< ԳՈՐԾՔ ԱՌԱՔԵԼՈՑ 7 >

1 Քահանայապետը ըսաւ. «Այդ բաները ա՞յդպէս են ի՛րապէս»:
Ipapo muprista mukuru akamubvunza akati, “Izvi zvauri kupomerwa ndezvechokwadi here?”
2 Ան ալ ըսաւ. «Մարդի՛կ եղբայրներ ու հայրե՛ր, մտի՛կ ըրէք. փառքի Աստուածը երեւցաւ մեր հօր՝ Աբրահամի, երբ Միջագետքի մէջ էր, դեռ Խառանի մէջ չբնակած, եւ ըսաւ անոր.
Iye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani.
3 “Ելի՛ր քու երկրէդ ու ազգականներէդ, եւ գնա՛ այն երկիրը՝ որ ես պիտի ցուցնեմ քեզի”:
Mwari akati kwaari, ‘Ibva munyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’
4 Այն ատեն՝ ելլելով Քաղդէացիներու երկրէն՝ բնակեցաւ Խառանի մէջ, եւ անոր հօր մեռնելէն ետք՝ անկէ փոխադրեց զայն այս երկիրը, ուր դուք կը բնակիք հիմա:
“Saka akabva munyika yavaKaradhea akandogara muHarani. Shure kwokufa kwababa vake, Mwari akamutuma munyika ino yamugere zvino.
5 Ո՛չ մէկ ժառանգութիւն տուաւ անոր այս երկրին մէջ, ո՛չ իսկ ոտքի քայլի մը չափ տեղ. բայց խոստացաւ ասիկա իբր կալուած տալ իրեն, եւ իրմէ ետք՝ իր զարմին, երբ դեռ ինք զաւակ չունէր:
Haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake. Asi Mwari akamuvimbisa kuti iye nezvizvarwa zvake zvaimutevera vaizotora nyika ino, kunyange panguva iyoyo Abhurahama akanga asina mwana.
6 Աստուած սա՛պէս խօսեցաւ. “Անոր զարմը պանդուխտ պիտի ըլլայ օտար երկրի մը մէջ, ու զայն ստրուկ պիտի ընեն եւ չարչարեն չորս հարիւր տարի:
Mwari akataura naye achiti, ‘Zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isiri yavo, uye vachaitwa varanda vagotambudzwa kwamakore mazana mana.
7 Բայց ե՛ս պիտի դատեմ այն ազգը՝ որուն ստրուկ պիտի ըլլան, - ըսաւ Աստուած, - եւ անկէ ետք պիտի ելլեն ու այս տեղին մէջ պիտի պաշտեն զիս”:
Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa,’ ndizvo zvakataurwa naMwari, ‘uye shure kwaizvozvo vachabuda munyika iyoyo vagondishumira panzvimbo ino.’
8 Անոր տուաւ թլփատութեան ուխտը, եւ յետոյ Աբրահամ ծնաւ Իսահակը, ու թլփատեց զայն ութերորդ օրը: Իսահակ ծնաւ Յակոբը, Յակոբ ալ՝ տասներկու նահապետները:
Ipapo akapa Abhurahama sungano yokudzingiswa. Abhurahama akabereka Isaka akamudzingisa zuva rorusere shure kwokuberekwa kwake. Shure kwaizvozvo Isaka akabereka Jakobho, uye Jakobho akabereka madzitateguru ane gumi navaviri.
9 «Նահապետները՝ նախանձելով Յովսէփի՝ ծախեցին զայն Եգիպտոս տարուելու համար. բայց Աստուած անոր հետ էր,
“Nokuti madzitateguru akaitira godo Josefa, vakamutengesa senhapwa kuIjipiti. Asi Mwari akanga anaye
10 ու ազատեց զայն իր բոլոր տառապանքներէն: Շնորհք եւ իմաստութիւն տուաւ անոր Եգիպտոսի Փարաւոն թագաւորին առջեւ. ան ալ կառավարիչ նշանակեց զայն Եգիպտոսի ու իր ամբողջ տան վրայ:
akamununura kubva pamatambudziko ake ose. Akapa Josefa uchenjeri uye akaita kuti adikanwe naFaro mambo weIjipiti; saka akamuita mutongi weIjipiti nomuzinda wake wose.
11 Երբ Եգիպտոսի եւ Քանանի ամբողջ երկրին մէջ սով եղաւ, ու մեծ տառապանք, մեր հայրերը ուտելիք չէին գտներ:
“Zvino nzara yakasvika muIjipiti yose neKenani, kukava nokutambudzika kukuru, uye madzibaba edu akashayiwa zvokudya.
12 Յակոբ՝ երբ լսեց թէ Եգիպտոսի մէջ ցորեն կը գտնուի՝ առաջին անգամ ճամբեց մեր հայրերը:
Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akatuma madzibaba edu parwendo rwavo rwokutanga.
13 Երկրորդ անգամ՝ Յովսէփ ճանչցուց ինքզինք իր եղբայրներուն, եւ Յովսէփի ցեղը յայտնի եղաւ Փարաւոնի:
Parwendo rwavo rwechipiri, Josefa akaudza madzikoma ake kuti iye aiva ani uye Faro akanzwa nezvemhuri yaJosefa.
14 Յովսէփ մարդ ղրկեց ու կանչեց իր հայրը՝ Յակոբը, եւ բոլոր ազգականները՝ եօթանասունհինգ անձ:
Shure kwaizvozvo, Josefa akatuma shoko kuti baba vake Jakobho, nemhuri yavo yose, vanhu makumi manomwe navashanu pamwe chete, vauye.
15 Յակոբ իջաւ Եգիպտոս, ուր վախճանեցան ինք ու մեր հայրերը,
Ipapo Jakobho akaburuka akaenda kuIjipiti, uko kwaakandofira iye namadzibaba edu.
16 եւ փոխադրուելով Սիւքէմ՝ դրուեցան այն գերեզմանին մէջ, որ Աբրահամ արծաթով գնած էր Սիւքէմի հօր՝ Եմովրի որդիներէն:
Mitumbi yavo yakatakurwa ikaendeswa kuShekemu vakavigwa muguva rakanga ratengwa naAbhurahama kubva kuvanakomana vaHamori, paShekemu, nomutengo wemari yakati kuti.
17 Երբ մօտեցաւ ժամանակը խոստումին՝ որուն համար Աստուած երդում ըրած էր Աբրահամի, ժողովուրդը աճեցաւ ու բազմացաւ Եգիպտոսի մէջ՝
“Nguva yakati yaswedera yokuti Mwari azadzise chipikirwa chake kuna Abhurahama, uwandu hwavanhu vedu muIjipiti hwakawedzerwa zvikuru.
18 մինչեւ որ ուրիշ թագաւոր մը ելաւ, որ չէր ճանչնար Յովսէփը:
Ipapo mumwe mambo, akanga asingazivi nezvaJosefa, akava mutongi weIjipiti.
19 Ան խորամանկութեամբ վարուեցաւ մեր ցեղին դէմ եւ չարչարեց մեր հայրերը, մինչեւ անգամ անոնց երախաները դուրս նետել տալով, որպէսզի չապրեցնէ:
Akabata vanhu vedu zvakaipa akadzvinyirira madzitateguru edu achivamanikidza kuti varase vana vachangoberekwa kuitira kuti vagofa.
20 «Այդ ատեն Մովսէս ալ ծնաւ, որ գեղեցիկ էր Աստուծոյ առջեւ, ու երեք ամիս մեծցաւ իր հօր տունը:
“Panguva iyoyo Mozisi akaberekwa, uye akanga asiri mwanawo zvake. Akachengetwa mumba mababa vake kwemwedzi mitatu.
21 Երբ ան դուրս դրուեցաւ, Փարաւոնի աղջիկը տարաւ զայն եւ մեծցուց իբր իր որդին:
Paakasiyiwa kunze, mwanasikana waFaro akamutora akamurera somwanakomana wake.
22 Մովսէս կրթուեցաւ Եգիպտացիներուն ամբողջ իմաստութեամբ, ու զօրաւոր էր իր խօսքերով եւ գործերով:
Mozisi akadzidziswa uchenjeri hwose hweIjipiti uye aigona kwazvo kutaura nokuita zvinhu.
23 Երբ լման քառասուն տարեկան եղաւ, իր սիրտը փափաքեցաւ այցելել իր եղբայրներուն՝ Իսրայէլի որդիներուն:
“Mozisi paakanga ava namakore makumi mana okuberekwa, akafunga zvokundoshanyira hama dzake ivo vaIsraeri.
24 Անիրաւուած տեսնելով Իսրայելացիներէն մէկը՝ պաշտպանեց զայն, եւ ընկճուածին վրէժը առաւ՝ զարնելով Եգիպտացին:
Akaona mumwe wavo achitambudzwa nomuIjipita, saka akasvika akamurwira akatsiva nokuuraya muIjipita uya.
25 Կը կարծէր թէ իր եղբայրները պիտի հասկնային թէ Աստուած իրենց փրկութիւն պիտի տար իր ձեռքով. բայց անոնք չհասկցան:
Mozisi akafunga kuti vanhu vake vachaziva kuti Mwari ainge achimushandisa kuti avanunure, asi ivo havana kuzviziva.
26 Հետեւեալ օրը հանդիպեցաւ անոնց՝ երբ կը կռուէին, եւ ուզեց հաշտեցնել զանոնք՝ ըսելով. “Մարդի՛կ, դուք եղբայրնե՛ր էք. ինչո՞ւ կ՚անիրաւէք զիրար”:
Fume mangwana Mozisi akasvikowana vaIsraeri vaviri vachirwa. Akaedza kuvayananisa achiti, ‘Varume, muri hama imi; munodireiko kukuvadzana?’
27 Բայց ան որ կ՚անիրաւէր ընկերը՝ վանեց զինք ու ըսաւ. “Ո՞վ քեզ պետ եւ իրաւարար նշանակեց մեր վրայ:
“Asi murume uya akanga achitambudza mumwe akasundidzira Mozisi padivi akati, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?
28 Զի՞ս ալ կ՚ուզես սպաննել, ինչպէս երէկ սպաննեցիր Եգիպտացին”:
Unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nezuro?’
29 Այս խօսքէն ետք Մովսէս փախաւ ու պանդխտացաւ Մադիամի երկրին մէջ, ուր ծնաւ երկու որդի:
Mozisi paakanzwa izvozvo, akatiza akaenda kuMidhiani, uko kwaakandogara ari mutorwa uye akabereka vanakomana vaviri.
30 Երբ քառասուն տարին լրացաւ, Տէրոջ հրեշտակը երեւցաւ անոր Սինա լերան անապատին մէջ՝ մորենիի կրակի բոցով:
“Makore makumi mana akati apfuura, mutumwa akazviratidza kuna Mozisi ari mumurazvo womoto mugwenzi, mugwenga raiva pedyo neGomo reSinai.
31 Մովսէս ալ՝ երբ նշմարեց՝ զարմացաւ այդ տեսիլքին վրայ, ու երբ մօտեցաւ դիտելու՝ Տէրոջ ձայնը եկաւ անոր, որ կ՚ըսէր.
Paakaona chinhu ichi, akashamiswa nezvaakaona. Akati achiswedera kuti anyatsoona, akanzwa inzwi raIshe richiti,
32 “Ե՛ս եմ քու հայրերուդ Աստուածը, Աբրահամի Աստուածը, Իսահակի Աստուածը եւ Յակոբի Աստուածը”: Մովսէս ալ՝ վախէն դողալով՝ չէր յանդգներ դիտել:
‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho.’ Mozisi akadedera nokutya akatadza kana kutarisa.
33 Տէրը ըսաւ անոր. “Հանէ՛ ոտքերուդ կօշիկները, որովհետեւ սուրբ երկիր է այն տեղը՝ ուր կայնած ես:
“Ipapo Jehovha akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako; nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene.
34 Ի՛րապէս տեսայ Եգիպտոսի մէջ եղող ժողովուրդիս չարչարանքը, լսեցի անոնց հառաչանքը, եւ իջայ զանոնք ազատելու. ու հիմա եկո՛ւր, քեզ ղրկեմ Եգիպտոս”:
Zvirokwazvo ndaona kudzvinyirirwa kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo, saka ndaburuka kuti ndizovasunungura. Zvino uya, ndinoda kukutuma udzokere kuIjipiti.’
35 «Այս Մովսէսը, որ ուրացան՝ ըսելով. “Ո՞վ պետ եւ իրաւարար նշանակեց քեզ”, զա՛յն ղրկեց Աստուած իբր պետ եւ ազատարար՝ այն հրեշտակին ձեռքով, որ երեւցաւ անոր մորենիին մէջ:
“Ndiye Mozisi uya wavakanga varamba namashoko okuti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?’ Ndiye akatumwa naMwari pachake kuti ave mubati nomusununguri wavo, kubudikidza nomutumwa akazviratidza kwaari mugwenzi.
36 Անիկա՛ դուրս հանեց զանոնք, սքանչելիքներ ու նշաններ ցոյց տալով Եգիպտոսի երկրին եւ Կարմիր ծովուն, ու քառասուն տարի՝ անապատին մէջ:
Ndiye akavabudisa muIjipiti uye akaita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti, paGungwa Dzvuku uye kwamakore makumi mana murenje.
37 Այս Մովսէսն է որ ըսաւ Իսրայէլի որդիներուն. “Տէրը՝ ձեր Աստուածը՝ ձեր եղբայրներէն պիտի հանէ ձեզի մարգարէ մը՝ ինծի նման. մտի՛կ ըրէք անոր”:
“Ndiye Mozisi uya akaudza vaIsraeri kuti, ‘Mwari achakutumirai muprofita akaita seni anobva muvanhu venyu chaivo.’
38 Ասիկա ա՛ն է որ համախմբումին մէջ էր՝ անապատը, Սինա լերան վրայ իրեն խօսող հրեշտակին եւ մեր հայրերուն հետ: Ան կենարար պատգամներ ընդունեց՝ մեզի տալու.
Akanga ari muungano yaiva murenje, pamwe chete nomutumwa akataura kwaari paGomo reSinai, uye namadzibaba edu; uye akagamuchira mashoko mapenyu kuti azoasvitsa kwatiri.
39 բայց մեր հայրերը չուզեցին անոր հնազանդիլ, հապա զայն վանեցին իրենցմէ ու Եգիպտոս դարձան իրենց սիրտին մէջ՝
“Asi madzibaba edu akaramba kumuteerera. Vakamuramba uye mumwoyo yavo vakadzokerazve kuIjipiti.
40 ըսելով Ահարոնի. “Աստուածնե՛ր շինէ մեզի, որպէսզի երթան մեր առջեւէն. որովհետեւ այդ Մովսէսը՝ որ հանեց մեզ Եգիպտոսի երկրէն, չենք գիտեր թէ ի՛նչ եղաւ անոր”:
Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari Mozisi uyu akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakamuwira!
41 Այն օրերը շինեցին հորթ մը, զոհ մատուցանեցին կուռքին, եւ կ՚ուրախանային իրենց ձեռքերուն գործերով:
Ndiyo nguva yavakaumba chifananidzo chakaita semhuru. Vakauya nezvibayiro kwachiri vakachipemberera vachikudza chinhu chakaitwa namaoko avo.
42 Աստուած ալ երես դարձուց ու մատնեց զանոնք պաշտելու երկինքի աստղերը, ինչպէս գրուած է Մարգարէներու գիրքին մէջ. “Միթէ ինծի՞ մատուցանեցիք մորթուած անասուններ եւ զոհեր՝ քառասուն տարի անապատին մէջ, ո՛վ Իսրայէլի տունը:
Asi Mwari akavafuratira akavasiya kuti vanamate hondo dzokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku ravaprofita zvichinzi: “‘Makandivigira zvibayiro nezvipo makore makumi mana murenje here, imi imba yaIsraeri?
43 Հապա կրեցիք Մողոքի վրանը ու ձեր Հռեմփա աստուծոյն աստղը, ձեր կերտած պատկերները՝ անոնց երկրպագելու համար: Ես ալ պիտի տարագրեմ ձեզ Բաբելոնի միւս կողմը”:
Makatakura tabhenakeri yaMoreki nenyeredzi yamwari wenyu Refani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate. Naizvozvo ndichakuendesai kuutapwa’ mberi kweBhabhironi.
44 «Անապատին մէջ՝ մեր հայրերը ունէին վկայութեան խորանը, ինչպէս Մովսէսի հետ խօսողը պատուիրած էր որ շինէ զայն՝ տեսած տիպարին պէս:
“Madzitateguru edu akanga ane tabhenakeri yeChipupuriro pakati pavo murenje. Yakanga yakagadzirwa sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naMwari, maererano nomufananidzo waakanga aona.
45 Անոնց յաջորդող մեր հայրերն ալ՝ զայն ստանալով՝ Յեսուի հետ մտցուցին կալուածը այն հեթանոսներուն, որ Աստուած վանեց մեր հայրերուն առջեւէն: Հոն մնաց մինչեւ Դաւիթի օրերը,
Vakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi,
46 որ Աստուծոյ առջեւ շնորհք գտաւ եւ ուզեց բնակարան մը կառուցանել Յակոբի Աստուծոյն.
uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara.
47 բայց Սողոմո՛ն տուն մը կառուցանեց անոր:
Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.
48 Սակայն Ամենաբարձրը չի բնակիր ձեռակերտ տաճարներու մէջ, ինչպէս մարգարէն կ՚ըսէ.
“Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti:
49 “Երկինքը իմ գահս է, ու երկիրը իմ ոտքերուս պատուանդանն է. ինչպիսի՞ տուն պիտի կառուցանէք ինծի, - կ՚ըսէ Տէրը, - կամ ի՞նչպէս պիտի ըլլայ իմ հանգստավայրիս տեղը.
“‘Denga ndicho chigaro changu choushe uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu. Ko, muchandivakira imba yakaita sei? ndizvo zvinotaura Ishe. Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?
50 միթէ իմ ձեռքս չէ՞ շիներ այս բոլորը”:
Ko, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?’
51 «Խստապարանոցնե՛ր ու սիրտով եւ ականջով անթլփատնե՛ր, դուք միշտ կ՚ընդդիմանաք Սուրբ Հոգիին, ինչպէս ձեր հայրերը՝ այնպէս ալ դուք:
“Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene!
52 Մարգարէներէն ո՞րը չհալածեցին ձեր հայրերը, ու չսպաննեցին անոնք՝ որ նախապէս ծանուցանեցին այն Արդարին գալուստը: Անոր մատնիչները եւ սպաննողները եղաք հիմա,
Kwakambova nomuprofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu here? Vakauraya kunyange vaya vakaprofita kuuya kwaIye Oga Akarurama. Uye zvino makamupandukira mukamuuraya,
53 դո՛ւք՝ որ ստացաք Օրէնքը հրեշտակներու կարգադրութեամբ, բայց չպահեցիք զայն»:
iyemi makagamuchira murayiro wamakapiwa kubudikidza navatumwa, asi mukasauteerera.”
54 Այս բաները լսելով՝ անոնք կը մոլեգնէին իրենց սիրտերուն մէջ եւ կը կրճտէին իրենց ակռաները անոր դէմ:
Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa zvikuru uye vakamurumanyira meno avo.
55 Բայց ան՝ լեցուած Սուրբ Հոգիով՝ ակնապիշ նայեցաւ դէպի երկինք, տեսաւ Աստուծոյ փառքը ու Յիսուսն ալ՝ որ Աստուծոյ աջ կողմը կայնած էր, եւ ըսաւ.
Asi Sitefani, azere noMweya Mutsvene, akatarisa kudenga akaona kubwinya kwaMwari, uye Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.
56 «Ահա՛ կը տեսնեմ երկինքը բացուած, ու մարդու Որդին՝ Աստուծոյ աջ կողմը կայնած»:
Akati, “Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”
57 Իսկ անոնք բարձրաձայն աղաղակելով՝ գոցեցին իրենց ականջները, եւ բոլորը միաբանութեամբ խուժեցին անոր վրայ,
Pavakanzwa izvi vakadzivira nzeve dzavo vakamhanyira kwaari vose, vachidanidzira namanzwi ari pamusoro-soro,
58 ու քաղաքէն դուրս հանելով՝ քարկոծեցին զայն. եւ վկաները իրենց հանդերձները պահ դրին երիտասարդի մը ոտքերուն քով, որ կը կոչուէր Սօղոս:
vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta vakatanga kumutaka namabwe. Uye, vaya vaiva zvapupu vakandoisa nguo dzavo patsoka dzejaya rainzi Sauro.
59 Ու կը քարկոծէին Ստեփանոսը, որ կը գոչէր. «Տէ՛ր Յիսուս, ընդունէ՛ իմ հոգիս»:
Vachiri kumutaka namabwe, Sitefani akanyengetera, akati, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.”
60 Եւ ծնրադրելով՝ բարձրաձայն աղաղակեց. «Տէ՛ր, այս մեղքը մի՛ սեպեր ատոնց»: Ասիկա ըսելով՝ ննջեց:
Ipapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata.

< ԳՈՐԾՔ ԱՌԱՔԵԼՈՑ 7 >