< ՄԱՏԹԷՈՍ 22 >

1 Յիսուս դարձեալ առակներով խօսեցաւ անոնց եւ ըսաւ.
Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti,
2 «Երկինքի թագաւորութիւնը կը նմանի թագաւորի մը՝ որ հարսանիք ըրաւ իր որդիին, ու ղրկեց իր ծառաները՝ կանչելու հարսանիքին հրաւիրեալները.
“Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa.
3 սակայն անոնք չուզեցին գալ:
Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.
4 Դարձեալ ուրիշ ծառաներ ղրկեց եւ ըսաւ. “Ըսէ՛ք հրաւիրեալներուն. «Ահա՛ պատրաստեցի իմ ճաշս. զուարակներս ու գէր անասուններս մորթուած են, եւ ամէն բան պատրաստ է. եկէ՛ք հարսանիքի»”:
“Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’
5 Բայց անոնք անհոգութիւն ընելով՝ գացին մէկը իր արտը, ու միւսը՝ իր առեւտուրին:
“Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake.
6 Ուրիշներ՝ բռնեցին անոր ծառաները, նախատեցին եւ սպաննեցին:
Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya.
7 Թագաւորն ալ՝ երբ լսեց՝ բարկացաւ. ղրկեց իր զօրքերը, կորսնցուց այդ մարդասպանները ու այրեց անոնց քաղաքը:
Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.
8 Այն ատեն ըսաւ իր ծառաներուն. “Հարսանիքը պատրաստ է, բայց հրաւիրեալները արժանի չէին:
“Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye.
9 Ուրեմն գացէ՛ք դէպի ճամբաներուն գլուխները, եւ ո՛վ որ գտնէք՝ հրաւիրեցէ՛ք հարսանիքի”:
Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’
10 Այդ ծառաները դուրս ելան՝ դէպի ճամբաներուն գլուխները, եւ ո՛վ որ գտան՝ թէ՛ չար, թէ՛ բարի, բոլորն ալ հաւաքեցին. ու հարսնետունը լեցուեցաւ հրաւիրեալներով:
Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
11 Երբ թագաւորը մտաւ՝ տեսնելու հարսնեւորները, տեսաւ մարդ մը՝ որ հագած չէր հարսանիքի հագուստ:
“Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.
12 Ըսաւ անոր. “Ընկե՛ր, ի՞նչպէս մտար հոս՝ առանց հարսանիքի հագուստի”: Ան ալ պապանձեցաւ:
Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.
13 Այն ատեն թագաւորը ըսաւ սպասարկուներուն. “Կապեցէ՛ք ասոր ոտքերն ու ձեռքերը, եւ առէ՛ք ու նետեցէ՛ք զայն դուրսի խաւարը. հոն պիտի ըլլայ լաց եւ ակռաներու կրճտում”:
“Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
14 Որովհետեւ կանչուածները շատ են, բայց ընտրուածները՝ քիչ»:
“Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”
15 Այն ատեն Փարիսեցիները գացին խորհրդակցելու, թէ ի՛նչպէս խօսքով ձգեն զայն ծուղակի մէջ:
Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake.
16 Ու ղրկեցին անոր իրենց աշակերտները՝ Հերովդէսեաններուն հետ, եւ ըսին. «Վարդապե՛տ, գիտենք թէ ճշմարտախօս ես ու ճշմարտութեամբ կը սորվեցնես Աստուծոյ ճամբան, եւ հոգ չես ըներ ոեւէ մէկուն համար, քանի որ երեսպաշտութիւն չես ըներ մարդոց:
Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.
17 Ուստի ըսէ՛ մեզի, ի՞նչ է քու կարծիքդ. “Արտօնուա՞ծ է տուրք տալ կայսրին՝ թէ ոչ”»:
Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”
18 Յիսուս՝ գիտնալով անոնց չարամտութիւնը՝ ըսաւ. «Ինչո՞ւ կը փորձէք զիս, կեղծաւորնե՛ր:
Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?
19 Ցո՛յց տուէք ինծի տուրքին դրամը»: Անոնք դահեկան մը բերին իրեն:
Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari
20 Ըսաւ անոնց. «Որո՞ւնն են այս պատկերն ու գրութիւնը»:
uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”
21 Ըսին անոր. «Կայսրի՛ն»: Այն ատեն ըսաւ անոնց. «Ուրեմն ինչ որ կայսրինն է՝ տուէ՛ք կայսրին, եւ ինչ որ Աստուծոյ է՝ Աստուծո՛յ»:
Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”
22 Երբ լսեցին՝ զարմացան, ու թողուցին զայն եւ գացին:
Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.
23 Նոյն օրը անոր քով եկան Սադուկեցիները, որոնք կ՚ըսեն թէ յարութիւն չկայ, ու հարցուցին անոր.
Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.
24 «Վարդապե՛տ, Մովսէս ըսաւ. “Եթէ մէկը մեռնի առանց զաւակի, անոր եղբայրը թող ամուսնանայ անոր կնոջ հետ, եւ զարմ հանէ իր եղբօր”:
Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.
25 Ուրեմն եօթը եղբայրներ կային մեր քով: Առաջինը ամուսնացաւ ու վախճանեցաւ, եւ զարմ չունենալուն համար՝ իր կինը թողուց իր եղբօր:
Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi.
26 Նմանապէս ալ երկրորդն ու երրորդը՝ մինչեւ եօթներորդը:
Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe.
27 Ամենէն ետք կինն ալ մեռաւ:
Pakupedzisira mukadzi akazofawo.
28 Ուրեմն, յարութեան ատեն՝ այդ եօթնէն որո՞ւն կինը պիտի ըլլայ. որովհետեւ բոլորն ալ ունեցան զայն իբր կին»:
Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”
29 Յիսուս պատասխանեց անոնց. «Դուք մոլորած էք. ո՛չ Գիրքերը գիտէք, ո՛չ ալ Աստուծոյ զօրութիւնը:
Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.
30 Քանի որ յարութեան ատեն՝ ո՛չ կ՚ամուսնանան եւ ո՛չ ամուսնութեան կը տրուին, հապա երկինքի մէջ՝ Աստուծոյ հրեշտակներուն պէս են:
Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga.
31 Բայց մեռելներուն յարութեան մասին չէ՞ք կարդացեր Աստուծմէ ձեզի ըսուած խօսքը.
Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,
32 “Ե՛ս եմ Աբրահամի Աստուածը, Իսահակի Աստուածը եւ Յակոբի Աստուածը”: Աստուած մեռելներուն Աստուածը չէ, հապա՝ ողջերուն»:
‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”
33 Բազմութիւնը ասիկա լսելով՝ կ՚ապշէր անոր ուսուցումին վրայ:
Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
34 Բայց Փարիսեցիները՝ երբ լսեցին թէ ան պապանձեցուց Սադուկեցիները, տեղ մը հաւաքուեցան,
Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.
35 եւ անոնցմէ օրինական մը հարցուց՝ զայն փորձելով.
Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti,
36 «Վարդապե՛տ, ո՞ր պատուիրանը մեծ է Օրէնքին մէջ»:
“Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”
37 Յիսուս ըսաւ անոր. «“Սիրէ՛ Տէրը՝ քու Աստուածդ՝ ամբողջ սիրտովդ, ամբողջ անձովդ եւ ամբողջ միտքովդ”:
Jesu akapindura akati, “‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’
38 Ա՛յս է առաջին ու մեծ պատուիրանը:
Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga.
39 Եւ երկրորդը՝ ասոր նման. “Սիրէ՛ ընկերդ քու անձիդ՝՝ պէս”:
Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’
40 Այս երկու պատուիրաններէն կախուած են ամբողջ Օրէնքն ու Մարգարէները»:
Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”
41 Երբ Փարիսեցիները հաւաքուեցան, Յիսուս հարցուց անոնց.
VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati,
42 «Քրիստոսի մասին ի՞նչ է ձեր կարծիքը. որո՞ւ որդին է»:
“Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”
43 Ըսին իրեն. «Դաւիթի՛»: Յիսուս ըսաւ անոնց. «Հապա ի՞նչպէս Դաւիթ Հոգիով զայն Տէր կը կոչէ ու կ՚ըսէ.
Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti,
44 “Տէրը ըսաւ իմ Տէրոջս. «Բազմէ՛ իմ աջ կողմս, մինչեւ որ քու թշնամիներդ պատուանդան դնեմ ոտքերուդ»”:
“‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’
45 Ուրեմն եթէ Դաւիթ զայն Տէր կը կոչէ, ի՞նչպէս ան իր որդին կ՚ըլլայ»:
Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”
46 Ո՛չ մէկը կրնար խօսքո՛վ մը պատասխանել անոր: Այդ օրէն ետք՝ ո՛չ մէկը կը յանդգնէր բան մը հարցնել անոր:
Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.

< ՄԱՏԹԷՈՍ 22 >