< ԵԲՐԱՅԵՑԻՍ 1 >

1 Աստուած, որ վաղուց՝ շատ անգամներ ու շատ կերպերով՝ խօսած էր հայրերուն մարգարէներով,
Mwari iye ataura kare nenzira dzakawanda kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,
2 այս վերջին օրերը խօսեցաւ մեզի իր Որդիով, որ ժառանգորդ նշանակեց ամէն բանի եւ տիեզերքն ալ ստեղծեց անով: (aiōn g165)
pamazuva awa ekupedzisira akataura kwatiri muMwanakomana, waakagadza mudyi wenhaka wezvinhu zvese, waakaitawo naye nyika, (aiōn g165)
3 Ան իր փառքին շողն է ու իր էութեան նկարագրութիւնը, եւ իր զօրութեան խօսքով հաստատ կը բռնէ ամէն բան: Ի՛նք էր որ՝ մաքրելէ ետք մեր մեղքերը՝ բազմեցաւ բարձրերը, Աստուծոյ մեծափառութեան աջ կողմը,
iye ari kupenya kwekubwinya, nemufananidzo chaiwo wekuvapo kwake, uye achitakura zvinhu zvese neshoko resimba rake, wakati aita kubudikidza naiye pachake kunatswa kwezvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweuMambo huri kunzvimbo dzekumusoro,
4 ա՜յնչափ գերադաս ըլլալով հրեշտակներէն, քանի որ անոնցմէ գերազանց անուն մը ժառանգեց:
apfuudzwa vatumwa zvikuru pakunaka, sezvo akange awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo.
5 Արդարեւ հրեշտակներէն որո՞ւն ըսաւ երբեք. «Դուն իմ Որդիս ես, ա՛յսօր ծնայ քեզ»: Եւ դարձեալ. «Ես Հայր պիտի ըլլամ անոր, ան ալ Որդի պիտի ըլլայ ինծի»:
Nokuti ndekune upi wevatumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? Uyezve: Ini ndichava kwaari Baba, uye iye achava Mwanakomana kwandiri?
6 Դարձեալ՝ երբ Անդրանիկը կը մտցնէ երկրագունդը՝ կ՚ըսէ. «Աստուծոյ բոլոր հրեշտակներն ալ թող երկրպագեն անոր»:
Uye kana achiuisazve dangwe panyika anoti: Nevatumwa vese vaMwari ngavamunamate.
7 Նաեւ հրեշտակներուն մասին կ՚ըսէ. «Իր հրեշտակները հոգիներ կ՚ընէ, եւ իր պաշտօնեաները՝ կրակի բոց»:
Nekuvatumwa zvirokwazvo anoti: Iye anoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;
8 Իսկ Որդիին կ՚ըսէ. «Քու գահդ, ո՛վ Աստուած, կը կենայ դարէ դար՝՝. քու թագաւորութեանդ մականը ուղղամտութեան մական է: (aiōn g165)
asi kuMwanakomana anoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama itsvimbo yeushe hwenyu. (aiōn g165)
9 Դուն սիրեցիր արդարութիւնը եւ ատեցիր անօրէնութիւնը. հետեւաբար, ո՛վ Աստուած, քու Աստուածդ օծեց քեզ ցնծութեան իւղով՝ ընկերակիցներէդ աւելի»:
Makada kururama, ndokuvenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.
10 Նաեւ. «Տէ՛ր, դո՛ւն սկիզբէն դրիր երկրի հիմերը, ու քո՛ւ ձեռքերուդ գործն է երկինքը:
Uye kuti: Imwi Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;
11 Անոնք պիտի կորսուին, բայց դուն կը մնաս. բոլորը պիտի մաշին հանդերձի պէս:
izvo zvichaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye zvese zvichasakara senguvo;
12 Պիտի ոլորես զանոնք ծածկոցի պէս, եւ պիտի փոխուին. իսկ դուն՝ միշտ նո՛յնն ես, ու քու տարիներդ պիտի չպակսին»:
uye sechifukidzo muchazvipeta, uye zvichashandurwa; asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.
13 Եւ հրեշտակներէն որո՞ւն ըսաւ երբեք. «Բազմէ՛ իմ աջ կողմս, մինչեւ որ քու թշնամիներդ պատուանդան դնեմ ոտքերուդ»:
Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
14 Միթէ անոնք բոլորը պաշտօն կատարող հոգիներ չե՞ն, ղրկուած սպասարկելու անոնց՝ որ պիտի ժառանգեն փրկութիւնը:
Ko havasi vese mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwevachazodya nhaka yeruponeso here?

< ԵԲՐԱՅԵՑԻՍ 1 >