< 2 Ukorintiyawa 5 >

1 Tiyiru ninaa na ti susin ku nanya yii ulele ima da pucu niining, tidi nin nilari kiti Kutelle nanya na acaramnit na kyee ba, barannani nin lisosin sa lingang nanya tkitene kane. (aiōnios g166)
Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga. (aiōnios g166)
2 na nanya kudanga kone tidin gbulu, ncaa ida kirum nari nin nilari Ketene kane.
Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga,
3 nani tiwa yita suwe nanin bara na tiwa soo asere ba.
nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama.
4 Kidegene tiwa di nanya kudanga kune tiama gbulu bara nati iserengh, nao tidinin su tiso Iseere ba, bara na tidin nin su ikiru narriari, bara imun ile na nidowo wa ni yauna nin lai
Nokuti kana tiri mutende ino, tinogomera uye tichiremerwa, nokuti hatishuvi kugara tisina kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, kuti icho chinofa chimedzwe noupenyu.
5 Ame ule na adi ke nari bara ile imune Kutelle ari. na ana nari nfep nato, alkawali ni mun ile na idin cinu.
Zvino Mwari ndiye akatigadzirira chinhu ichi, uye akatipawo Mweya sorubatso, achisimbisa zvinouya.
6 nani vat kubi yitan nin nayi akune yinong ti wwa di kitari nanya kudowo, tidi piit nin cefe.
Naizvozvo tinotsunga mwoyo nguva dzose uye tinoziva kuti kana tichigara mumuviri, tiri kure naIshe.
7 na tidin cin nin yinu sa uyen, nanin yenjunari, ba.
Tinorarama nokutenda, kwete nokuona.
8 Bara nanin ti din nin nay, akune mbara ti yita piit nanya nidowo tiyita kilari nan cif bat.
Ndinoti tinotsunga mwoyo, kuti, zviri nani kubva mumuviri ndive kumusha naShe.
9 ilele na ti taa inin nbung, kika natiwa di kilari nin libau ti tighe kibinai.
Saka chinangwa chedu ndechokuti timufadze, kunyange tiri mumuviri kana kunyange tisingagarimo.
10 vat bite bin da yisinun bun kutet nin wucun Krist, bara koghe da seru mun ile na idi ime na nanya kidow, sa icininari sa inanzang.
Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.
11 , nin yinu fiu ncef ti din yecu anit, imile na tidi Kutelle din yenju imin kanan, idin cisu kibinai nanere idi kanang nanya nibinai mine.
Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu.
12 Na tidin ruu ati bite mini tutung ba nanere tidin ni minu udalili na ima foo figiri nin yerik bara inase ukawun nuu na len idin foo figiri nile num na idin yenj, na imun ille na isali kibinai.
Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo.
13 Bara nani tiwa nuzu nanya nibinai bite un Kutelle ri tiwa di nanya nibinai bite dert bara anunghere.
Kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu.
14 Bara nani usun Kristin uluno nari bara nati yina nin nilele, au wasame, nadaku bara vat bit, minnane vat name ku.
Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa.
15 Nin Kristi na da ku bara vat bi, bara ale na bayeti nin la, na i wa yita nin lai natimine ba bara nane na iyita nin lai bara ule na ana da ku amine nafit.
Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa.
16 Bara nnani ule udalili nt, uyeru nene udu ubun nati ba wucu umon bara uyiru nit ba koda shilka nkon kabi tiwa yiri Kristi nanya nleli udun. Bara nani na tima kuru ti wucu umong nloli libauwe tutung ba.
Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuziva saizvozvo.
17 Nin nane vat nle na adi nanya Krist, ame uke upeseri imun ikuse na malu kat, yeneng imun ipesere di nanya me nene
Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!
18 Imon vat unuzu Kutelleri ule na adin pitiru nari udu litime nanya Krist, amini na ninari kataa pitiure.
Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa:
19 Nafo nanin nanya Kristi Kutelle din pitiru uye udu litim, na adin batizu utursu nalapi ba nin nizu nari pitiru na cara bite.
ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.
20 Nani ina fere nari mmadadin Krist, nafo Kutelle wadin foo nacara b, bara Kristi; “Kelinen ni nKutelle.”
Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.
21 Kristi ku aso uhadaya kulapi bite ule na ana ti kulapi b, bara nanya Kristi ti ba so anit alau kiti Kutelle.
Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.

< 2 Ukorintiyawa 5 >