< Uruyan Yuhana 14 >

1 Nwa yenje in yene kukan Kutelle yissin likup in Sihiyona. Ligowe ninghe anit wa di amui akalt likure nin nakut anas alenge na iwa di nin ninyerte lissame nin lin life nitin mine.
Ipapo ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo.
2 Nwa lanza liwui unuzu kitene kani liwa di gberere nafo udu nmyen midya nin tutu Kutelle. Udunu lisui ye na nwa lanza tutung wadi nafo tiwui nidowo na anan fowe wa din fowe.
Uye ndakanzwa inzwi richibva kudenga rakaita somubvumo wemvura zhinji uye samaungira okutinhira. Inzwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vanoridza rudimbwa rwavo.
3 Iwa su awa apesse nbun kutet tigo we nin bun na nan lai nanas a akune. Na umong wasa ayinno aweu ba andi na anit amni akalt likure nin nakut anas nin na nasse na ina tucu nani nanya in yii ba.
Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika.
4 Inunghare alenge na ina nanza atimine nin dinong na wni ba, bara ina ceo ati mine lau na ina nanza atimine nin dinong na wani ba. Inughee alenge na ina dortu kukan Kutelle vat kiti kanga na ama du. Alengenere iwa bolu nani unuzu nanya nidowo nanit iso kumat ncizunu udu kiti Kutelle nin kukam Kutelle.
Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibisa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.
5 Na iwa se kinu tinnu mine ba, bara na ina se lidarni nghinue ba.
Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa.
6 Nwa yene nkan gono kadura din galu kitene Kutelle, ulenge na awa min kadura nliru ugegeme ulenge na ama bellu unin kiti na lenge na issosin in yii vat, vat timyin, akara, tilem nin nanit. (aiōnios g166)
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose. (aiōnios g166)
7 Awa yicila nin liwui lidya aworo, “Lanzan fiu Kutelle ini ghe ngongong. Bara kubi nshara me nda sunghe usujada, ame ulenge na ama kye kitene kani, nin kutyen, kurawa a vat nin gingawa.”
Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.”
8 Nkan gono kadura Kutelle kin ba dofino kimal me a woro, “Udio, udio Ubabila udya, ulenge na amati vat ti myin ina nani na sono ntoro kaput ndinong me, ntoro mongo na sono ntoro kaput ndinong me, ntoro mongo na mina daghe nin tinana nayi kang.”
Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.”
9 Nkan gono kadura Kutelle kin tat dofino nani abelle nin liwui kang a woro, “Asa umong nsu finawa ntene nin cil me usujada, amini sere kulap kitin me sa ncara me,
Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko,
10 ame wang ma sonu nanya nmyen narau tinana nayi kutelle mongo ina kyek ico minin sa usarunu nanya kashik tinana nayi me. Unite na aa sono ama niu kang nin la a ulon nla Kutelle nbun nnono kadure me nilau nin bun kukan Kutelle.
naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana.
11 Ncing nnui mine ma ghanju kitene kani sa ligang ana ima yitu nin shinu ba lirin nin kyitik-inung anan nsujada finawan tene sa ncil me, nin lenge na ana seru kulap lissame. (aiōn g165)
Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.” (aiōn g165)
12 Uyicu ule un na nit alau alenge na ina teru nibinai mine, iyinna nin tiduka Kutelle nin yinnu sa uyene nin Yesu.
Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanoramba vakatendeka kuna Jesu.
13 Nwa lanza liwui kitene kani nworo, “Nyertin ilele. Anan kolyari alenge na ina kuzu nanyan Cikilari.” “Nanere,” ubellun Ruhu, “bara inan shino nanya katwa mine, bara nitwa mine ma dofinu nani.”
Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.” “Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”
14 In yenje, in yene kuwut kubo, umon sossino kitene kuwut kuboe nafo usaun nnit. Awa di nin litappa fizinariya liti me a kuwatan kileo ncara me.
Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe “akaita somwanakomana womunhu” ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake.
15 Nkan gono kadura Kutelle nuzu nanya nhaikale a yicila nin liwui kang kiti nlenge na awa sossin kuwutte aworo: “Yauna kuwatan fe ucizin upitiru kiti. Bara kubi npituru in yii nda.”
Ipapo mumwe mutumwa akabuda mutemberi akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga agere pagore akati, “Tora jeko rako ugokohwa, nokuti nguva yokukohwa yasvika, nokuti gohwo renyika raibva.”
16 Ame ulenge na awa sossin kuwutte tunna a vilino kuwantang me kitene kani in yii, amini wa pitirin unin.
Saka iye akanga agere pagore akavheyesa jeko rake panyika, nyika ikakohwewa.
17 Nkan gono kadura Kutelle nuzu nanya kutyi kulau kitene kani, ame wang wa di nin kuwantang kiloo kang.
Mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri mudenga, naiyewo akanga ane jeko rinopinza.
18 Nkan gono kadura tutung nuzu nanya ngagadi, gono kadura kanga na amere din cinu nin la. Ayicila gono kadura kanga na awa myin kuwantan nin lisui kang aworo, “Yira kuwatan fe upitiru a kuri niburi naca agbalala in yii, bara kumat mine nene in yini.”
Mumwezve mutumwa, akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda achibva paaritari akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza akati, “Tora jeko rako rinopinza ugounganidza masumbu amazambiringa anobva pamuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.”
19 Gono katwa we vilino kuwatan me nanya a pitirino kumat naca kugbalale nanya in yii a to nanya kusul npulu niburi naca tinana nayi kutelle.
Mutumwa akavheyesa jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa awo akaakanda muchisviniro chikuru chewaini chehasha dzaMwari.
20 Kiti npulu ni buri nale wa di ndas kipine nmii co mi nuzu udas kitin pulu niburi nace. Mi ghana barang kitene kani mi kata nbarang nati nibark uwa di yissin pit nafo timel akalt aba.
Akatsikwa muchisviniro, kunze kweguta, uye ropa rikayerera richibuda muchisviniro rikakwira kusvikira pamatomu amabhiza kwechinhambwe chinoita makiromita mazana matatu.

< Uruyan Yuhana 14 >