< 2 Korintoarrei 12 >

1 Segur ezta mengoa gloria nadin: ecen ethorriren naiz visionetara eta Iaunaren reuelationetara.
Kuzvikudza zvirokwazvo hakubatsiri kwandiri; nokuti ndichauya pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.
2 Badaçagut guiçon-bat Christ Iaunean hamalaur vrthe baino lehen (ala gorputzetan, eztaquit: ala gorputzetic lekora, eztaquit: Iaincoac daqui) hirurgarren cerurano harrapatu içan denic.
Ndinoziva munhu ari muna Kristu makore gumi nemana apfuura (kana zvakaitwa mumuviri, handizivi, kana kunze kwemuviri, handizivi, Mwari anoziva), wakadai wakabvutirwa kudenga rechitatu.
3 Eta badaquit, halaco guiçona (ala gorputzetan, ala gorputzetic lekora, eztaquit: Iaincoac daqui)
Uye ndinoziva munhu wakadai (kana mumuviri, kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari anoziva),
4 Ecen harrapatu içan dela Paradisura, eta ençun vkan dituela erran ecin daitezqueen hitzac, erraiteco guiçonaren impossibleac.
kuti wakabvutwa akaiswa muparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki, asingabviri munhu kutaura.
5 Halacoaz gloriaturen naiz: baina neure buruäz eznaiz gloriaturen, neure infirmitatetan baicen.
Ndichazvikudza newakadai; asi pamusoro pangu ndomene handizvikudzi, asi pautera hwangu.
6 Ecen baldin gloriatu nahi banaiz, eznaiz erhoa içanen, ecen eguia erranen dut: baina iragaiten naiz, nehorc niçaz estima ezteçan nitan ikusten, edo eneganic ençuten duen baino guehiago.
Nokuti kana ndichida kuzvikudza, handaizova benzi; nokuti ndichareva chokwadi; asi ndinorega, zvimwe umwe angandifungira kuva mukuru kune zvaakaona ndiri, kana zvaakanzwa kwandiri,
7 Eta reuelationearen excellentiagatic altchegui eznendinçát, eman içan çait escardabat haraguian, eta Satanen aingueruä ene buffetatzeco, altchegui eznendinçát.
uye kuti ndirege kukudzwa kubudikidza nekuwanda kwezvakazarurwa, ndakapiwa munzwa munyama, nhume yaSatani kuti indirove, kuti ndirege kukudzwa.
8 Gauça hunen gainean hiruretan Iaunari othoitz eguin draucat hura eneganic parti ledinçát.
Maererano nechinhu ichi ndakakumbirisa Ishe katatu kuti chibve kwandiri.
9 Eta erran vkan draut, Asco duc ene gratiáz ecen ene puissançá infirmitatean acabatzen duc. Beraz guciz gogotic lehen gloriaturen naiz neure infirmitatetan, Christen puissançá nitan habita dadinçát.
Zvino akati kwandiri: Nyasha dzangu dzakakukwanira; nokuti simba rangu rinozadziswa muutera. Naizvozvo ndichazvirumbidza nemufaro mukuru muutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
10 Halacotz dut atseguin hartzen infirmitatetan, iniurietan, necessitatetan, persecutionetan, Christengatico hersturetan: ecen noiz bainaiz impotent, orduan naiz botheretsu.
Naizvozvo ndinofara muutera, mukutukwa, mukushaiwa, murushusho, mukushungurudzwa, nekuda kwaKristu; nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.
11 Erho içan naiz neure gloriatzean: çuec bortchatu nauçue: ecen ni behar nincén çueçaz laudatu, ikussiric ecen eznaicela deusetan Apostolu excellentac baino mendreago içan, deus ezpanaiz-ere.
Ndava benzi ndichizvikudza; ndimwi makandimanikidza; nokuti ini ndaifanira kuziviswa nemwi; nokuti handisariri nepadiki kuvaapositori vakurusa, kunyange ndisiri chinhu.
12 Segur ene Apostolutassunaren seignaleac complitu içan dirade çuetan patientia gucirequin eta signorequin eta miraculurequin eta verthuterequin.
Zvirokwazvo zviratidzo zvemuapositori zvakaitwa pakati penyu pamoyo murefu wese, muzviratidzo nezvishamiso nemabasa esimba.
13 Ecen certan berce Eliçác baino mendreago içan çarete? ni neuror çuen caltetan nagui içan eznaicena baicen? bidegabe haur barka ieçadaçue.
Nokuti chii chamuri pasi nacho kune amwe makereke, kunze kwekuti ini ndomene handina kuva mutoro kwamuri? Ndikanganwirei kusarurama uku.
14 Huná, herenci prest naiz çuetara ethortera: eta eznaiz çuen caltetan nagui içanen: ecen eznabila çuen diraden gaucén ondoan, baina ceurón ondoan: ecen haourréc eztute aitendaco thesaurizatu behar, baina aitéc haourrendaco.
Tarirai, ndazvigadzirira kuuya kwamuri rwechitatu, uye handizovi mutoro kwamuri; nokuti handitsvaki zvenyu, asi imwi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vana.
15 Eta niçaz den becembatean guciz gogotic despendaturen dut eta despendaturen naiz çuen arimacgatic: çuec hambat eta guehiago maite çaituztedalaric, gutiago onhetsia banaiz-ere.
Uye ndinoda nemufaro mukuru kuparadza uye kuparadzirwa mweya yenyu, kunyange ndichikudai zvakapamhidzirwa zvikuru, ndinodikanwa zvishoma.
16 Baina biz, nic etzaituztedan cargatu vkan: ordea sotil içanez, fineciaz hartu vkan çaituztet.
Asi zvakadaro, ini handina kukuremedzai; asi zvandakange ndine mano, ndakakubatai nekunyengera.
17 Çuetara igorri vkan ditudanetaric batez-ere pillatu vkan çaituztet?
Ndakakutsvatai here chero neumwe waivo vandakatuma kwamuri?
18 Othoitz eguin draucat Titeri, eta harequin igorri vkan dut anayebat: ala pillatu vkan çaituztez Titec? ezgara Spiritu batez ebili ican? ezgara hatz ber-batez ebili içan?
Ndakakumbira Tito, ndikatuma hama naye; Tito wakakutsvatai here? Hatina kufamba nemumweya umwe here? Hatinakufamba nemumakwara mamwe here?
19 Berriz vste duçue ecen gure buruäc excusatzen ditugula çuec baithara? Iaincoaren aitzinean, Christean minço gara: baina gauça hauc gucioc, gucizco maiteác, çuen edificationeagatic.
Zvekare munofunga kuti tinozvidzivirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura zvese, vadikanwi, zvekuvakwa kwenyu.
20 Ecen beldur dut guertha eztadin, ethor nadinean, nahi etzintuqueiztedan beçalaco eriden etzaitzatedan, eta ni eriden eznadin çueçaz nahi eztuçuen beçalaco: nolazpait eztiraden guduac, inuidiác, asserretassunac, liscarrac, gaizquierraiteac, chuchurlác, vrguluac, seditioneac:
Nokuti ndinotya, zvimwe pakusvika ndikuwanei musina kuita sezvandinoda, neni ndiwanikwe nemwi ndisina kuita sezvamunoda; zvimwe kuvepo makakava, godo, hasha, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi, mabongozozo;
21 Eta berriz nathorrenean abacha ezneçan neure Iaincoac çuec baithan, eta nigar eztaguidan lehen bekatu eguin duten anhitzez, eta emendatu eztiradenéz cithalqueriataric, paillardiçataric eta eguin vkan duten insolentiatic.
zvimwe pakusvika kwanguzve Mwari wangu andininipise pakati penyu, uye ndichemere vazhinji vevakambotadza, vakasatendeuka pakusachena neupombwe neunzenza hwavakaita.

< 2 Korintoarrei 12 >