< Filimon 1 >

1 Bulus kucin Nkristi Yesu, nin Timothy gwana bite ucindu kitin Philimo, gwana nsubit nin adon katawe,
Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu,
2 Cindukiti ngwana bit kishono bit Abiffia nin du Akiribu kusoja wang nanya katuwa ucindu kitin nlirangafe:
kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako:
3 Impip Kutellẹ na uyenu nin lisosin limang me nusu kitin inchif bite nin Chikilari Yesu Kristi so nanya mine.
Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4 In su Kutellẹ nin nnjah nngai ko nin shi Kutellẹ
Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,
5 Nndin lanzinu ninghinu nya mine sanlira, ligan na idumung nanya Cikilari Yesu nin yinnu mine sauyenu udu kiti nanit alumai
nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.
6 Nndin nlira ussu katuwa mine nnyan nyinu sa uyenuyits nin likara ulle na udi nanya bite nin Kristi
Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.
7 Bara nnamaluse mang kan, nin nrisu kibinai nanyannsufe, bara nibinai nanit alau nati mang bara fegwana.
Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.
8 Bara nani, vat nanin andina likara kibinai nanya Kristi mtifi usu imon illena ubasu
Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,
9 Vat nani bara usuu nndin suffi usere ukwilizufe meng ulle nwandi. Bulus ndi nawa kilari licin bara Kristi Yesu
asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu
10 Ndifi kucikusu nbekken usau nighe Onisimus ullena ndi ucifme uworu licin nighe.
ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu.
11 Barna awa man difi he, ne ne adi imong icine kitife nin mi.
Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni.
12 Ntoghe ame litime ulle na ukwiliz kitife adi kibinai nighe.
Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo.
13 Ulle na uwang cinghe kitikanghe kang bara fewe awa buni, meg ulle na ndi nanya kilari licin Kutellẹ.
Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri.
14 Nan nndin nin nsa nsu imomon sa uyiru ba. Bara katuwa ichinife waso nafo ana tifiku sua uyin nafew
Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako.
15 Umoh uti iwa kosufi ninghe nanya kubi baat bara unan so ninghe sa ligan (aiōnios g166)
Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, (aiōnios g166)
16 Na adu kuchin ba akalin kuchi, nafo gwana kinnayi nighere badi nin nanin nanere abadikitife nanya kidoawo nin nanya Nchikilari.
asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She.
17 Assa uyirai nafo udon katawer, serreghe nafo meng,
Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita.
18 Assa anitifi umon utanu nmomon ana lifi ure pizira usere kining
Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri.
19 Meng, Bulu, nnyertine nin na chara nin; nba kuturnufik, men bellinfi ndi dortufi ure nlaifeba.
Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri.
20 Eh, gwana, nase liburi liboo nanya Ciliari nse unanku kibinai nanya Kristi,
Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu.
21 Uyinnu nin nnonku litifer udortu lirufe ntah unere nndin nyiru ubasu gbardang ukata nimon ubellu nighe.
Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira.
22 Assault uso naninkelei kuti namara, bara ndi ncisu kibinai nanyan nliran ima yinnu ndak kitife.
Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu.
23 Apafras udon licin nanya Kristi Yesu din lisuu fi
Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai,
24 Nanere wang Marku, Aristaku, Demas Luka, adon katwa ning.
uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni.
25 Na ubollu Nchikilari bite Yesu Kristi so nin infip mine uso nani.
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.

< Filimon 1 >