< Roma 3 >

1 Tutun iyari Ayahudawe na se? iyagnari tutun nmari nbowe?
Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko?
2 imone di gwardan kokome kusari. inchizune, iwayini nin ghnu ipuno ani fiseri Kutelle.
Zvizhinji nemitoo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo.
3 Andi among Ayahudawa di sa uyinu sa uyenu fa? Udirun nyinu mine mati uliru Kutelle yita imon filluah?
Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here?
4 Ko inyizi. Bara nani wang, na Kutelle yita unan kidegen, adi kogha di unan kinu. Naafo na idi nya niyerte, “ibayiru udi dert nan nya nagulang inlirufe, tutun uyisin gegeme uda in wusu wusu kidegen.”
Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.”
5 Andi udirun dortu nimon ichine bit ndurso imon ichine Kutelle, tima woru ongyang? Na Kutelle dinin dirun sunimon ichine ba, ameh urika na adin puzunu tinanayi, amereh? Indi su uliru nafo unit usirene.
Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu).
6 Na uwasonani. Bara nane, inyizari Kutelle, mawusu kidegen inye?
Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko?
7 Andi kidegen Kutelle nuzu nan nya kinuni nan nya zazunu meh, inyagharita idin wusuzue kidegen nafo unan kulapi?
Mumwe anogona kuti, “Zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?”
8 Iyang ma wantinu iworo, nafo ubellubit kinu, tiworo, tutun among na yinin tiworo “Na ti su imon inan zan, bara imon ichine na dawa? Uwusu kidegen kitene mine chau.
Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.
9 Iyaghari tutun? Tidinin nimon bellua? Ko imon irum. Bari arikin mal vuru Ayahudawa nin Nawurmi, nwo idin nan nya nalapi,
Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha neveDzimwe Ndudzi, yokuva pasi pechivi.
10 Nafo na udin nan nya niyerte, na unan fiwu Kutelle dikuba, na warun dikuba.
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;
11 Na umondiku na adinin yinuba Na umonduku unan pizuru Kutelleba.
hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari.
12 Vat ina kpilin, vat inghnu so hem. Na umon duku na adin su nimon gegemeba kayi! Nawasame dukuba.
Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakava vasina maturo; hakuna kana mumwe anoita zvakanaka, kana mumwe zvake.”
13 Asholushok mine pun fang nafo nisek. Tilem so imon nrusuzu kiti. Timun niyii di nakpah tinumine.
“Huro dzavo makuva akashama; ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.” “Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”
14 Tinumine kulun nin nizogo nin gbagbai
“Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.”
15 Abunu mine din tizu mas mas ngutuzunun nmii.
“Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
16 Umusuzu nin niu di libau mine.
kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo,
17 Na iyiru libau lisosin liman ba.
Uye nzira yorugare havaizivi.”
18 Na ulanzu feu Kutelle di niyizi mineba.”
“Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”
19 Nene tiyiru, vat imerika na ushara belle, nale na idin nan nya shara, inan tursu tinu vat, tutun vat uyi yita nin kwanu Kutelle.
Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
20 Udinani bara na kidowo mase inchine libau katuwa niyizi sharaba. Bara nan nya sharawe uyinu kulapi da.
Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi.
21 Nene vat nin dirun sharawe ngegeme Kutelle puno kidowo, ushara nin nanan kadura Kutelle inso iyizi inba,
Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita.
22 usonani, ngegeme katuwa Kutelle nan nya yinnu sa uyenu, nan nya Yisa Kirsti vat kiti nale na iyinna. Na maferu feru dukuba.
Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano,
23 Bara vat nati alapi inani na dari kitin ghantinu Kutelle,
nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari,
24 ita chaut hennani kitenen nbollu Kutelle nan nya kurtunu ulẹ na udin nan nya Yisa Kirsti.
uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.
25 Bari urika na Kutellẹ natuu Yisa Kirsti unan bolu ari nan nya yinu sa uyenu, nan nya nmii mẹ: ana ni Kirsti ku bara apun nchaut mẹ tutun nin shawu nalapi alẹ nawa adi, bara ayi ashẹu me.
Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare.
26 Vat nani wa yita bara udursun ngegeme mẹ nan nya kokubẹ, anan dursọ litime chaut, akuru adurọ nwo amere din tizu anit chaut vat nalẹ na idinin yinnu sa uyenu nan nya Yisa.
Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu.
27 Unin fofigiri ndẹ? Ẹ kala unin. Kitene inyang? Kitene katwa? Nanare ba kitene inyinnu sa uyenu machas.
Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda.
28 Bari nani, ti malzina nwo unit din sesu nchaut bari uyinnu sa uyenu na katwa inshara dukuba.
Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoruramisirwa nokutenda kwete nokuchengeta murayiro.
29 Sa Kutellẹ kun Nayahudawari machàs? Sa na amẹ Kutellẹ Nawurmerẹ. wang ba? Aẹ, nin Nawurmẹ wang.
Ko, Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Ko, haazi Mwari weveDzimwe Ndudziwo here? Hongu ndoweveDzimwe Ndudziwo,
30 Andi Kutellẹ kurumari, ammati ubowe nan nya yinnu sa uyenu nchaut.
sezvo kuna Mwari mumwe chete uyo acharuramisira vakadzingiswa nokutenda uye vasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda kumwe cheteko.
31 Iyanghri ti din bellẹ, ifilin usharawẹ bari uyinnu sa uyenwá? Na nanni wayita ba. Nin nani ti miin usharawe.
Zvino tinobvisa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku! Asi, tinosimbisa murayiro.

< Roma 3 >