< 2 Ukorintiyawa 10 >

1 Meng Bulu, men litinin din fuo minu acar, bara utoltinu liti nin sheu in Kristi na men na kifo kubi kona iwa di nan ghin, bara indin fuo figiri ni ghinu kubi kona indi nan ghinu ba.
Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo!
2 Idin fuo minu acar, na iwadi nan ghin, na ina yitya in pun figiri nin nayi ale na uca, bara mma yinu ba nin na le na iworo arik tin cin nanya kidawo.
Ndinokukumbirisai zvikuru kuti kana ndichinge ndasvika kwamuri ndirege kuzova nokushinga kwandinofanira kuva nako kuna vanhu avo vanofunga kuti tinorarama namararamiro enyika ino.
3 BAara na tidin cin nanya kidawo, aina likum bite kin kidawari ba.
Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino.
4 Bara imong kabung bite in kidawari ba. Bara nanin ti dini nimong likara kitene na nazu adadu likar, na idin dasu nin ma yartdan ma hem '
Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare.
5 Tutung tidin nanzu vat nimon ile na imafitu kitene Kutell, tiyiru vat nkpilzu usu kucin nruu Kristi.
Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.
6 Tidin caa ubucu vat nittwa isalin ni liti iwase ati uni nati mune ukulo
Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa.
7 ilemong na idi cana ibunmine. Andi umong yina ayita nafo Kristi na yita nafo Kristiare wang.
Imi muri kungoonera zvinhu pamusoro bedzi. Kana munhu achivimba kuti iye ndowaKristu, ngaarangarirewo zvakare kuti isu tiri vaKristu sezvaakaitawo iye.
8 Bara na inwa riu figiri kang mbelin g likara bite lo na Ucif wani ike minu mun na inanza minun b, na mba incin ba
Nokuti kunyange dai ndichizvirumbidza pachena pamusoro pesimba ratakapiwa naIshe rokukuvakai kwete rokukuputsirai pasi, handinganyadziswi nazvo.
9 Na indi nin su iyene nafo indin ziu minu nin miyert nin ba.
Handidi kuedza kuita sendinokutyisidzirai netsamba dzangu.
10 Bara amung din belun ''iyert me din ziu nin likr, bara na iyarnu adi nin nagan ba uliru na me lien ulazu ba “
Nokuti vamwe vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makukutu uye dzine chisimba, asi iye pachake haatyisi uye kutaura kwake hakuna maturo.”
11 Na anite yinin nilemong na tibenle brq nin bung na ti diku b, imong irum mere ti ba suu kubi ko na tidi kikane.
Vanhu vakadai vanofanira kuziva kuti zvatiri mumatsamba edu kana tisipo, ndizvo zvatichava pakuita kwedu kana tavapo.
12 Natina duo pii ba ipiru natibite, konin batizu nati bit nin nale na idin foo figi mine. Bara kbi kona idin gwadizu atimine nin namonn, nin nani ima se uyenju seng ba.
Hatidi kuedza kuzvienzanisa kana kuzvifananidza navamwe vanozvirumbidza. Pavanozviera vachizvienzanisa naivo pachavo, havana kuchenjera.
13 Na ariki wasa ti foo figiri ti kata likara ni lemong na ti wasa tui suu b, bara na tina cinu kusari ko na Kutelle b, bara na tiduro nani har ti da duru anunku.
Zvisinei, isu hatingazvirumbidzi kupfuura mwero wakafanira, asi tinogumisa mwero wokuzvirumbidza kwedu pabasa ratakapiwa naMwari, basa rinosvika kunyange kwamuri.
14 Bara na tina kata ti kala ati bite ba na tima dak kiti min, arikere wa di anan bunu nse minu nlirun Kristi.
Hatizi kupfurikidza mwero pakuzvirumbidza kwedu, sezvazvaizova kana dai takanga tisina kuuya kwamuri, nokuti takasvika kwamuri nevhangeri raKristu.
15 Nati din foo figiri tikata likara bite ba barabkatwa na mon, bara na tidin cisu kibinai nafo na uyinu sa uyenu mine din kunju nin min bit ngira katwa we bapunu kidawo gbradan.
Uyezve hatipfuuri miganhu yedu nokuzvirumbidza pamusoro pebasa rakaitwa navamwe. Tariro yedu ndeyokuti, pamunoramba muchikura pakutenda kwenyu, mashandiro edu pakati penyu achakurawo kwazvo,
16 Ariki wang ba belu uliru Kutelle tikata kika na anung na dur. Nati ma foo figiri mbelen katwa ka na ina su kusarin na mong ba.
kuitira kuti tigoparidza vhangeri kumatunhu ari mberi kwenyu. Nokuti hatidi kuzvirumbidza nebasa rakaitwa kare munzvimbo dzavamwe vanhu.
17 Bara nanin ule na adin foo figiri na afoo figiri nanya Ucif.
Asi, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze muna She.”
18 Bara na ule na ana uti lidu amere asa so cikilari litime barananin lo na cikilarari na na yinin mu.
Nokuti haasi uyo anozvirumbidza achanzi akatendeka, asi uyo anorumbidzwa naShe.

< 2 Ukorintiyawa 10 >