< Katwa Nono Katwa 24 >

1 Na ayiri atat in kata, Ananiyas udya na Priest, among akune nin, nin mong una yirun liru lissame Teritullus, nya udu kite. Ale anite da nin vurun liru litin Bulus.
Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesaria navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati.
2 Na Bulus in yissina in bun gumne, Teritullus tunna aghanan vurzughe in liru aworo ugumne, “Bara fe tidi nin lissosin limang; tutung ukpiluzung in bunfe in danin nimon icene in nmyen bit;
Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kunzwisisa kwenyu kwakashandura rudzi urwu.
3 nani nin godo udya tikpana vat nin nimon ilenge na usu, Felix uniti udindya.
Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitoo yose kwose kwose.
4 Bara na ayedi in yissafi kang ba, indin potufi acara, lanzai baat nin kunene.
Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku.
5 Bara tikpaghe nin kulapin tizu na Yahudawa vat nanya nyii inari uduka. Amere udya nanan dortu kunan Nazeret.
“Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta
6 Amani mala uti kutii inlira kudyawe facak; unare tinani kpaghe.
uye akaedza kunyange kushatisa temberi; ndokusaka takamubata.
7 Amma ugo likume Lisiyas wa dak, a da kpalkinghe nin likara na cara bite.
Asi Risiasi mukuru wavarwi akauya akamutakanura mumaoko edu nechisimba.
8 Asa utiro Bulusku kitenen tipinpin tone, fewang manin yinnu imon irika na tidin bellu litime.”
Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziva chokwadi chemhosva dzatiri kumupomera.”
9 A Yahudawe ligowe vat joro Bulus iworo, uliru ulele kidegenghari.
VaJudha vakabvumirana nezvaakanga achipomerwa, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi.
10 Ama na ugumne woro Bulus ku alirin, Bulus kawa, “Inyinno nwo fedi unan mawucuwucu nmyen mone inworsu, bara nani nin kibinayi kibo inma bell uliru litining.
Mubati akati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Ndinoziva kuti manga muri mutongi worudzi urwu kwamakore mazhinji; saka ndinofara kuti ndizvidavirire.
11 Use uyinnu in woro na isa kata ayiri likure nin naba ba nin duning u'Urushalima indi su usujada;
Imi munogona kuziva nyore nyore kuti mazuva gumi namaviri haasati atombopera kubva pandakaenda kundonamata kuJerusarema.
12 na inung wase mengku nanya kutii in lira kudywe, na meng wasu mayardang nin mong mine ba, tutung na meng na tulu ligozin nanit ba, na inansu nani kutii in lira kudywe ba, a na inna su nani nanya kagbri ba;
Vapomeri vangu havana kundiwana ndichiita nharo naani zvake mutemberi, kana kumutsa bope musinagoge kana papi zvapo muguta.
13 tutung na inung wasa durofi ulire na idin vuszi mung ba nene.
Uye havagoni kukubudisirai chokwadi chemhosva yavanondikwirira.
14 Ama meng yinna nbunfe nworu, kitene libauwe na inung din yiccu umon ubi, in loli libau lirumere ndin su Kutelle nacif ning katwa. Meng di lau nanya vat nimon ile na idin duka nin nana liru nin nuu Kutelle.
Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muVaprofita,
15 Meng dinin yinnu urumere kiti Kutelle, nafo na ale anite din caa ndakin fituzu nanan kul, nan vat nanit alau nin nanan dinong;
uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa.
16 tutung nanya nile imon, ndi katwa nwo in yitta nin kibinayin sali nalapi nbun Kutelle nin nanit nanyan vat nimon.
Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu.
17 Nene kimalin katu nakus gbardan inna dak nin bunnu udya a ufillu nikubu bara anit ning.
“Shure kwamakore mazhinji ndisipo, ndakauya kuJerusarema kuti ndizopa vanhu vokwangu zvipo zvavarombo uye kuti ndizopa zvipiriso zvangu.
18 Na nwa din sunani, among a Yahudawa in Asiya wasei nanya lidun kusu litining nanya kutii inlire, na nwa di nin ligozin sa ufiu nayi ba.
Ndakanga ndakazvinatsa pavakandiwana ndiri mutemberi ndichiita izvi. Pakanga pasina vanhu vazhinji vaiva neni, uye handina kumboita nyonganyonga.
19 Ale anite na idin bunfe, na ibellin imon irika na idumun kibinayi ninmi, adi idimun nimonimon.
Asi pane vaJudha vanobva kuEzhia, vaifanira kunge vari pano pamberi penyu, ndivo vaifanira kundipa mhosva kana vainge vane mhosva ipi zvayo neni.
20 Sa na anit alele bellin utanu ule na inasei mun kubi ko nq nwq yissin kudaru na Yahudawe;
Kana ivava vari pano vanofanira kutaura mhaka yavakawana mandiri pandakamira pamberi peDare Guru ravaJudha,
21 andi na macas ile imon irume na nwa ghatin liwui nbelle kube na nwa yissin nbun mine, 'Ubelen fitu nanan kularita udi mawucuwucu kitimone.'”
kunze kwechinhu chimwe chete ichi chandakadanidzira pandakanga ndimire pamberi pavo kuti, ‘Ndiri kutongwa maererano nokumuka kwavakafa; ndizvo zvaita kuti ndive pamberi penyu nhasi.’”
22 Iwa bellu Felix ku gegeme kitene libauwe, bara nani ata a Yahudawe so ncaa. Aworo, “Vat kubi ko na Lasiya udya nasoje da unuzun Urushalima imanin wusu uliru mine.”
Ipapo Ferikisi uyo akanga achizivisisa nezveNzira iyo, akambomisa dare. Akati, “Kana Risiasi mukuru wavarwi auya, ndichatonga mhosva yenyu.”
23 Anin woro kusoje asu ucaa in Bulus, tutung na awayita gangang ba, yenje awa nazu adondon me nin bunghe sa uda lissughe.
Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe navarindi asi ave akasununguka uye shamwari dzake dzibvumirwe kuti dzimuvigire zvaanoda.
24 Na ayiri baat in kata, Felix kpila nin Durisilla uwani me, kunan Jewess, anin to iyiccila Bulus ku, anin lanza kitime ubelle yinnu sa uyenu kitene Kristi Yesu.
Mushure mamazuva mazhinji, Ferikisi akauya nomukadzi wake Dhurusira, uyo akanga ari muJudha. Akadana Pauro kuti auye vagozomunzwa sezvo aitaura pamusoro pezvokutenda muna Kristu Jesu.
25 Ama na Bulus lira ninghe kitene lissosin lilau, ukifu litin, nin dakin shara, fiu kpa Felix ku; anin kawa, “Can nene, asa nse kubi tutung inma yicculu fi.”
Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.”
26 Kubi kurum kone, awadin su Bulus ma ninghe ikurfu, unare asa to idak ninghe anin lira ninghe.
Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye.
27 Ama na akusu aban kata, posiyus Fistus so ugumna kimal in Felix, Felix wadi ninsu ase useru kitin na Yahudawa, asuna Bulus ku alii ubun nanya tursu.
Makore maviri akati apfuura, Poshiasi Fesitasi akatora nzvimbo yaFerikisi, asi nokuda kwokuti Ferikisi aida kufadza vaJudha, akasiya Pauro ari mutorongo.

< Katwa Nono Katwa 24 >