< Yuhana 20 >

1 Nin kwui dindin nwui un cizinu nayiri kuzor, a kiti dutu kalum kalum, Maryamu Magdalin da kiti kissekke; ayenne iyilino litala nnu kissekke.
Mangwanani, pazuva rokutanga revhiki, kuchakasviba, Maria Magadharena akaenda kuguva akaona kuti ibwe rakanga rabviswa pamukova.
2 A co ada kitin Simon Bitrus nin kanin gono katwawe na Yesu wa di nin suwe, a woro nani nenge, “Ina da yiru Cikilare ku nanya kissekke i nya mun, na tiyiru sa ina di nonkoghe nweri ba.”
Saka akauya achimhanya kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi, uya aidikanwa naJesu, akati, “Vabudisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuisa!”
3 Bitrus nin kani gono katwawe nuzu udas, ido kiti kissekke.
Saka Petro nomumwe mudzidzi vakabuda vakaenda kuguva.
4 I tunna ncum ligowe, kani gono katwawe katiza Bitrus ku nin cum a yaringhe ndi duru kiti kissekke.
Vose vari vaviri vaimhanya, asi mumwe mudzidzi akamhanya kukunda Petro akatanga kusvika paguva.
5 A tumuno a gbino nanye; a yene ugudun ubome non kitene, ama na awdi asa pira nanye ba.
Akakotama akatarira mukati pamicheka yakanga iri pasi asi haana kupinda.
6 Simon Bitrus da kidun me a pira nanya kissekke. A yene ugudun ubowe non nanye,
Ipapo Simoni Petro, uyo akanga ari shure kwake, akasvikopinda muguva. Akaona micheka iri pasi,
7 nin nimon ile na iwa di litime, na iwa non kiti kirume nin nileli imone ba, inin wa jinkpilin ussanme ugan.
pamwe chete nomucheka wokuvigwa nawo wakanga uri mumusoro waJesu. Mucheka uyu wakanga wakapetwa uri woga, wakaparadzaniswa nomumwe mucheka.
8 Ame kani gono katwa we wang pira, ule na awa tu a duru kiti kissekke; ayene ayinna.
Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda.
9 Uduru koni kube na iwa yiru uliru Kutelle nworu, gbas Yesu ma fitu nanya nanan kul.
(Vakanga vasati vanzwisisa kubva muRugwaro kuti Jesu aifanira kumuka kubva kuvakafa.)
10 Nono katwa tutung nya ucin du nilari mine.
Ipapo vadzidzi vakadzokera kumusha kwavo,
11 Maryamu wa yissin ndas kisseske kuculu, na awa di kucule, a tumuno a gbino nanya kissekke.
asi Maria akaramba amire kunze kweguva achichema. Achiri kuchema kudai, akakotama kuti atarire muguva
12 A yene anan Kadura naba sossin nin nimon ibo, umong kusari lite a umong kusari nabune, kiti kanga na kidowon Yesu wa non ku.
akaona vatumwa vaviri vane nguo chena, vagere pakambenge pane mutumbi waJesu, mumwe kumusoro uye mumwe kumakumbo.
13 I woroghe, “Uwani, iyaghari nta udi kuculu?” A woro nani, bara ina yiru Cikilari ning a nan yiru kiti ka na ina ceoghe ku ba.”
Vakamubvunza vakati, “Mai, munochemeiko?” Akati, “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kuti vamuisepi.”
14 Na a belle nani, a gitirno ayene Yesu ku yissin kitene, ama na ame wa yinnin nworu Yesuere ba.
Ipapo akatendeuka akatarira shure akaona Jesu amirepo, asi haana kuziva kuti akanga ari Jesu.
15 Yesu woroghe, “Uwani iyaghari udi kuculu mun? Udin pizuru ghari ku? Awa kpiliza nafo unan kye kunenari, a woroghe, “Cikilari andi ukalaghe kite, belli kika na uceoghe ku, Meng ma di yirughe in nya mun.”
Akati, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Maria achifunga kuti aiva muchengeti webindu, akati, “Ishe, kana mamutora, ndiudzei henyu kwamamuisa ndigomutora.”
16 Yesu woroghe, “Maryamu” A kpila kidowo me a woroghe nin ti Yahudanci, “Rabboni” Unare, “Unan dursuzu niyerti.”
Jesu akati kwaari, “Maria.” Akatendeukira kwaari akadanidzira nechiHebheru achiti, “Rabhi!” (kureva kuti Mudzidzisi).
17 Yesu woroghe, “Na uwa dudai ba, bara na nsa ghana udu kiti Ncif ba; ama can kitin nnuwna nighe u woro nani, nma ghanu udu kitin Ncif ning nin Cif mine, Kutelle ning nin Kutelle mine.
Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti handisati ndadzokera kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undovaudza kuti, ‘Ndiri kudzokera kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu, naMwari wenyu.’”
18 Maryamu Magdalin uni wa da bellin nono katwa we, a woro, “Inyene Cikilare” amini nbelleghe ile imone.
Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akandovaudza kuti, “Ndaona Ishe!” Uye akavaudza kuti Jesu akanga areva zvinhu izvi kwaari.
19 Na kulelen nta nwui une, lirin ncizunu nayiri kuzor a nibulun tursuzuno vat, kiti kanga na nono katwa we wa sossin ku bara fiu na Yahudawa, Yesu da ada yissina kitik mine a woro nani, “Sen lissosin lisheu.”
Madekwana ezuva rokutanga revhiki, vadzidzi pavakanga vari pamwe chete, mikova yakazarirwa nokuda kwokutya vaJudha, Jesu akauya akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”
20 Na a belle nani, a durso nani ucara me nin likot me. Na nono katwa we yene Cikilare, ayi poa nani.
Shure kwokutaura izvi, akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakafara zvikuru pavakaona Ishe.
21 Yesu kuru a woro nani, “Na lissosin lisheu yita nanghinu. Nafo na Ucife na tuyi, nanere meng to minu.”
Jesu akatizve kwavari, “Rugare ngaruve kwamuri! Sezvo Baba vakandituma, ndiri kukutumaiwo.”
22 Na Yesu belle nani, a pene nani a woro nani, “Seren uruhu ulau.
Uye adaro akavafemera akati, “Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23 Alenge na ishawa nin kulapi mine, ishawari une; alenge na anung ceo alapi mine, alapi ane nsowa une.”
Kana muchiregerera ani zvake zvivi zvake, zvicharegererwa; kana musingavaregereri, havaregererwi.”
24 Tuma umong nanya likure, ulenge na idin yiccughe fibari, na awa di ligowe nanghinu kubin dakin Yesu ba.
Zvino Tomasi (ainzi Dhidhimo), mumwe wavane gumi navaviri, akanga asiri pamwe chete navamwe vadzidzi, Jesu paakauya.
25 Ngisin nono katwa we d woroghe, “tiyene Cikilare.”A woro nani, “Andi na meng yene nacara me kitin kottunu nikuse nceo licin ning ku, ikuru ceo ucara ning likot me ba, na meng ma yinnu ba.”
Saka vamwe vadzidzi vakamuudza kuti, “Taona Ishe!” Asi iye akati kwavari, “Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi.”
26 Kimal nayiri kulir, nono katwa me wadi kutii, a Tuma yita ligowe nanghinu. Yesu da pira a kibulune tursuno, a yissina kiyitik mine, a woro, “Na lissosin lisheu yita nanghinu.”
Vhiki yakati yapera, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi akanga anavo. Kunyange zvazvo mikova yakanga yakapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”
27 A woro Toma ku, “Nakpa licinfe ududo kikane, yene ucara nin tutung; nakpa ucarafe, dudo likot nighe; na uwa yita nin salin yinnu sa uyenu ba, yinna.”
Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.”
28 Toma kpana a worogeh, “Cikilari ning ni Kutelle ning.”
Tomasi akati kwaari, “Ishe wangu naMwari wangu!”
29 Yesu woroghe, “Bara na uyenei, umini in yinna. Anan mariari ale na i yene ba, inani nyinna.”
Ipapo Jesu akati kwaari, “Nokuda kwokuti wandiona, zvino watenda; vakaropafadzwa avo vasina kuona asi vakatenda.”
30 Nene Yesu wa su imon izikiki gbardang nbun nnono katwa me. Imon izikiki gbardang, ilenge na iwa yertin nanya kubaga nliru ba;
Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
31 Ilengene na ina yertin bara anung nan yinna Yesu amere Kristi, Usaun Kutelle, bara asa iyinna, nmoti ise ulai nanya lissame.
Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.

< Yuhana 20 >