< Uruyan Yuhana 2 >

1 “Udu kiti ngono kadura Kutelle kilari nlira in Afisawa nyertine: 'Uliru nlenge na a min iyini kuzore ncara ulime me. Ule na adin cinu nan nya tica nla nizinariya kuzore nworo nenge,
“Kumutumwa wekereke iri muEfeso nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi anofamba pakati pezvigadziko zvinomwe zvemwenje.
2 “Meng yiru imon ile na una suu nin katwaa nijasi fe ayi asheu nin teru kibinai fe, ana fe wa sa uso ligowe nin na nan katwaa kananzang ba, uminin na dumun alenge na idin su inung nono kadura, a na nanere yi ta ba, inanin se nani nin kinuu.
Ndinoziva mabasa ako, kubata kwako nesimba uye nokutsungirira kwako. Ndinoziva kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uye kuti wakaedza avo vanozviti vapostori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari venhema.
3 Meng yiru nsheu nteru kibinai fe, umini na neo kang bara lisa ning, a na una lanza kudirya ba.
Wakatsungirira ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta.
4 Vat nani ndi nin nimon nivira nin fi, bara na una sun usuu nburnu fe.
Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga.
5 Lizino kiti kanga na una diu ku. Suna kulapi fe usu imon ile na una suzu nin burne. A se na ucino likara li nanza fe ba, in wang dak mba da kalu kuca nle kitene.
Rangarira pawakawa! Tendeuka uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho.
6 Bara na udi nin lele, udin shina nile imon na an Nikolitiya na su, ile wang na meng nari.
Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.
7 Andi udi nin kutuf, lanza imon ile na Uruhu din bellu nilari nliru Kutelle. Ule na a leo likume mba yinunghe ali kucan lai, ko na kudi kipin tigo Kutelle'.
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.
8 “Udu kitin gono kadura Kutelle kilarin nlira in Sumaniya nyertine: Ulelere uliru nlenge na awa di nburnue nin ni maline, ulenge na awa ku amini na ti ulai tutung:
“Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga neWokupedzisira, akafa uye akararamazve.
9 “Meng yiru uniu nin likimon fe. (amma udin nin se), nin wulsu na lenge na idininsu innung a Yahudawari (a na naniere ba, ina dii kilarin nlirun Shaitanghari).
Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani.
10 Na iw a lanza fiu nile imon na iba niu mung ba. Yenen! Kugwergenue din cinu u tuu among mine nan nya kilari licin inan dumun minu, iba niu nan nya nayiri li kure. Yitan ni nayi a kone uduru ukul, meng ma ni minu Litappa nlai.
Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.
11 Andi udi nin kutuf, lanza imon ile na Uruhu din belu ninlari nliru Kutell. e Ulenge na aleo likumme na ukul nmba ba seghe ba.
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri.
12 “Cindu udura nikilisiyan Perigamum nyerte: 'Tuo nye re ttigulan nlengee na adi nin kisangali nlikang nasariaba:
“Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose.
13 “'Myen yiru kika na usosin ku-kika na lichur nshaitan nnghari. Vat nani umiin lisa nighye parrt, na usuu nntala nni kibinai fye nmi ba, wan nin nya nayirin Antipas iyizin yenu ning, unan liyisin nanya ninghe, nai wa mdu nan ninghe, kikanye na shaitan sosinku.
Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani.
14 Nya nani ndi ning nimon baat ugan ninf: Udi ning namon na imiin gangan madudurzun Balaam, na awa duro Balak ku a filo kutalan tiru nbun nnonon Isruila, unang sye ilyeu imon nli njuju uhem nna kwu tichil inin su nzemzem nmulsu.
Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe.
15 Libau lirumere, i di ning na le wan na imiin gangan madudursuzu na Nikolainiyawa.
Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti.
16 Kwilzinan, nanere! An nanari ba, mba dak nfi dyedei, mba dak nin su likum kitenye minye ning kisangali na ki nuzu nanya nnuu ning.
Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu.
17 Asa udi nin kutuf, lanza imeile na unangwaru din belu ikilisiyai. Cindu nlengyye na a lyeu, mba nyinghe ummong u manna nau nyeshin, nning ninghye litala libau ning lisa lipesye na i nyertinye kutalye, lisa lo na umon yiru ba nngiwaa unan serye rye yiru.
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira.
18 “Cindu udura ilisiyan Thyatira nyertine: 'Alenge nye rye agwulan Nsaun Kutelleh, ulenge na iyizi mye di fuo lilyem nnla nin nabunu nafuo ikoroishine na, na weltin:
“Kumutumwa wekereke iri muTiatira nyora kuti: Aya ndiwo mashoko oMwanakomana waMwari, ane meso anenge murazvo womoto uye ane tsoka dzinopenya sendarira.
19 “'Nyire imoilee na umai ti. Usuu fye nin ntikibinai nin katwa nin terun nkotunu, wan nin nimoile na una worin nsu ikata in cizinue.
Ndinoziva mabasa ako, rudo rwako nokutenda kwako, kushumira kwako uye nokutsungirira kwako, uye kuti iye zvino uri kuita zvinopfuura zvawakaita pakutanga.
20 Nin nyanani ndi nin nimon nnari kitene fye: U yinna nin wani unye Jezebel, na adinsu amye uwa nanan nyenju nimon nchinu. Nnya madursudurzu mye, adin rusuzu a cin nnin isuu nzemnzen nmulsu nin nnli nimonnli nainakwa tichil.
Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo.
21 Nna nnighye kubi a kwilin, na a yinna a kwilin ba a suun nzemzem nye ba.
Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka.
22 Yenje! Menba filu nnghe unonku ro nkonu, nin na lenge na ichindin nmolsu nanghe cin piru nijasi idya, ankuru na i kwilla nnuzu nimon nsu mye ba.
Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo.
23 Mbaa dazunu nonomye ikuzu, vat niklisiyai ba nin yinnu ning woru myeri din piziru nibinai nin na nyanti nimon. Mba nnyi vat nlenge na asuu imon ile na unit risuu.
Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake.
24 Nanyere kagisin minye nnyan Thyatira, cindu vat na lye na isali sa u minnu madursuzu ma nye, inin tani imoile na idinsu muun imon ichancham nshaitan-udu nnghinu ndinsu, 'Na myen ba kwin minu nmong nugetyek ku ba.'
Zvino ndinoti kwamuri mose imi muri paTiatira, kunemi vasingabatiriri padzidziso yake uye vasina kudzidza zvinonzi zvakavanzika zvaSatani (handichazoisi mimwe mitoro pamusoro penyu):
25 Sa isu nnyiziari, uba minuarye part uchicha cin dak nin.
Batisisai chete icho chamunacho kusvikira ndauya.
26 Ulenge na alyeu nin iye na suu imoilye na myen nsuu cindu liganghe, cindu nghe mba nyi likalin kityenye timinn.
Kuno uya anokunda uye achiita kuda kwangu kusvikira pakuguma, ndichamupa simba pamusoro pendudzi:
27 'Amye ba sun tigo kityeneminye nin ncha fikoro, fuo a dul tiwing a baa puchua ni chinchwun.
‘Achavatonga netsvimbo yesimbi; achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’, sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu.
28 Na fuo na nsere kitin Ncif nin, mme wang ba nnighe fibir.
Ndichamupawo nyeredzi yamangwanani.
29 Asa u di nin kutuf, lanza imoile na unangwaru din bellu Iklisiyai.'
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.

< Uruyan Yuhana 2 >