< ՅԱՅՏՆՈՒԹԻՒՆ ՅՈՎՀԱՆՆՈՒ 2 >

1 «Գրէ՛ Եփեսոսի եկեղեցիին հրեշտակին.- “Սա՛ կ՚ըսէ ա՛ն՝ որ իր աջ ձեռքին մէջ կը բռնէ եօթը աստղերը, եւ կը շրջի եօթը ոսկիէ աշտանակներուն միջեւ.
Kumutumwa wekereke yeEfeso nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura iye wakabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe,
2 "Գիտե՛մ քու գործերդ, աշխատանքդ ու համբերութիւնդ, եւ թէ չես կրնար հանդուրժել չարերուն: Փորձեցիր անոնք՝ որ կը հաւաստեն թէ իրենք առաքեալ են, բայց չեն, եւ գտար թէ ստախօս են:
achiti: Ndinoziva mabasa ako, nekuremerwa kwako, nekutsungirira kwako, uye kuti haugoni kumirisana nevakaipa, uye wakavaidza ivo vanoti vaapositori asi vasiri ivo, uye wakavawana vari varevi venhema,
3 Համբերութիւն ունեցար, տառապանք կրեցիր իմ անունիս համար՝՝ ու չթուլցար:
wakamirawo uye ukava nemoyo murefu, uye nekuda kwezita rangu wakarwisa, ukasaneta.
4 Սակայն սա՛ ունիմ քեզի դէմ, որ թողուցիր առաջին սէրդ:
Asi ndine kupikisana newe, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga.
5 Ուրեմն յիշէ՛ թէ ուրկէ՛ ինկար, ապաշխարէ՛, եւ ըրէ՛ առաջին գործերդ. այլապէս՝ շուտո՛վ պիտի գամ քեզի, ու աշտանակդ պիտի շարժեմ իր տեղէն՝ եթէ չապաշխարես:
Naizvozvo rangarira pawakawa, uye tendeuka, uitewo mabasa ekutanga; kana zvikasadarowo ndichauya kwauri nekukurumidza, uye ndichabvisa chigadziko chako chemwenje kubva panzvimbo yacho, kana usingatendeuki.
6 Բայց սա՛ ունիս.- կ՚ատես Նիկողայոսեաններուն գործերը, որ ես ալ կ՚ատեմ"”:
Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa aVaNikoraiti, neni andinovenga.
7 Ա՛ն որ ականջ ունի, թող լսէ թէ Հոգին ի՛նչ կ՚ըսէ եկեղեցիներուն: Ո՛վ որ յաղթէ՝ անոր ուտել պիտի տամ կեանքի ծառէն, որ Աստուծոյ դրախտին մէջ է»:
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Kuna iye anokunda ndichapa kuti adye zvemuti weupenyu uri pakati peParadhiso yaMwari.
8 «Գրէ՛ նաեւ Զմիւռնիայի եկեղեցիին հրեշտակին.- “Սա՛ կ՚ըսէ Առաջինը եւ Վերջինը, որ մեռաւ ու կ՚ապրի՛.
Nekumutumwa wekereke yeSimirina nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura Wekutanga neWekupedzisira, wakava akafa ndokurarama:
9 "Գիտե՛մ քու գործերդ, տառապանքդ եւ աղքատութիւնդ, (բայց հարուստ ես, ) ու հայհոյութիւնը անոնց՝ որ կ՚ըսեն թէ իրենք Հրեայ են, բայց չեն, հապա՝ Սատանայի ժողով:
Ndinoziva mabasa ako nedambudziko neurombo (asi uri mufumi), nekutuka kwevanoti ivo VaJudha pachavo, asi vasiri, asi vari sinagoge raSatani.
10 Բնաւ մի՛ վախնար այն չարչարանքներէն՝ որ պիտի կրես. ահա՛ Չարախօսը բանտը պիտի նետէ ձեզմէ ոմանք՝ որպէսզի փորձուիք, եւ տասը օր տառապանք պիտի ունենաք: Մինչեւ մահ հաւատարիմ եղիր, ու պիտի տամ քեզի կեանքի պսակը"”:
Usatya chimwe chezvinhu zvaoda kutambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kukanda vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, zvino ndichakupa korona yeupenyu.
11 Ա՛ն որ ականջ ունի, թող լսէ թէ Հոգին ի՛նչ կ՚ըսէ եկեղեցիներուն: Ո՛վ որ յաղթէ՝ պիտի չվնասուի երկրորդ մահէն»:
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda haatongokuvadzwi nerufu rwechipiri.
12 «Գրէ՛ նաեւ Պերգամոնի եկեղեցիին հրեշտակին.- “Սա՛ կ՚ըսէ ա՛ն՝ որ ունի սրած երկսայրի թուրը.
Uye kumutumwa wekereke yePegamo nyora uti: Zvinhu izvi anotaura iye ane munondo unopinza mativi maviri:
13 "Գիտե՛մ քու գործերդ, եւ թէ ո՛ւր կը բնակիս, հո՛ն՝ ուր Սատանայի գահն է. բայց ամուր կը բռնես իմ անունս ու չուրացար իմ հաւատքս, նոյնիսկ այն օրերը՝ երբ Անթիպաս, իմ հաւատարիմ վկաս, սպաննուեցաւ ձեր մէջ՝ ուր Սատանան կը բնակի:
Ndinoziva mabasa ako uye paunogara, ipo pane chigaro cheushe chaSatani, uye wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba rutendo rwangu, kunyange pamazuva paiva naAntipasi, chapupu changu chakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani.
14 Սակայն քեզի դէմ ունիմ քիչ բան մը, քանի որ հոդ ունիս Բաղաամի ուսուցումը պահողներ. ան Բաղակի սորվեցուց գայթակղութիւն դնել Իսրայէլի որդիներուն առջեւ, որպէսզի անոնք ուտեն կուռքերու զոհուածներ ու պոռնկին:
Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, nokuti unavo ipapo vanobatirira dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kukanda chigumbuso pamberi pevana vaIsraeri, kuti vadye zvakabairwa zvifananidzo nekuita upombwe.
15 Այսպէս՝ դուն ալ ունիս Նիկողայոսեաններուն ուսուցումը պահողներ, որ ես կ՚ատեմ:
Saizvozvo newe unavo vanobatisisa dzidziso yeVaNikoraiti, chinhu chandinovenga.
16 (Ուստի) ապաշխարէ՛. այլապէս՝ շուտո՛վ պիտի գամ քեզի, եւ պիտի պատերազմիմ անոնց դէմ բերանիս թուրով"”:
Tendeuka; zvino kana zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nemunondo wemuromo wangu.
17 Ա՛ն որ ականջ ունի, թող լսէ թէ Հոգին ի՛նչ կ՚ըսէ եկեղեցիներուն: Ո՛վ որ յաղթէ՝ անոր ուտել պիտի տամ պահուած մանանայէն. նաեւ պիտի տամ անոր ճերմակ խիճ մը, եւ այդ խիճին վրայ գրուած նոր անուն մը՝ որ ո՛չ մէկը գիտէ, բայց միայն զայն ստացողը»:
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda, ndichapa kwaari kuti adye kubva pamana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, nepabwe iro zita idzva rakanyorwa, risina anoziva, kunze kweanorigamuchira.
18 «Գրէ՛ նաեւ Թիւատիրի եկեղեցիին հրեշտակին.- “Սա՛ կ՚ըսէ Աստուծոյ Որդին, որ ունի կրակի բոցի պէս աչքեր, եւ իր ոտքերը նման են ոսկեպղինձի.
Nekumutumwa wekereke iri paTiatira nyora uti: Izvi anoreva Mwanakomana waMwari, ane meso ake akafanana nemurazvo wemoto, netsoka dzake dzakaita sendarira yakakwenenzverwa:
19 "Գիտե՛մ քու գործերդ, սէրդ, սպասարկութիւնդ, հաւատքդ ու համբերութիւնդ. եւ թէ քու վերջին գործերդ աւելի շատ են՝ քան առաջինները:
Ndinoziva mabasa ako, nerudo, nekushumira, nerutendo, nekutsungirira kwako, uye mabasa ako, uye kuti ekupedzisira anopfuura ekutanga.
20 Սակայն քեզի դէմ ունիմ բան մը՝՝, որովհետեւ կը թոյլատրես Յեզաբէլի, - ինքզինք մարգարէուհի կոչող այդ կնոջ, - որ մոլորեցնէ իմ ծառաներս եւ սորվեցնէ անոնց պոռնկիլ ու կուռքերու զոհուածներ ուտել:
Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, kuti unotendera mukadzi Jezebheri, anozviidza muporofitakadzi kudzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe nekudya zvakabairwa zvifananidzo.
21 Ես ժամանակ տուի անոր՝ ապաշխարելու իր պոռնկութենէն, բայց չապաշխարեց:
Zvino ndakamupa nguva kuti atendeuke kubva paufeve hwake, asi haana kutendeuka.
22 Ահա՛ ես մահիճ պիտի նետեմ զայն, իսկ անոր հետ շնութիւն ընողները՝ մեծ տառապանքի մէջ, եթէ չապաշխարեն իրենց գործերէն:
Tarira, ini ndichamukandira panhovo, nevanoita upombwe naye padambudziko guru, kana vasingatendeuki kubva pamabasa avo.
23 Պիտի մեռցնեմ անոր զաւակները, եւ բոլոր եկեղեցիները պիտի գիտնան թէ ես ա՛ն եմ՝ որ կը զննեմ խիղճերն ու սիրտերը. պիտի հատուցանեմ ձեզմէ իւրաքանչիւրին՝ ձեր գործերուն համեմատ:
Uye ndichauraya vana vake murufu; nemakereke ese achaziva kuti ini ndini ndinonzvera itsvo nemoyo; zvino ndichapa kwamuri umwe neumwe zvinoenderana nemabasa enyu.
24 Բայց կ՚ըսեմ ձեզի, Թիւատիրի մէջ եղող միւս բոլորին՝ որ չունին այս ուսուցումը եւ չգիտցան Սատանային խորհուրդները (ինչպէս կ՚ըսեն).- ուրիշ ծանրութիւն պիտի չդնեմ ձեր վրայ,
Asi ndinotaura kwamuri nekune vamwe vari paTiatira, vese vasina dzidziso iyi, uye vasina kuziva zvakadzika zvaSatani, sezvavanotaura vachiti: Handingakutakudzii umwe mutoro.
25 հապա ամո՛ւր բռնեցէք ինչ որ ունիք՝ մինչեւ որ գամ:
Asi izvo zvamunazvo batisisai kusvikira ndichiuya.
26 Եւ ո՛վ որ յաղթէ ու պահէ իմ գործերս մինչեւ վախճանը, անոր իշխանութիւն պիտի տամ անոր ազգերուն վրայ,
Uye anokunda nekuchengeta mabasa angu kusvikira pakuguma, kwaari ndichapa simba pamusoro pemarudzi;
27 (եւ պիտի հովուէ զանոնք երկաթէ գաւազանով. անոնք պիտի փշրուին բրուտի անօթներու պէս.)
uye achaatonga netsvimbo yedare; semidziyo yemuumbi achaputsanyiwa; sezvandakagamuchirawo kuna Baba vangu.
28 ինչպէս ես ալ ստացայ իմ Հօրմէս, ու պիտի տամ անոր առտուան աստղը"”:
Uye ndichamupa nyeredzi yemangwanani.
29 Ա՛ն որ ականջ ունի, թող լսէ թէ Հոգին ի՛նչ կ՚ըսէ եկեղեցիներուն»:
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.

< ՅԱՅՏՆՈՒԹԻՒՆ ՅՈՎՀԱՆՆՈՒ 2 >