< ԳՈՐԾՔ ԱՌԱՔԵԼՈՑ 19 >

1 Մինչ Ապողոս Կորնթոսի մէջ էր, Պօղոս՝ վերի երկրամասերը շրջելէ ետք՝ հասաւ Եփեսոս, եւ գտնելով քանի մը աշակերտներ՝
Zvino zvakaitika, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro akasvika paEfeso; akawana vamwe vadzidzi,
2 ըսաւ անոնց. «Երբ հաւատացիք, արդեօք ստացա՞ք Սուրբ Հոգին»: Անոնք պատասխանեցին իրեն. «Բայց մենք լսած իսկ չենք՝ թէ Սուրբ Հոգի մը կայ»:
akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda? Zvino vakati kwaari: Asi hatina kutongonzwa kana kune Mweya Mutsvene.
3 Ան ալ ըսաւ անոնց. «Հապա ինչո՞վ մկրտուեցաք»: Անոնք պատասխանեցին. «Յովհաննէսի մկրտութեամբ»:
Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Zvino vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.
4 Պօղոս ալ ըսաւ. «Յովհաննէս մկրտեց ապաշխարութեա՛ն մկրտութեամբ, ըսելով ժողովուրդին որ հաւատան անոր՝ որ պիտի գար իրմէ ետք, այսինքն՝ Քրիստոս Յիսուսի»:
Zvino Pauro wakati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anouya shure kwake, ndiko kuti, kuna Kristu Jesu.
5 Երբ ասիկա լսեցին՝ մկրտուեցան Տէր Յիսուսի անունով.
Zvino vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
6 ու երբ Պօղոս ձեռք դրաւ անոնց վրայ՝ Սուրբ Հոգին եկաւ անոնց վրայ, եւ լեզուներ կը խօսէին ու կը մարգարէանային:
Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo; vakataura nendimi, ndokuporofita.
7 Բոլորը գրեթէ տասներկու մարդ էին:
Zvino varume vese vainge gumi nevaviri.
8 Ապա ժողովարանը մտնելով՝ երեք ամիս համարձակութեամբ կը խօսէր Աստուծոյ թագաւորութեան մասին, եւ կը համոզէր:
Zvino wakapinda musinagoge akataura akashinga, kwemwedzi mitatu achiparidza achipwisa pazvinhu zveushe hwaMwari.
9 Բայց երբ ոմանք կը յամառէին ու չէին անսար՝ անիծելով այդ ճամբան բազմութեան առջեւ, հեռացաւ անոնցմէ, զատեց աշակերտները, եւ ամէն օր կը խօսէր Տիւրան անունով մէկու մը դպրանոցին մէջ:
Asi vamwe vakati vachiomesa moyo uye vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga, akabva kwavari akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tiranosi.
10 Ասիկա տեւեց երկու տարի, այնպէս որ ամբողջ Ասիայի մէջ բնակող Հրեաներն ու Յոյները լսեցին Տէրոջ խօսքը:
Zvino izvi zvakaitika kwemakore maviri, zvekuti vese vakange vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vese VaJudha neVaGiriki.
11 Աստուած արտասովոր հրաշքներ կը գործէր Պօղոսի ձեռքով.
Mwari ndokuita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,
12 մինչեւ իսկ անոր մարմինէն թաշկինակներ ու գոգնոցներ կը տարուէին հիւանդներուն, որոնք կ՚ազատէին իրենց ախտերէն ու չար ոգիները դուրս կ՚ելլէին:
zvekuti kunyange kuvarwere kwaiiswa micheka yekumeso kana mafasikoti zvaibva pamuviri wake, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda kwavari.
13 Ուստի թափառաշրջիկ Հրեաներէն ոմանք, որոնք ոգիներ կը հանէին՝՝, փորձեցին Տէր Յիսուսի անունը կանչել չար ոգիներ ունեցողներուն վրայ՝ ըսելով. «Կ՚երդմնեցնենք ձեզ Յիսուսով՝ որ Պօղոս կը քարոզէ»:
Zvino vamwe VaJudha vambeyi vadzingi vemweya yakaipa, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu Pauro waanoparidza.
14 Այս բանը ընողները՝ Սկեւա կոչուած հրեայ քահանայապետի մը եօթը որդիներն էին:
Zvino paiva nevamwe vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mupristi mukuru vaiita izvi.
15 Չար ոգին պատասխանեց անոնց. «Կը ճանչնամ Յիսուսը ու գիտեմ Պօղոսը, բայց դուք ո՞վ էք»:
Mweya wakaipa ndokupindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva nezvake; asi imwi ndimwi vana ani?
16 Եւ այդ մարդը՝ որուն մէջ էր չար ոգին, ցատկեց անոնց վրայ, տիրապետեց ու յաղթեց անոնց, այնպէս որ դուրս փախան այդ տունէն՝ մերկ եւ վիրաւոր:
Zvino munhu mweya wakaipa wawaiva paari akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba umo vasina nguvo vakuvadzwa.
17 Եփեսոս բնակող բոլոր Հրեաներն ու Յոյները գիտցան այս բանը. վախը համակեց զանոնք բոլորը՝՝, եւ Տէր Յիսուսի անունը կը մեծարուէր:
Zvino izvi zvikazikanwa kune vese VaJudha neVaGirikiwo vakange vagere paEfeso; kutya ndokuvawira vese; zita raIshe Jesu ndokukudzwa.
18 Հաւատացեալներէն շատեր կու գային, կը խոստովանէին ու կը յայտարարէին իրենց արարքները:
Zvino vazhinji vevakange vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.
19 Դիւթութիւն կիրարկողներէն շատեր՝ միասին կը բերէին իրենց գիրքերը, ու կ՚այրէին բոլորին առջեւ: Երբ հաշուեցին անոնց գինը, գտան թէ յիսուն հազար կտոր արծաթ կ՚արժէր:
Zvino vazhinji vevaiita zveun'anga vakaunganidza mabhuku pamwe vakaapisa pamberi pevese; ndokuverenga mutengo wawo, zvino vakawana masirivheri zvuru makumi mashanu.
20 Այսպէս՝ Տէրոջ խօսքը մեծապէս կ՚աճէր ու կը զօրանար:
Naizvozvo shoko raIshe rakakura nesimba rikakunda.
21 Երբ այս բաները կատարուեցան, Պօղոս հոգիին մէջ որոշեց Երուսաղէմ երթալ՝ Մակեդոնիայէն եւ Աքայիայէն անցնելով, ու կ՚ըսէր. «Հոն ըլլալէս ետք՝ պէտք է Հռոմն ալ տեսնեմ»:
Zvino izvi zvakati zvapera, Pauro wakazvipira mumweya, ambogura nepaMakedhonia neAkaya, kuenda kuJerusarema, achiti: Shure kwekuva kwangu ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.
22 Իրեն սպասարկողներէն երկուքը, Տիմոթէոսն ու Երաստոսը, ղրկեց Մակեդոնիա, եւ ինք ժամանակ մըն ալ Ասիա մնաց:
Zvino akatumira kuMakedhonia vaviri vevaimushandira, Timotio naErasto, iye akagara muAsia kwenguva.
23 Այդ ատեն մեծ խլրտում եղաւ՝ Տէրոջ ճամբային համար:
Zvino nenguva iyoyo nyonga-nyonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.
24 Որովհետեւ Դեմետրիոս անունով արծաթագործ մը, որ կը շինէր Արտեմիսի փոքրիկ արծաթէ տաճարներ ու մեծ վաստակ կը բերէր արհեստաւորներուն,
Nokuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, waiuisa mubairo usati uri mudiki kumhizha;
25 համախմբեց զանոնք՝ նոյն արհեստին գործաւորներուն հետ, եւ ըսաւ. «Մարդի՛կ, դուք գիտէք թէ այս գործէ՛ն է մեր եկամուտը.
wakadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tine upfumi hwedu.
26 ու կը տեսնէք եւ կը լսէք թէ այս Պօղոսը ո՛չ միայն Եփեսոսի մէջ, այլ նաեւ գրեթէ ամբողջ Ասիայի մէջ մեծ բազմութիւն մը համոզեց ու մոլորեցուց, ըսելով թէ “ձեռքով շինուածները աստուածներ չեն”:
Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yese, Pauro uyu wakagombedzera nekutsausa chaunga chikuru, achiti vakaitwa nemaoko havasi vamwari.
27 Ուստի վտանգ կայ, որ ո՛չ միայն այս մեր կողմը անարգուի, այլ մեծ աստուածուհիին՝ Արտեմիսի տաճա՛րն ալ ոչինչ սեպուի, եւ խորտակուի մեծափառութիւնը անո՛ր՝ որ ամբողջ Ասիան ու երկրագունդը կը պաշտեն»:
Zvino hazvisi izvi chete kuti chikamu chedu chisvike panjodzi yekuzvidzwa, asi netembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichaitwa chinhu pasina neukuru-kuru hwake huchaderedzwa, iye Asia nenyika yese wavanonamata.
28 Երբ լսեցին ասիկա, զայրոյթով լեցուած կ՚աղաղակէին. «Մե՜ծ է Եփեսացիներուն Արտեմիսը»:
Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!
29 Ամբողջ քաղաքը լեցուեցաւ խառնաշփոթութեամբ, ու յափշտակելով Գայիոս եւ Արիստարքոս Մակեդոնացիները՝ Պօղոսի ճամբորդակիցները՝ բոլորը միաբանութեամբ վազեցին թատրոնը:
Zvino guta rese rakazadzwa nenyonga-nyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panhandare, vakakweva Gayo naArisitako VaMakedhonia, vaperekedzi vaPauro.
30 Իսկ երբ Պօղոս ուզեց մտնել ամբոխին մէջ, աշակերտները չթոյլատրեցին իրեն:
Zvino Pauro akada kupinda muchaunga, vadzidzi havana kumutendera.
31 Ասիապետներէն ոմանք ալ, որ իր բարեկամներն էին, մարդ ղրկելով իրեն՝ կ՚աղաչէին որ չյանդգնի երթալ թատրոնը:
Uye nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kuzvipinza panhandare.
32 Ուստի ոմանք բան մը կ՚աղաղակէին, ուրիշներ՝ ուրիշ բան, որովհետեւ համախմբումը շփոթած էր. շատեր ալ չէին գիտեր թէ ինչո՛ւ համախմբուած են:
Zvino vamwe vakadanidzira chimwe vamwe chimwe; nokuti ungano yakange yanyonganiswa, uye vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
33 Ապա բազմութեան մէջէն դուրս քաշեցին Աղեքսանդրոսը, որ Հրեաները յառաջ քշեցին. Աղեքսանդրոս ալ՝ ձեռքը շարժելով՝ կ՚ուզէր ջատագովել ինքզինք ամբոխին առջեւ:
Zvino vakabudisira Arekisandiro kunze kubva muchaunga, VaJudha vachimusundira mberi. Zvino Arekisandiro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira kuvanhu.
34 Երբ գիտցան թէ ան Հրեայ է, բոլորը միաբերան՝ գրեթէ երկու ժամ աղաղակեցին. «Մե՜ծ է Եփեսացիներուն Արտեմիսը»:
Asi pavakaziva kuti muJudha, inzwi rimwe rakamuka kune vese, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!
35 Սակայն ատենադպիրը՝ հանդարտեցնելով բազմութիւնը՝ ըսաւ. «Եփեսացի՛ մարդիկ, ո՞վ է այն մարդը որ չի գիտեր թէ Եփեսացիներուն քաղաքը՝ պահապանն է մեծ Արտեմիսի ու Դիոսէ ինկած կուռքին տաճարին:
Zvino munyori wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, nokuti munhu ndeupi aripo asingazivi kuti guta reVaEfeso ndiro muchengetedzi wetembere yamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kudenga.
36 Ուրեմն, նկատելով որ այս բաները անվիճելի են, դուք պէտք է հանդարտ կենաք եւ յանդգնութեամբ ոչի՛նչ ընէք:
Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, munofanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.
37 Քանի որ դուք հոս բերիք այդ մարդիկը, որոնք ո՛չ տաճար կողոպտողներ են, ո՛չ ալ ձեր աստուածուհիին հայհոյողներ:
Nokuti mauisa varume ava, vasiri makororo edzitembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.
38 Ուրեմն, եթէ Դեմետրիոս եւ իրեն հետ եղող արհեստաւորները բան մը ունին ոեւէ մէկուն դէմ, դատի օրեր կան ու փոխ-հիւպատոսներ. թող ամբաստանեն զիրար:
Naizvozvo kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe, matare emhosva akazarurwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.
39 Իսկ եթէ ձեր պահանջը ուրիշ բանի մը մասին է, թող բացատրուի օրինաւոր համախմբումի մէջ:
Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererano nezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.
40 Որովհետեւ մենք ալ այսօրուան եղածին համար՝ իբր ապստամբ ամբաստանուելու վտանգին մէջ ենք, քանի որ պատճառ մը չկայ՝ որով կարենանք հաշիւ տալ այս խառնիճաղանճին համար»:
Nokuti tiri munjodziwo yekupiwa mhosva yebongozozo ranhasi zvapasina chikonzero chatingapa nacho rondedzero yenyongano iyi.
41 Ու երբ այսպէս խօսեցաւ՝ արձակեց համախմբումը:
Zvino wakati ataura izvozvi, akaparadza ungano.

< ԳՈՐԾՔ ԱՌԱՔԵԼՈՑ 19 >