, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamira vakamukomberedza, vachimupomera mhosva dzakaipisisa, dzavakanga vasingakwanisi kusimbisa.
8 Ya manope si Pablo pot güiyaja, ilegña: Ni contra y lay y Judios, ni contra y templo, ni contra si Sesat, ti juisagüe.
Ipapo Pauro akazvidavirira achiti, “Ini handina kuita chinhu chakaipa pamusoro pomurayiro wavaJudha kana temberi kana Kesari.”
9 Lao malago si Festo na unafanmagof y Judios; jaope si Pablo ilegña: Malago jao jumanao julo Jersalem, ya unmajusga pot este sija gui menajo?
Fesitasi achida kufadza vaJudha, akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusarema kuti undomira pamberi pangu uchitongwa neni ikoko pamusoro pemhosva dzaunopomerwa idzi?”
10 Ya ilegña si Pablo: Gaegueyo gui tribunal Sesat anae debe di jumajusga: para y Judios, taya taelaye na finatinaso; ungostungoja.
Pauro akapindura akati, “Iye zvino ndimire pamberi pedare raKesari, munova ndimo mandinofanira kutongwa. Handina kuita chinhu chakaipa kuvaJudha, sezvamunonyatsoziva imi pachenyu.
11 Sa yaguin taelaye na finatinaso, pat guinin jufatinas jafa na jumerese y finatae, ti jureusayo na jumatae: lao yaguin taya jafa pot este y finaaelañija; taya ni un taotao uentregayo guiya sija. Jugagao jinisgajo gui as Sesat.
Kunyange zvakadaro hazvo, kana ndine mhosva yokuita chinhu chipi zvacho chinokodzera rufu, handingarambi kufa. Asi kana mhosva dzandinopomerwa navaJudha dzisina chokwadi, hakuna munhu ane mvumo yokundiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari!”
12 Ya anae munjayan manguentos si Festo yan y taotao inetnon, jaope si Pablo ilegña: Gui as Sesat nae malagojao jinisgamo? Unfalag as Sesat.
Shure kwokunge Fesitasi ataurirana namakurukota ake, akati, “Wazviisa kuna Kesari. Kuna Kesari uchaenda!”
13 Ya malofan palo jaane, mato si ray Agripa yan Bernise guiya Sesarea para umasaluda si Festo.
Shure kwamazuva mashoma, Mambo Agiripa naBhenisi vakasvika paKesaria kuti vandopa ruremekedzo rwavo kuna Fesitasi.
14 Ya anae mañaga güije megae na jaane, si Festo jadeclaraye si ray ni y causan Pablo, ilegña: Un taotao maprereso pot si Felix,
Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi.
15 Ni y anae estabayo Jerusalem, y magas mamale yan y manamco gui Judios mafaesenyo, sa manmalago na umacondena.
Pandakaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakauya vachimupomera mhosva vakakumbira kuti atongwe.
16 Ya juope sija, na ti costumbren y Romano na umaentrega un taotao na umapuno, antes di umanaafana yan y fumaaela, ya uguaja lisensiaña manope pot y mafaaelaña.
“Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake kuti andofa asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera.
17 Enaomina anae mandaña guine, sinjufannangga, y inagpaña matachongyo gui tribunal, ya managoyo na jumaconie.
Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare.
18 Ya manestabaja y fumaaela, lao taya finaaelañija jafa ni ayo y jinasosoco:
Vaimupomera vakati vasimuka kuti vataure, havana kumupomera mhosva ipi zvayo yandaitarisira.
19 Lao guaja finaesenñija contra güiya, pot y superstisionñija, pot y religionñija yan pot y un Jesus ni y matae, ya jaasegura si Pablo na lâlâ.
Asi, vaingova namashoko okukakavadzana naye pamusoro pechitendero chavo uye napamusoro pomurume akafa anonzi Jesu, uyo anonzi naPauro mupenyu.
20 Ya ti juguestungo ayo sija na finaesen; jufaesen güe cao malago malag Jerusalem, ya ayo nae umajusga ni este sija.
Ndakashaya ruzivo rwokuferefeta nyaya dzakadai; saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti andotongwa ikoko pamusoro pemhosva idzi.
21 Lao si Pablo, anae jagagao na umanasaga, para y jinisgan Augusto, managoyo na umanasaga asta qui junajanao para as Sesat.
Pauro akati azvisarudzira kuti achengetwe kuti azotongwa pamberi paMambo Kesari, ndakarayira kuti achengetwe kusvikira ndazomutumira kuna Kesari.”
22 Ayonae si Agripa ilegña as Festo; Malagoyo locue na jujungog y taotao. Ya ilegña: Agupa na unjungog güe.
Ipapo Agiripa akati kuna Fesitasi, “Ndingada kunzwa munhu uyu pachangu.” Akapindura akati, “Muchamunzwa mangwana.”
23 Ya y inagpaña mato si Agripa yan Bernise, yan y minagasñija, ya jumalom gui tribunal, yan y mas magas y inetnon yan y mas manmagas gui siuda, ya manago si Festo na umacone si Pablo.
Zuva rakatevera, Agiripa naBhenisi vakauya nokukudzwa kukuru vakapinda mumba maitambirwa mhaka vane machinda ezvigaro zvapamusoro uye navarume vaitungamirira guta. Varayirwa naFesitasi, Pauro akapinzwa mukati.
24 Ya ilegña si Festo: Ray Agripa, yan todo y taotao ni y mangaegue güine na manjijita; inlie este na taotao ni y todo y linajyan Judios maqueja yan guajo guiya Jerusalem yan güine, elegñija na ti umanalâlâ mas.
Fesitasi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano nesu, muri kuona murume uyu! Ungano yose yavaJudha yakandikumbira pamusoro pake muJerusarema uye nomuno muKesaria, vachidanidzira vachiti haafaniri kutongoramba ari mupenyu.
25 Lao anae jusoda na taya finatinasñajafa na umerese y finatae, ya anae güiyaja locue malago jinisgaña gui as Augusto, jujaso na junajanao.
Ini ndakawana asina kuita chinhu chingafanira rufu, asi nokuda kwokuti akazviisa kuna Kesari, ndakafunga kumutumira kuRoma.
26 Ya taya jafa magajet na güinajaña para jutugue para y Señotjo. Enaomina jucone güe mona gui menanmiyo, yan y menamo, O Ray Agripa, para yaguin munjayan maegsamina, uguaja jafa para jutugue.
Asi handina chinhu chandinganyatsorondedzera chokuti ndinyorere kuna Changamire pamusoro pake. Naizvozvo ndamuuyisa pamberi penyu iyemi mose, kunyanya pamberi penyu, Mambo Agiripa, kuitira kuti zvichabuda pakuferefeta uku zvigondiwanisa zvokunyora.
27 Sa y jinasoco na taya rason na umanajanao y presonero, ya ti umanaclaro y isao ni y mapolo contra güiya.
Nokuti ndinofunga kuti hazvina ungwaru kutumira musungwa pasina rondedzero chaiyo yemhosva yake.”

< Y Checho Y Apostoles Sija 25 >