< Uruyan Yuhana 8 >

1 Na Ku kam npuno tiyat tin zore, kitene kane ta tik nanya kugirr kubi.
Akati azarura chisimbiso chechinomwe, kwakava nokunyarara kudenga kwenguva inenge hafu yeawa.
2 Inyene nono katua Kutelle kuzor na isin, i nani alantung.
Uye ndakaona vatumwa vanomwe vanomira pamberi paMwari, uye vakapiwa hwamanda nomwe.
3 umon unan kadura Kutelle uni wa dak, awa myin kukurun nturari kunya kunang, awa yissin kitene nbagadi. Iwa nighe uturari gbardang anan di nakpa unin umunu nlira na nit alau vat kiteene nbagadi tizinariya nbun kutet tigo.
Mumwe mutumwa, akanga ano mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe, akauya akamira paaritari. Akapiwa zvinonhuhwira zvizhinji zvokuzopa, pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose, paaritari yegoridhe pamberi pechigaro choushe.
4 Ncin nturare, nin lira na nit alauwe, wa fita a ghana udu kiti Kutellee unuzu nacar ngono kadure.
Utsi hwezvinonhuhwira, pamwe chete neminyengetero yavatsvene, zvakakwira pamberi paMwari kubva muruoko rwomutumwa.
5 Unan kadure wa yaun kukurune a di kulo ula ku kitene nnagade. Amini wa filin unun uda deo kutyen, Kutelle koni wa tutuzo, anite ta bunin fiu, umalzinu kiti, nin hirtuzu kutyen.
Ipapo mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, akauzadza nomoto waibva paaritari, akaukanda panyika; uye ipapo kwakaita mabhananʼana, maungira okutinhira, kupenya kwemheni nokudengenyeka kwenyika.
6 Nono kadura kuzore na iwa di nin na lantun kuzore fita iyisa nworu iwulsun aning.
Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe vakagadzirira kudziridza.
7 Gono katwa kan cizunue wulsuno kulantung me. Intet nin la umunu nmii wa yita. Iwa filin unin nan nya in yii unan leo mcashi ntat in yie, a ukashi utat naca wa juju kidowo vat, a mpi vat wa li ida.
Mutumwa wokutanga akaridza hwamanda yake, ipapo kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, uye zvikakandwa pamusoro penyika. Chikamu chimwe chete muzvitatu chenyika chakapiswa, chikamu chimwe chete muzvitatu chemiti chikapiswa, uye uswa hwose hunyoro hukapiswa.
8 Gono kadura kan be wulsuno kun me kulantunghe, imonmong nafo likup lidya na lisa din lin la iwa tu linin nan nya kurawa. Ukashi utat nmyen kurawe kpilya nita nmii vat.
Mutumwa wechipiri akaridza hwamanda yake uye chimwe chinhu chakanga chakaita segomo guru, raipfuta rose, chikakandwa mugungwa. Chikamu chimwe chete muzvitatu chegungwa chakashanduka chikava ropa,
9 Ukashi utat ninawa nan nya nmyene ku, ukashi utat tizirigin nmyene naniza.
chikamu chimwe chete muzvitatu chezvisikwa zvipenyu zviri mugungwa chikafa, uye chikamu chimwe chete muzvitatu chezvikepe chikaparadzwa.
10 Gono kadura un tate wulsuno kulantung me, fong fiyini fidya kitene kane deo kite kane, fi din walta nafo utushel, usun nutat nanya nigingawa a niti tini mei.
Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechikamu chimwe chete muzvitatu chenzizi nezvitubu zvemvura,
11 Lisa fiyini 'Wormwood'. Ku gir kun tat mein kpilya miso 'wormwood', anit gbardang wa kuzu unuzun nmyene na mi wa ti gbagbai.
zita renyeredzi rainzi Chinovava. Chikamu chimwe chete muzvitatu chemvura zhinji chakavava, uye vanhu vazhinji vakafa nokuda kwemvura yakanga yovava.
12 Gono kadura kan nasse wulsuno kulantung me, ukashi utat nwui uni wa wuto, nanere ukashi utat npui a ukashi utat niyini. Ukashi utata mine wa kpilya usurio, nin kash utat liyirin a ukashi utat kiyitik wa yita nin kanang ba.
Mutumwa wechina akaridza hwamanda yake, uye chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva chikarohwa, chikamu chimwe chete muzvitatu chomwedzi, nechikamu chimwe chete muzvitatu chenyeredzi, zvokuti chikamu chimwe chete muzvitatu chazvo chakashanduka chikasviba. Chikamu chimwe chete muzvitatu chezuva iro chakanga chisina chiedza, uyewo nechikamu chimwe chete muzvitatu chousiku uhwo.
13 Nyenje, lananza kuzi na ku wa di ngalu kitik kitene kani, yicu nin liwui lidia, li nin woro, “Kash'', ''kash'', ''kash'', kiti na na le na issosin nanya in yii, bara ngissin na lantung atate na nono kadura wulsu”
Pandakatarira, ndakanzwa gondo rakanga richibhururuka pakati pomuchadenga richirira nenzwi guru richiti, “Nhamo! Nhamo! Nhamo kuna vanogara panyika, nokuda kwehwamanda dzava kuda kuzoridzwa navamwe vatumwa vatatu!”

< Uruyan Yuhana 8 >