< Matiyu 10 >

1 Yesu yicila nono katwa me inung likure nan nawaba ligowe a na nani tigo kitene tiruhu tinanzang, i nutuzung nani ndas, ikuru ishizin nin vat tikonu a nsalin cine nidowo vat.
Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.
2 Nene tisan nono katwa we inung likure nan nawabe wadi ne. Unan cizune, Simon (urika na awa yicughe Bitrus), a Adrawus gwane; Yakub usaun Zabadin, nin Yuhana gwane;
Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri: wokutanga ndiSimoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea; Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani;
3 Filibus, nin Batalomi; Yakub usaun Alpensus, nin Tadawus;
Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateo muteresi; Jakobho mwanakomana waArifeasi naTadheo;
4 Simon unan pizuru tigo nati, nin Yahuda Iskaroti, ulenge na ama lewughe.
Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira.
5 Ale likure nan nawabe Yesu wa tuu nani. a wunno nani atuf aworo, “Na iwa do kika alumai duku ba, tutung yenjen iwa piru kan kagbirin Samariya.
Jesu akatuma gumi navaviri ava, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yeveDzimwe Ndudzi kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria.
6 Nana na can kilarin nakam nwulun Israila.
Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.
7 Tutung asa inya, belen nani uliru Kutelle iworo, “udak kipin tigo Kutelle nda duru.'
Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’
8 Shizinon nin nanan tikonu, fyan anan kul, wesen anan tikutulu, tutung nutuzunon agbergenu. Inan filin munari, anung wang filizinang.
Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo.
9 Na iwa yiru fizinariya, azurfa sa fi jangaci tika mine ba.
Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu;
10 Yenjen iwa yaun nkan cin bara ucin mine, sa altuk aba, sa akpata, sa ucan ncin, bara unan katwa ma diru imonli me ba.
musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake.
11 Vat kagbiri sa atii alenge na ipira, pizira ulenge na ado Kutelle nanye, isoku udu lilongo na ima nyiu.
“Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo.
12 Asa idin piru nanya kilare, lisonnani.
Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo.
13 Iwa kawu minu mang na ayi asheu mine so nanghinu, anna ikawa minu mang ba na ayi asheu mine kpilin kiti mine.
Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
14 Inung tutung alenge na Isere minu ba, a na ilanza uliru mine ba, iwa nya yiu kilari kane sa kani kagbire, kotinon lidau nabunu mine.
Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo.
15 Kidegen ndin bellu minu, anan Sodom nin Gomora ma katinu nin lanzu mang lirin shara nin kani kabgwere.
Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro.
16 Yenen, nto minu ndas nafo akam nanya niyiyo, bara nani, yitan jijin nafo iyii ikuru iyita sa unanzu nimon nafo awulung.
Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva.
17 punon iyizi anit mung! Iba du ninghinu ubun nago, tutun nanya natii nlira mine iba kpizu minu.
“Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo.
18 Iba kuru ida ninghinu ubun na gomna nan nago bara meng, uma so nafo ushaida nanya nalumai.
Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokune veDzimwe Ndudzi.
19 Iwa do ninghinu kiti mine, yenje iwa fo kidowo kitene nimon ilenge na ima bellu, bara imon ilenge na ima bellu ima niminu nanyan koni kube.
Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura,
20 Bara na anughere ma su ulire ba, Uruhu Kutelle nanya minere ma liru.
nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri.
21 Gwana ma lewu gwana idi molu, Ucif tutung gonome. Nono mafitu mayardang nin nacif mine inin tizu nani idi molsu nani.
“Mukoma achaurayisa mununʼuna wake, nababa mwana wavo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.
22 Anit vat ba nari minu bara lissaning. Ama vat nlenge na atere kibinayi udu liganye, ama se utucu.
Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
23 Iwa kara minu nka kagbiri, con udu kan, bara kidegenere idin bellu minu, na ima nuzu vat uduru nigbirin Israila ba, gonon Nit ma dak.
Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungatizira kumaguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka.
24 Na gono unan masu wasa akata unan dursuzu me ba, sa kucin yita nbun Cikilari me.
“Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake.
25 Ubatina ame unan mase so nafo unan dursuzu me, nanere kucin nafo Cikilari me, iwa yicila Cikilare Belzubal, ma ngbardang nanzu nale na idi nanya kilari me ma yitu nyizari!
Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake!
26 Bara nani, na iwa lanza fiu mine ba, bara na imomong duku na itursun, ilenge na ima punu ba, a na imong duku ilenge na iyeshin ile na ima yinnu nin ning ba.
“Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi.
27 Ilenge imon na Nbellin minu nanya nsirti, bellen ining nin wui, tutung ile imon na ilanza baat nin natuf mine, ghanan kitene kilari ibellin ku.
Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba.
28 Na iwa lanza fiu nle na ama molu ka kidowe ba, ama na awasa amolo ulai ba. Na lanzan fiu nlenge na awasa amolo vat ka kidowe nin laiye nla saligan. (Geenna g1067)
Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. (Geenna g1067)
29 Na niwulun niba idin lesu ni nin nin nikurfu baat ba? Vat nin nani, karum wasa ka deu kutyin sa uyirun Cif mine ba.
Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira.
30 Titi litife wang ayiru timashi nari.
Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa.
31 Na iwa lanza fiu ba, ikatin niwulung nane nin gongon.
Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.
32 Bara nani, vat nlenge na a yinna nin mi nanya nanit, Meng wang ma yinnu ninghe nbun Ncif ning, ulenge na adi kitene kani.
“Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.
33 Ame tutung ulenge na anari nbun nanit, meng wang mmanari ghe nbun Ncif ning, ulenge na adi kitene kani.
Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
34 Yejen iwa kpilza nna dak nin lissosin limang nyie. Na nna dak nin lissosin limang ba, nna dak nin kusangaliari.
“Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo.
35 Bara nna dak nda dunjo unit nin cifme, a ushono nin name, a uwul nin nanlesme.
Ndakauya kuti: “‘mwanakomana apesane nababa vake, mwanasikana apesane namai vake, muroora apesane navamwene vake,
36 Anan nivira nin nit ba yitu anan nanya kilari me.
vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’
37 Ame ulenge na adi nin su cif sa uname nbun ning na abati unan dortu ninghe ba. Tututng ame ulenge na adi nin su nshonome sa usaunme nbun ninghe, na abatin unan dortu ning ba.
“Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu.
38 Ame ulenge na ayauna kucan kotinu me adofini ba, na abatin unan dortu ninghe ba.
Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu.
39 Ame ulenge na ase ulai me ba diru unin. Ame tutung na adira ulai me bara meng, ama se unin.
Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.
40 Ulenge na asere minu, asere mengku, ame tutung na aserai, asere ulenge na atoyi.
“Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.
41 Ame ulenge na asere unan liru nin nu Kutelle ama seru ulada nna liru nin nu Kutelle. Tutung ame ulenge na asere unit ulau bara adi unit ulau, ama seru ulada nnit ulau.
Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama.
42 Vat nlenge na ana umong nanya nabebene alele, ka kop nmyen micancam asono, bara ame unan kadura Kutelleri, kidegen nbellin minu na ama diru ulada me ba.”
Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”

< Matiyu 10 >