< ٢ كورنثوس 10 >

ثُمَّ أَطْلُبُ إِلَيْكُمْ بِوَدَاعَةِ ٱلْمَسِيحِ وَحِلْمِهِ، أَنَا نَفْسِي بُولُسُ ٱلَّذِي فِي ٱلْحَضْرَةِ ذَلِيلٌ بَيْنَكُمْ، وَأَمَّا فِي ٱلْغَيْبَةِ فَمُتَجَاسِرٌ عَلَيْكُمْ. ١ 1
Zvino ini Pauro ndomene ndinokukumbirisai neunyoro, uye moyochena waKristu, wakaninipiswa pakati penyu kana ndiripo, asi kana ndisipo ndine ushingi kwamuri;
وَلَكِنْ أَطْلُبُ أَنْ لَا أَتَجَاسَرَ وَأَنَا حَاضِرٌ بِٱلثِّقَةِ ٱلَّتِي بِهَا أَرَى أَنِّي سَأَجْتَرِئُ عَلَى قَوْمٍ يَحْسِبُونَنَا كَأَنَّنَا نَسْلُكُ حَسَبَ ٱلْجَسَدِ. ٢ 2
ndinokumbirisawo, kuti kana ndiripo, ndirege kuva neushingi nekuzvipira uku kwandinoverengerwa kuti ndine ushingi hwekumirisana nevamwe vanotifungira sevanofamba panyama.
لِأَنَّنَا وَإِنْ كُنَّا نَسْلُكُ فِي ٱلْجَسَدِ، لَسْنَا حَسَبَ ٱلْجَسَدِ نُحَارِبُ. ٣ 3
Nokuti kunyange tichifamba panyama, hatirwi maererano nenyama;
إِذْ أَسْلِحَةُ مُحَارَبَتِنَا لَيْسَتْ جَسَدِيَّةً، بَلْ قَادِرَةٌ بِٱللهِ عَلَى هَدْمِ حُصُونٍ. ٤ 4
nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvakasimba kubudikidza naMwari pakuputsa nhare,
هَادِمِينَ ظُنُونًا وَكُلَّ عُلُوٍّ يَرْتَفِعُ ضِدَّ مَعْرِفَةِ ٱللهِ، وَمُسْتَأْسِرِينَ كُلَّ فِكْرٍ إِلَى طَاعَةِ ٱلْمَسِيحِ، ٥ 5
tichiwisa mirangariro nechese chakakwirira chinozvikwiridza chichipesana neruzivo rwaMwari, nekuisa muutapwa murangariro wese pakuteerera Kristu;
وَمُسْتَعِدِّينَ لِأَنْ نَنْتَقِمَ عَلَى كُلِّ عِصْيَانٍ، مَتَى كَمِلَتْ طَاعَتُكُمْ. ٦ 6
takazvigadzira kutsiva kusateerera kwese, kana kuteerera kwenyu kwazadzisika.
أَتَنْظُرُونَ إِلَى مَا هُوَ حَسَبَ ٱلْحَضْرَةِ؟ إِنْ وَثِقَ أَحَدٌ بِنَفْسِهِ أَنَّهُ لِلْمَسِيحِ، فَلْيَحْسِبْ هَذَا أَيْضًا مِنْ نَفْسِهِ: أَنَّهُ كَمَا هُوَ لِلْمَسِيحِ، كَذَلِكَ نَحْنُ أَيْضًا لِلْمَسِيحِ! ٧ 7
Munotarira zvinhu pamaonekero azvo ekunze here? Kana munhu achizvivimba kuti iye ndewaKristu, ngaazvirangarirezve, kuti iye sezvaari waKristu, saizvozvo nesu tiri vaKristu.
فَإِنِّي وَإِنِ ٱفْتَخَرْتُ شَيْئًا أَكْثَرَ بِسُلْطَانِنَا ٱلَّذِي أَعْطَانَا إِيَّاهُ ٱلرَّبُّ، لِبُنْيَانِكُمْ لَا لِهَدْمِكُمْ، لَا أُخْجَلُ. ٨ 8
Nokuti kana nezvinhu zvizhinjisa ndisazvirumbidzazve maererano nesimba redu, Ishe raakatipa pakuvaka, uye kwete rekuparadza kwedu, handinganyadziswi;
لِئَلَّا أَظْهَرَ كَأَنِّي أُخِيفُكُمْ بِٱلرَّسَائِلِ. ٩ 9
kuti ndirege kuonekwa sendinokutyityidzirai netsamba.
لِأَنَّهُ يَقُولُ: «ٱلرَّسَائِلُ ثَقِيلَةٌ وَقَوِيَّةٌ، وَأَمَّا حُضُورُ ٱلْجَسَدِ فَضَعِيفٌ، وَٱلْكَلَامُ حَقِيرٌ». ١٠ 10
Nokuti vanoti: Tsamba dzake dzinorema uye dzine simba; asi kuvapo kwemuviri kune utera nekutaura kwake kunozvidzika.
مِثْلُ هَذَا فَلْيَحْسِبْ هَذَا: أَنَّنَا كَمَا نَحْنُ فِي ٱلْكَلَامِ بِٱلرَّسَائِلِ وَنَحْنُ غَائِبُونَ، هَكَذَا نَكُونُ أَيْضًا بِٱلْفِعْلِ وَنَحْنُ حَاضِرُونَ. ١١ 11
Wakadaro ngaarangarire ichi, kuti sezvatakadaro pashoko kubudikidza netsamba kana tisipo, nesu takadaro pakuita kana tiripo.
لِأَنَّنَا لَا نَجْتَرِئُ أَنْ نَعُدَّ أَنْفُسَنَا بَيْنَ قَوْمٍ مِنَ ٱلَّذِينَ يَمْدَحُونَ أَنْفُسَهُمْ، وَلَا أَنْ نُقَابِلَ أَنْفُسَنَا بِهِمْ. بَلْ هُمْ إِذْ يَقِيسُونَ أَنْفُسَهُمْ عَلَى أَنْفُسِهِمْ، وَيُقَابِلُونَ أَنْفُسَهُمْ بِأَنْفُسِهِمْ، لَا يَفْهَمُونَ. ١٢ 12
Nokuti hatina ushingi hwekuzviverengera kana kuzvifananidza nevamwe vevanozvirumbidza; asi ivo vanozvienzanisa vega, nekuzvifananidza pachavo, havanzwisisi.
وَلَكِنْ نَحْنُ لَا نَفْتَخِرُ إِلَى مَا لَا يُقَاسُ، بَلْ حَسَبَ قِيَاسِ ٱلْقَانُونِ ٱلَّذِي قَسَمَهُ لَنَا ٱللهُ، قِيَاسًا لِلْبُلُوغِ إِلَيْكُمْ أَيْضًا. ١٣ 13
Asi isu hatingazvikudzi zvinopfuura chipimo, asi zvinoenderana nechipimo chemuganhu Mwari waakatitemera, chipimo chekusvika nekwamuri.
لِأَنَّنَا لَا نُمَدِّدُ أَنْفُسَنَا كَأَنَّنَا لَسْنَا نَبْلُغُ إِلَيْكُمْ. إِذْ قَدْ وَصَلْنَا إِلَيْكُمْ أَيْضًا فِي إِنْجِيلِ ٱلْمَسِيحِ. ١٤ 14
Nokuti hatizvitandavadzi kupfuurikidza setisingasvikiri kwamuri, nokuti nekwamuriwo takasvika muevhangeri yaKristu;
غَيْرَ مُفْتَخِرِينَ إِلَى مَا لَا يُقَاسُ فِي أَتْعَابِ آخَرِينَ، بَلْ رَاجِينَ -إِذَا نَمَا إِيمَانُكُمْ- أَنْ نَتَعَظَّمَ بَيْنَكُمْ حَسَبَ قَانُونِنَا بِزِيَادَةٍ، ١٥ 15
tisingazvikudzi kupfuurikidza chipimo pamabasa evamwe; asi tine tariro, kuti kana rutendo rwenyu rwuchiwanzwa, isu tichakuriswa pakati penyu zvinoenderana nemuganhu wedu nekupfuurisa,
لِنُبَشِّرَ إِلَى مَا وَرَاءَكُمْ. لَا لِنَفْتَخِرَ بِٱلْأُمُورِ ٱلْمُعَدَّةِ فِي قَانُونِ غَيْرِنَا. ١٦ 16
kuparidza evhangeri pamatunhu ari mhiri kwenyu, kwete kuzvirumbidza pamuganhu weumwe pazvinhu zvakagadzirwa.
وَأَمَّا: «مَنِ ٱفْتَخَرَ فَلْيَفْتَخِرْ بِٱلرَّبِّ». ١٧ 17
Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe.
لِأَنَّهُ لَيْسَ مَنْ مَدَحَ نَفْسَهُ هُوَ ٱلْمُزَكَّى، بَلْ مَنْ يَمْدَحُهُ ٱلرَّبُّ. ١٨ 18
Nokuti haasi anozvirumbidza uyo anogamuchirwa, asi Ishe waanorumbidza.

< ٢ كورنثوس 10 >